< Jobho 29 >

1 Jobho akapfuurira mberi nokutaura kwake achiti:
UJobe waqhubeka ngenkulumo yakhe wathi:
2 “Haiwa ndinoshuva sei mwedzi yakapfuura, iwo mazuva andairindirwa naMwari,
“Ngiyaziloyisa lezozinyanga esezadlulayo, lezinsuku uNkulunkulu esangilinda,
3 mwenje wake pawaivhenekera pamusoro pangu uye ndaivhenekerwa nechiedza chake ndichifamba murima!
lapho isibane sakhe sisakhanyisa phezu kwekhanda lami ngihamba ngokukhanya kwakhe emnyameni!
4 Haiwa, iwo mazuva andakanga ndichine simba, ushamwari hwaMwari chaihwo huchiropafadza imba yangu,
Oh, lezinsuku ngisazizwa ukuthi ngiyimi, lapho ubudlelwano obukhulu loNkulunkulu busesendlini yami,
5 Wamasimba Ose paakanga achineni uye vana vangu pavakanga vakandipoteredza,
lapho uSomandla eseselami labantwabami besaphila lami,
6 painyorovedzwa nzira yangu noruomba, uye dombo richindidururira hova dzamafuta omuorivhi.
lapho indlela yami ifafazwe ngolaza ledwala lingithululela impophoma zamafutha e-oliva.
7 “Pandakaenda kusuo reguta ndikandogara muchivara,
Ekuyeni kwami emasangweni edolobho ngafika ngahlala enkundleni,
8 majaya akandiona akatsaukira parutivi uye vatana vakasimuka;
amajaha angibona agudluka ema eceleni, abadala baphakama bema ngezinyawo;
9 vakuru vakaramba kutaura vakafumbira miromo yavo namaoko avo;
amadoda ayizikhulu athula akaze akhuluma avala imilomo yawo ngezandla zawo;
10 manzwi avakuru akanyararidzwa, uye ndimi dzavo dzikanamira kumusoro kwemiromo yavo.
amazwi ezikhulu ehliselwa phansi, inlimi zazo zanamathela olwangeni lwazo.
11 Vose vakandinzwa vakataura zvakanaka pamusoro pangu, uye vose vakandiona vakandirumbidza,
Loba ngubani owangizwayo wakhuluma kuhle ngami, kwathi labo abangibonayo bangibuka,
12 nokuti ndakanunura varombo vaichemera rubatsiro, uye nherera dzakanga dzisina anobatsira.
ngoba ngalamulela abayanga abacela uncedo, lezintandane ezazingelamsizi.
13 Munhu akanga ofa akandiropafadza; ndakaita kuti mwoyo wechirikadzi uimbe.
Indoda eyayisifa yangibusisa; ngenza inhliziyo yomfelokazi yahlabelela.
14 Ndakafuka kururama sechipfeko changu; kururamisira kwaiva nguo yangu nenguwani yangu.
Ngavunula ukulunga njengezigqoko zami; ukwahlulela ngokulunga kwaba yisembatho sami lengwane yami.
15 Ndakanga ndiri meso kumapofu namakumbo kuzvirema.
Ngangingamehlo kwabayiziphofu lezinyawo kwabaqhulayo.
16 Ndakanga ndiri baba kuna vanoshayiwa; ndaimiririra mhaka yomutorwa.
Nganginguyise kwabaswelayo; ngayimela indaba yesihambi.
17 Ndakavhuna meno emunhu akanga akaipa, ndikabvuta chaakanga akaruma.
Ngawephula amazinyo ababi ngahluthuna labo ababebabambile ngamazinyo abo.
18 “Ndakafunga kuti, ‘Ndichafira mumba mangu, mazuva angu awanda sejecha.
Ngakhumbula ngathi, ‘Ngizafela endlini yami, insuku zami zinengi njengezinhlamvu zetshebetshebe.
19 Midzi yangu ichasvika kumvura, uye dova richava pamatavi angu usiku hwose.
Impande zami zizafinyelela emanzini, amazolo azalala emagatsheni ubusuku bonke.
20 Kukudzwa kwangu kucharamba kuri kutsva pandiri, uta hucharamba huri hutsva muruoko rwangu.’
Udumo lwami luzahlala lulutsha kimi, idandili lami lilitsha esandleni sami.’
21 “Vanhu vakanditeerera vachitarisira kwazvo, vanyerere vakamirira kurayira kwangu.
Abantu babengilalela belethemba, belindele ukwelulekwa bethule zwi.
22 Shure kwokutaura kwangu, ivo havana kuzotaurazve; mashoko angu akawira panzeve dzavo zvinyoronyoro.
Nxa sekukhulume mina, kungakhulumi omunye njalo; amazwi ami ayengena kamnandi ezindlebeni zabo.
23 Vakandimirira kunge vakamirira mvura yomupfunhambuya, uye vakanwa mashoko angu kunge mvura yechirimo.
Babengilindela njengokulindela izulu, bawanathe amazwi ami njengezulu lentwasa.
24 Pandakanyemwerera kwavari havana kuzvitenda; chiedza chechiso changu chaikosha kwavari.
Ngangisithi ngingababobothekela, bathabe bangakholwa; ukukhanya kobuso bami kwakuligugu kubo.
25 Ndakavasarudzira nzira ini ndokugara saishe wavo; ndakagara samambo pakati pamauto ake; ndakanga ndakaita somunhu anonyaradza vanochema.
Yimi engangibakhethela ukuthi benzeni ngoba ngisanduna kubo; ngangihlala njengenkosi phakathi kwamabutho ayo; ngangifana lomduduzi wabalilayo.”

< Jobho 29 >