< Jobho 31 >

1 “Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.
我同我的眼立了約,決不注視處女。
2 Nokuti mugove womunhu unobva kumusoro kuna Mwari ndoweiko, iyo nhaka yake inobva kuna Wamasimba Ose?
天主由上所注定的一分是什麼﹖全能者由高處所給的產業是什麼﹖
3 Ko, hakuzi kuparadzwa kwavakaipa, nenjodzi kuna avo vanoita zvakaipa here?
豈不是為惡人注定了喪亡,為作孽的人注定了災殃﹖
4 Ko, iye haaoni nzira dzangu uye haaverengi nhambwe dzangu dzose here?
他豈不監視我的行徑,計算我的腳步﹖
5 “Kana ndakafamba nenzira yenhema kana kuti tsoka dzangu dzakamhanyira kunyengera,
我若與虛偽同行,我的腳若趨向詭詐,
6 Mwari ngaandiyere pachiyero chakatendeka uye achaziva kuti handina mhosva,
願天主以公正的天平秤量我,他必知道我的純正。
7 kana tsoka dzangu dzakatsauka kubva pagwara, kana kuti mwoyo wangu wakatevera meso angu, kana kuti maoko angu akasvibiswa,
我的腳步如果離開了正道,我的心如果隨從了眼目之所見,我的手若持有不潔,
8 ipapo vamwe ngavadye zvandakadyara, uye mbesa dzangu ngadzidzurwe.
那麼,我種的,情願讓別人來吃;我栽的,情願讓別人拔出。
9 “Kana mwoyo wangu wakanyengerwa nomukadzi, kana kuti ndakavandira pamusuo wemuvakidzani wangu,
我的心如果為婦女所迷,我如果曾在鄰人門口等候婦女,
10 ipapo mukadzi wangu ngaakuye zviyo zvomumwe murume, uye vamwe varume ngavavate naye.
就讓我的妻子給人推磨,讓別人與她同寢。
11 Nokuti chingadai chiri chinhu chinonyadzisa, chivi chinofanira kutongwa.
因為這是淫行,是應受嚴刑的罪惡;
12 Ndiwo moto unopfuta kusvikira pakuparadzwa; ungadai wakadzura mukohwo wangu.
是一種焚燒至毀滅的火,燒盡我全部產業的火。
13 “Kana ndichinge ndaramba kururamisira varanda vangu, pavane mhaka neni,
當我的僕婢與我爭執時,我若輕視他們的權利,
14 ndichaita sei pandichasangana naMwari? Ndichatiiko ndikanzi ndizvidavirire?
天主起來時,我可怎麼辦呢﹖他若追問,我可怎樣回答﹖
15 Ko, iye akandiisa muchizvaro haazi iye akavaita here? Ko, haazi iye mumwe chete akatiumba tose muna vanamai vedu here?
在母胎造成我的,不是也造了他們﹖在母胎形成我們的,不是只有他一個﹖
16 “Kana ndakaramba zvido zvevarombo kana kurega meso echirikadzi achineta,
我何時曾拒絕了窮苦人的渴望,我何時曾使寡婦的眼目頹喪﹖
17 kana ndakazvidyira chingwa changu, ndisingachigoverani nenherera,
我何時獨自吃食物,而沒有與孤兒共享﹖
18 asi kubva paujaya hwangu ndakamurera sezvinoitwa nababa, uye kubva pakuberekwa kwangu ndakatungamirira chirikadzi,
因為天主自我幼年,就像父親教養了我;自我出了母胎,就引導了我。
19 kana ndakaona mumwe achiparara nokuda kwokushaya zvokupfeka, kana munhu anoshayiwa asina nguo,
如果我見了無衣蔽體的乞丐,無遮蓋的窮人,
20 uye mwoyo wake ukasandiropafadza nokuti adziyirwa namakushe amakwai angu,
如果他的心沒有向我道謝,沒有以我的羊毛獲得溫暖,
21 kana ndakasimudzira nherera ruoko rwangu ndichiziva kuti ndinozivikanwa padare redzimhosva,
如果我在城門口見有支持我者,就舉手攻擊無罪者,
22 ipapo ruoko rwangu ngaruwe papfudzi rangu, ruwire pasi napafundo.
