< Jobho 32 >

1 Saka varume vatatu ava vakarega kupindura Jobho, nokuti akanga akarurama pakuona kwake.
So these three men ceased to answer Job, because he was righteous in his own eyes.
2 Asi Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, wemhuri yaRami, akatsamwira Jobho zvikuru nokuda kwokuzviruramisira kwake panzvimbo yokuti zviitwe naMwari.
Then the wrath of Elihu the son of Barakel, the Buzite, of the family of Ram, was kindled against Job. His wrath was kindled because he justified himself rather than God.
3 Akatsamwirawo kwazvo shamwari nhatu idzi, nokuti vakanga vashayiwa nzira yokupikisa nayo Jobho, kunyange vakanga vambomupa mhosva.
Also his wrath was kindled against his three friends, because they had found no answer, and yet had condemned Job.
4 Zvino Erihu akanga ambomira kutaura naJobho nokuti ivo vaiva vakuru kwaari.
Now Elihu had waited to speak to Job, because they were elder than he.
5 Asi paakaona kuti varume vatatu ava vakanga vasisinazve chokureva, hasha dzake dzakamuka.
When Elihu saw that there was no answer in the mouth of these three men, his wrath was kindled.
6 Saka Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi akati: “Ndiri muduku pamakore, uye imi muri vakuru; ndokusaka ndanga ndichitya, ndisingadi kukuudzai zvandinoziva.
Elihu the son of Barakel the Buzite answered, "I am young, and you are very old; Therefore I held back, and did not dare show you my opinion.
7 Ndakafunga kuti, ‘Zera rinofanira kutaura; makore mazhinji anofanira kudzidzisa uchenjeri.’
I said, 'Days should speak, and multitude of years should teach wisdom.'
8 Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
But there is a spirit in man, and the breath of Shaddai gives them understanding.
9 Havazi vakuru bedzi vakachenjera, kana vatana chete vanganzwisisa zvakanaka.
It is not the great who are wise, nor the aged who understand justice.
10 “Naizvozvo ndinoti: Nditeererei; neniwo ndichakuudzai zvandinoziva.
Therefore I said, 'Listen to me; I also will show my opinion.'
11 Ndakambomirira pamaitaura, ndakateerera pfungwa dzenyu; pamakanga muchitsvaka mashoko,
"Look, I waited for your words, and I listened for your reasoning, while you searched out what to say.
12 ndakanyatsokuteererai. Asi hakuna mumwe wenyu akapwisa Jobho; hakuna pamuri akapindura mashoko ake zvinogutsa.
Yes, I gave you my full attention, but there was no one who convinced Job, or who answered his words, among you.
13 Regai kuti, ‘Tawana uchenjeri; regai Mwari amukonese, kwete munhu.’
Beware lest you say, 'We have found wisdom, God may refute him, not man;'
14 Asi Jobho haana kunongedza mashoko ake kwandiri, uye handingamupinduri namashoko enyu.
for he has not directed his words against me; neither will I answer him with your speeches.
15 “Vashamiswa uye havachina chokureva; vapererwa namashoko.
"They are amazed. They answer no more. They do not have a word to say.
16 Ko, zvino ini ndingamirira here ivo zvavangonyarara, zvino zvavangomira ipapo vasina mhinduro?
Shall I wait, because they do not speak, because they stand still, and answer no more?
17 Neniwo ndichava nechokutaura; neniwo ndichareva zvandinoziva.
I also will answer my part, and I also will show my opinion.
18 Nokuti ndizere namashoko, uye mweya uri mandiri unondimanikidza;
For I am full of words. The spirit within me constrains me.
19 mukati mangu ndafanana newaini iri muhomwe yakadzivirwa, sehomwe itsva dzewaini dzoda kuparuka.
Look, my breast is as wine which has no vent; like new wineskins it is ready to burst.
20 Ndinofanira kutaura kuti ndirerukirwe; ndinofanira kushamisa muromo wangu ndigopindura.
I will speak, that I may be refreshed. I will open my lips and answer.
21 Handina munhu wandichatsaura, uye handingabati kumeso munhu upi zvake;
Please do not let me respect any man's person, neither will I give flattering titles to any man.
22 nokuti dai ndaiva nyanzvi yokubata kumeso, Muiti wangu aizokurumidza kunditora.
For I do not know how to give flattering titles; or else my Maker would soon take me away.

< Jobho 32 >