< Jobho 30 >

1 “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, vane madzibaba andaishora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.
然るに今は我よりも年少き者等われを笑ふ 彼等の父は我が賤しめて群の犬と並べ置くことをもせざりし者なり
2 Ko, simba ramaoko avo raizondibatsirei, sezvo simba ravo rakanga rapera?
またかれらの手の力もわれに何の用をかなさん 彼らは其氣力すでに衰へたる者なり
3 Vapererwa nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma, mumatongo nomunyika yakaparara.
かれらは缺乏と饑とによりて痩おとろへ 荒かつ廢れたる暗き野にて乾ける地を咬む
4 Vakaunganidza miriwo inovavira kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.
すなはち灌木の中にて藜を摘み苕の根を食物となす
5 Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.
彼らは人の中より逐いださる 盜賊を追ふがごとくに人かれらを追ふて呼はる
6 Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.
彼等は懼ろしき谷に住み 土坑および磐穴に居り
7 Vakarira samakwai pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.
灌木の中に嘶なき 荊棘の下に偃す
8 Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.
彼らは愚蠢なる者の子 卑むべき者の子にして國より撃いださる
9 “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.
しかるに今は我かれらの歌謠に成り 彼らの嘲哢となれり
10 Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira mate kumeso.
かれら我を厭ふて遠く我を離れ またわが面に唾することを辭まず
11 Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.
神わが綱を解て我をなやましたまへば彼等もわが前にその韁を縱せり
12 Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.
この輩わが右に起あがり わが足を推のけ我にむかひて滅亡の路を築く
13 Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.
彼らは自ら便なき者なれども尚わが逕を毀ち わが滅亡を促す
14 Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.
かれらは石垣の大なる崩口より入がごとくに進み來り 破壞の中にてわが上に乗かかり
15 Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.
懼ろしき事わが身に臨み 風のごとくに我が尊榮を吹はらふ わが福祿は雲のごとくに消失す
16 “Uye zvino upenyu hwangu hwava kuguma; mazuva okutambudzika anondibata.
今はわが心われの衷に鎔て流れ 患難の日かたく我を執ふ
17 Usiku hunobaya mapfupa angu; zvinondiruma-ruma zvinorwadza hazvizorori.
夜にいれば我骨刺れて身を離る わが身を噬む者つひに休むこと無し
18 Nesimba rake guru Mwari anova chipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.
わが疾病の大なる能によりてわが衣服は醜き樣に變り 裏衣の襟の如くに我身に固く附く
19 Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.
神われを泥の中に投こみたまひて我は塵灰に等しくなれり
20 “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.
われ汝にむかひて呼はるに汝答へたまはず 我立をるに 汝只われをながめ居たまふ
21 Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.
なんぢは我にむかひて無情なりたまひ 御手の能力をもて我を攻撃たまふ
22 Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.
なんぢ我を擧げ風の上に乗て負去しめ 大風の音とともに消亡しめたまふ
23 Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.
われ知る汝はわれを死に歸らしめ一切の生物の終に集る家に歸らしめたまはん
24 “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.
かれは必ず荒垤にむかひて手を舒たまふこと有じ 假令人滅亡に陷るとも是等の事のために號呼ぶことをせん
25 Ko, handina kuchema nokuda kwevaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?
苦みて日を送る者のために我哭ざりしや 貧しき者のために我心うれへざりしや
26 Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.
われ吉事を望みしに凶事きたり 光明を待しに黒暗きたれり
27 Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.
わが膓沸かへりて安からず 患難の日我に追及ぬ
28 Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.
われは日の光を蒙らずして哀しみつつ歩き 公會の中に立て助を呼もとむ
29 Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.
われは山犬の兄弟となり 駝鳥の友となれり
30 Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.
わが皮は黒くなりて剥落ち わが骨は熱によりて焚け
31 Mbira dzangu dzava kungoridza nziyo dzokuchema, uye nyere yangu nziyo dzokuungudza.
わが琴は哀の音となり わが笛は哭の聲となれり

< Jobho 30 >