那麼,讓我的肩由胛骨脫落,我的胳膊由肘處折斷!
23 Nokuti ndaitya kuparadza kunobva kuna Mwari, uye handina kuita zvinhu zvakadaro nokuti ndaitya kubwinya kwake.
因為天主的懲罰使我驚駭,因他的威嚴,我站立不住。
24 “Kana ndakaisa chivimbo changu pagoridhe, kana kuti kugoridhe rakaisvonaka ndikati, ‘Ndiwe chivimbo changu,’
我何嘗以黃金為依靠,對純金說過:「你是我的靠山﹖」
25 kana ndakafadzwa nepfuma yangu huru, mukomborero wakabva mumaoko angu,
我何嘗因財產豐富,手賺的多而喜樂過﹖
26 kana ndakava nehanya nezuva pakubwinya kwaro, kana mwedzi uchifamba mukubwinya,
我何時見太陽照耀,月亮皎潔徐行,
27 zvokuti mwoyo wangu wakanyengereka pakavanda, uye ruoko rwangu rukazviremekedza nokuzvisveta,
我的心遂暗中受到迷惑,我的口遂親手送吻﹖
28 zvino izvozviwo zvingangova zvivi zvinofanira kutongwa, nokuti ndainge ndisina kutendeka kuna Mwari wokumusoro.
這也是應受嚴罰的罪過,因為我背棄了至高的天主。
29 “Kana ndakafadzwa nokurasikirwa kwomuvengi wangu, kana kufara zvikuru pamusoro penhamo yakamuwira,
我何時慶幸恨我者遭殃,見他遭遇不幸而得意﹖
30 handina kutendera muromo wangu kutadza, nokudana chituko pamusoro poupenyu hwake,
其實,我沒有容我的口犯罪,詛咒過他的性命。
31 kana vanhu veimba yangu vasina kumboti, ‘Ndianiko asina kumbogutswa nenyama yaJobho?’
我帳幕內的人是否有人說過:「某人沒有吃飽主人給的肉﹖」
32 Hapana mutorwa akavata usiku hwose munzira dzomumusha, nokuti musuo wangu wakaramba wakazarurirwa vashanyi.
外方人沒有睡在露天地裏,我的門常為旅客敞開。
33 Kana ndakavanza chivi changu saAdhamu, nokuviga mhosva yangu mumwoyo mangu,
我豈像凡人一樣,掩飾過我的過犯,把邪惡隱藏在胸中﹖
34 nokuda kwokuti ndaitya kwazvo vanhu vazhinji, uye ndakatya kwazvo kuzvidza kwevemhuri, zvokuti ndakaramba ndinyerere ndikasabuda kunze,
我豈怕群眾的吵鬧﹖親族的謾罵豈能嚇住我,使我不敢作聲,杜門不出﹖
35 “Haiwa, dai ndaiva nomumwe angandinzwa! Ndinonyora runyoro rwangu ndichizvidzivirira iye zvino, Wamasimba Ose ngaandipindure; mupomeri wangu ngaanyore rugwaro rwezvaanondipomera.
惟願天主俯聽我,這是我最後的要求:願全能者答覆我! 我的對方所寫的狀詞,
36 Zvirokwazvo ndairutakura pamapfudzi angu, ndairupfeka sekorona.
我要把它背在我肩上,編成我的冠冕。
37 Ndaimupa kuzvidavirira kwangu kwenhambwe imwe neimwe; ndaiswedera kwaari somuchinda.
我將像王侯一樣走向他面前,向他一一陳述我的行為。--約伯的話至此為止。
38 “Kana munda wangu ukadanidzira kwandiri uchindipa mhosva, uye miforo yose ikanyorova nemisodzi,
我的田地若控告我,犁溝若一同哀訴,
39 kana ndakadya zvibereko zvawo ndisingaripi, kana ndakaparadza upenyu hwavanourima,
我若吃田中的產物而不付代價,或叫地主心靈悲傷,
40 ipapo rukato ngarumere pachinzvimbo chegorosi, nesora pachinzvimbo chebhari.” Mashoko aJobho apera.
願此地不再長小麥而長荊棘,不長大麥而長惡草。

< Jobho 31 >