< Jobho 32 >

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.
Lawomadoda amathathu aseyekela ukumphendula uJobe, ngoba wayelungile emehlweni akhe.
2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.
Lwaseluvutha ulaka lukaElihu indodana kaBarakeli umBuzi, owosendo lukaRamu. Ulaka lwakhe lwavuthela uJobe ngoba wazilungisisa yena kuloNkulunkulu.
3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.
Ulaka lwakhe lwabavuthela labo abangane bakhe abathathu, ngoba bengatholanga impendulo, kube kanti bamlahla uJobe.
4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.
Kodwa UElihu wayelindele uJobe ekhuluma, ngoba babebadala ngensuku kulaye.
5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.
UElihu esebonile ukuthi kwakungelampendulo emlonyeni walamadoda amathathu, ulaka lwakhe lwaseluvutha.
6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
Ngakho uElihu indodana kaBarakeli umBuzi waphendula wathi: Mina ngingomncinyane ngezinsuku, lina-ke libadala; ngenxa yalokhu bengithikaza, ngesaba ukulitshela umcabango wami.
7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
Ngathi: Kakukhulume izinsuku, lobunengi beminyaka bazise inhlakanipho.
8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
Isibili umoya ukhona emuntwini, lokuphefumulela kukaSomandla kuyabanika ukuqedisisa.
9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
Abakhulu kabahlakaniphi ngezikhathi zonke, labalupheleyo kabaqedisisi isahlulelo.
10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
Ngakho ngithi: Lalelani kimi; lami ngizatshengisa umcabango wami.
11 Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,
Khangelani, bengiwalindele amazwi enu, ngabeka indlebe ekukhulumeni kwenu okuhlakaniphileyo, lisadinga amazwi.
12 ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.
Yebo, ngalilalela, khangelani-ke, kakho phakathi kwenu omvumisileyo uJobe, owaphenduleyo amazwi akhe.
13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
Hlezi lithi: Sitholile inhlakanipho; nguNkulunkulu ozamxotsha, hatshi umuntu.
14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri namashoko enyu.
Kodwa kangihlelelanga amazwi, langamazwi enu kangiyikumphendula.
15 “Vashamiswa uye havachina chokureva; vapererwa namashoko.
Badideka, kabasaphendulanga, basusa amazwi kubo.
16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
Ngasengilinda, kodwa kabakhulumanga, ngoba bema, kabasaphendulanga.
17 Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.
Lami ngizaphendula ingxenye yami, lami ngitshengise umcabango wami.
18 Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
Ngoba ngigcwele amazwi, umoya wesisu sami uyangiqhubezela.
19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
Khangelani, isisu sami sinjengewayini engavulwanga, njengemigodla emitsha sizadabuka.
20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
Ngizakhuluma ukuze ngiphefumule; ngivule indebe zami, ngiphendule.
21 Handina munhu wandichatsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
Ake ngingaphakamisi ubuso bomuntu, ngingabizi umuntu ngebizo lokubamba amehlo.
22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, Muiti wangu aizokurumidza kunditora.
Ngoba kangikwazi ukunika amabizo okubamba amehlo; masinyane umenzi wami angangisusa.

< Jobho 32 >