< Jobho 31 >

1 “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
Med augo hev eg gjort ei pakt; eg skal’kje skygna etter møy.
2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
Kva gav meg elles Gud der uppe? Kva arv gav Allvald frå det høge?
3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
Kjem ikkje udådsmann i naud? Og illgjersmenn i ulukka?
4 Ko, iye haaoni nzira dzangu uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here?
Ser ikkje han på mine vegar? Tel ikkje han kvart stig eg gjeng?
5 “Kana ndakafamba nenzira yenhema kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera,
Dersom eg fram med fals hev fare, og foten sprunge etter svik
6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
- Gud vege meg på rettferds vegt, so han kann sjå eg skuldlaus er! -
7 kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara, kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu, kana kuti maoko angu akasvibiswa,
Veik mine stig frå vegen av, hev hjarta etter augo gjenge, var det ein flekk på mine hender,
8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
so gjev ein annan et mitt såd, og riv mi planting upp med rot!
9 “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu,
Let eg min hug av kvinna dåra, sneik eg til grannens dør meg fram,
10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.
so lat mitt viv åt andre mala, og andre yver ho seg bøygje!
11 Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.
For dette er ei skjemdarferd, eit brot som dom og straff fortener,
12 Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.
ein eld som eta vil til avgrunns og øydeleggja all mi eiga.
13 “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavane mhaka neni,
Vanvyrd’ eg retten åt min træl og trælkvinna i trætta med deim?
14 ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?
- Kva gjord’ eg då, når Gud reis upp? Kva svara eg, når han meg klaga?
15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?
Dei er som meg i morsliv skapte; ein forma oss i moderfang -
16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,
Um eg sagde nei når arming bad, og let enkja gråtande gå burt,
17 kana ndakazvidyira chingwa changu, ndisingachigoverani nenherera,
hev eg mitt brød åleine ete, so farlaus inkje fekk ein bit,
18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
- nei, far for han eg var frå yngdi, frå morsliv var eg hennar førar -
19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,
Såg eg ein stakar utan klæde, ein fatig utan yverplagg,
20 uye mwoyo wake ukasandiropafadza nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu,
og so hans lender ei meg signa, og ei mi saueull han vermde,
21 kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,
hev eg mot farlaus handi lyft, av di eg medhald fekk i retten:
22 ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu, ruwire pasi napafundo.
Let herdi mi or led då losna, og armen brotna frå sitt bein!
23 Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.
For eg var ovleg rædd Guds straff, eg magtlaus stod framfor hans velde.
24 “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’
Um eg mi lit til gullet sette, og voni til det fine gull,
25 kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,
Gledde eg meg ved auka rikdom, og alt eg vann meg med mi hand,
26 kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,
såg eg på ljoset når det stråla, på månen der han skreid i glans,
27 zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,
vart hjarta mitt i løyndom dåra, so kyss på hand til deim eg sende,
28 zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.
so var det og straffande brot, då neitta eg min Gud der uppe.
29 “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
Hev eg meg gledt ved uvens uferd, og jubla når han kom i skade,
30 handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake,
- men eg let ikkje munnen synda og banna honom ifrå livet -
31 kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’
hev ei mitt husfolk stendigt sagt: «Kven gjekk vel svolten frå hans bord?»
32 Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.
- Eg let’kje framand natta ute; for ferdamann eg opna døri -
33 Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,
hev eg som Adam dult mi synd, og løynt mi misgjerd i min barm,
34 nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,
di eg var rædd den store hop og ottast spott frå ættefrendar, so stilt eg heldt meg innum dører?
35 “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.
Å, vilde nokon høyra på meg! Sjå her er underskrifti mi, lat berre Allvald svara meg! Fekk eg den skrift min motpart skreiv,
36 Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorona.
den skulde eg på oksli bera og binda på meg som ein krans
37 Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.
eg melde honom kvart mitt stig, og som ein hovding møta honom.
38 “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,
Dersom min åker klagar meg, og um plogforerne lyt gråta,
39 kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourima,
åt eg hans grøda ubetalt, tok livet eg av eigarmannen:
40 ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.
Lat då for kveite klunger gro, og ugras der eg sådde bygg!» Her endar Jobs tale.

< Jobho 31 >