< Jobho 30 >
1 “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, vane madzibaba andaishora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.
Kodwa khathesi abatsha kulami ngensuku bayangihleka, oyise babo engangingabadelela ukubafaka lezinja zomhlambi wami.
2 Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei, sezvo simba ravo rakanga rapera?
Yebo, amandla ezandla zabo ayengaba yini kimi, ukuvuthwa kwabo sekuphelile?
3 Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma, mumatongo nomunyika yakaparara.
Ngenswelo langendlala bajujukile, bangqathuze elizweni elomileyo, elalikade liyinkangala legwadule.
4 Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.
Abakha imibhida yetshwayi enkotheni, lempande yesihlahla serotemu iyikudla kwabo.
5 Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.
Baxotshwa phakathi kwabantu; bamemeza ngabo kungathi lisela;
6 Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.
ukuthi bahlale eliweni lezihotsha, imigodi yenhlabathi, lamadwala.
7 Vakarira samakwai pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.
Bayakhonya phakathi kwenkotha, babuthane phansi kokhula.
8 Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.
Bangabantwana beziphukuphuku, yebo abantwana abangelabizo; betshaywa, bexotshwa emhlabeni.
9 “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.
Khathesi sengiyingoma yabo, sengiyisiga sabo.
10 Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira mate kumeso.
Banengwa yimi, bamela khatshana lami; kabayekeli ukungikhafulela ebusweni ngamathe.
11 Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.
Ngoba ukhulule intambo yami, wangicindezela, ngakho balahle itomu phambi kwami.
12 Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
Ngakwesokunene abatsha bayasukuma, bafuqa inyawo zami, bangivusela indlela zabo zokubhubhisa.
13 Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
Badiliza indlela yami, bancedisa ukuqhubela phambili incithakalo yami, kabalamncedisi.
14 Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
Beza kungathi bafohlela esikhaleni esibanzi; phakathi kwencithakalo batheleka.
15 Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.
Izesabiso ziphendukele phezu kwami; baxotshana lodumo lwami njengomoya, lempumelelo yami yedlula njengeyezi.
16 “Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.
Khathesi-ke umphefumulo wami uyazithulula phezu kwami; insuku zosizi zingibambile.
17 Usiku hunobaya mapfupa angu; zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori.
Ubusuku bugwaza amathambo ami phakathi kwami, lokungingqathuzayo kakuphumuli.
18 Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.
Ngobunengi bamandla akhe isembatho sami siyaguqulwa; uyangibhinca njengesiphika sebhatshi lami.
19 Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.
Ungiphosele odakeni, senginjengothuli lomlotha.
20 “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.
Ngiyakhala kuwe, kodwa kawungiphenduli; ngiyasukuma, unginanzelele nje.
21 Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.
Usuphenduke waba lesihluku kimi; ngamandla esandla sakho umelana lami.
22 Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.
Ungiphakamisela emoyeni, ungigadise kuwo, ungincibilikisele kusiphepho.
23 Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.
Ngoba ngiyazi ukuthi uzangibuyisela ekufeni, lendlini emiselwe bonke abaphilayo.
24 “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.
Kodwa umuntu kayikwelulela isandla engcwabeni, kumbe encithakalweni yakhe akhalele usizo.
25 Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?
Kangimkhalelanga inyembezi yini owayelensuku ezilukhuni, umphefumulo wami wadabuka ngongumyanga?
26 Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.
Lapho ngilindele okuhle, kweza okubi; lapho ngilindele ukukhanya, kweza umnyama.
27 Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.
Imibilini yami yabila, kayithulanga, lensuku zosizi zingandulele.
28 Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.
Ngahamba ngilila, kungelalanga; ngasukuma ebandleni ngakhalela usizo.
29 Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.
Ngingumfowabo wemigobho, lomngane wezintshe.
30 Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.
Isikhumba sami simnyama phezu kwami, lamathambo ami atshile ngokutshisa.
31 Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema, uye nyere yangu nziyo dzokuungudza.
Ichacho lami selibe yisililo, lomhlanga wami uyilizwi labakhala inyembezi.