< Jobho 27 >
1 Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:
Ayubu akaendelea kuoengea na kusema,
2 “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,
“Kama aishivyo Mungu, ameniondolea haki yangu, Mwenyezi, aliyeyafanya machungu maisha yangu,
3 chero ndichine upenyu mandiri, ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,
kadili uhai ungalimo ndani yangu uzima wa Mungu upo puani mwangu.
4 miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.
Hakika midomo yangu haitanena uovu, wala ulimi wangu kunena uongo.
5 Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.
Sitakiri kwamba mko sahihi; hata nifapo sitakana uadilifu wangu.
6 Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.
Naishikilia haki yangu na sitaiacha; nafsi yangu haitanisuta kadili ninavyoishi.
7 “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!
Adui yangu na awe kama mwovu; anayeinuka kunyume changu na awe kama asiye haki.
8 Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?
Kwani tumaini la mwovu ni nini Mungu anapomwondoa, Mungu anapochukua uhai wake?
9 Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?
Je Mungu atasikiliza kilio chake tabu zinapompat?
10 Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?
Je atajifurahisha katika Mwenyezi na kumwita Mungu nyakati zote
11 “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
Nitawafundisha kuhusu uwezo wa Mungu; sitabatilisha mawazo ya Mwenyezi.
12 Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?
Tazama, ninyi nyote mmeona; kwa nini basi mmeongea yasiyo na maana.
13 “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
Hii ndiyo hatima ya waovu mbele za Mungu, urithi wa mtesaji aupokeao kutoka kwa Mwenyezi.
14 Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.
Ikiwa watoto wake wataongezeka, ni kwa upanga; uzao wake utakuwa na njaa.
15 Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.
Wanaomsalia watauawa kwa tauni, na wajane wao hawatawaombolezea.
16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,
Japokuwa waovu hurundika mali kama mavumbi,
17 zvaanowana zvichapfekwa navakarurama, uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.
na kukusanya mavazi kama udongo, atakusanya mavazi, lakini mwenye haki atavaa, na wasio na hatia watagawana mali.
18 Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.
Hujenga nyumba yake kama buibui, kama kibanda cha muda afanyacho mlinzi.
19 Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.
Hulala kitandani akiwa tajiri, lakini hataendelea hivyo; na afumbuapo macho, hana kitu.
20 Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.
Vitisho humpata kama maji, dhoruba humwondoa usiku.
21 Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose. Inomukukura kubva panzvimbo yake.
Upepo wa mashariki umwondoa, naye huondoka; humwondoa mahali pake.
22 Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.
Humpiga bila kukoma; hujaribu kumnasua katika uwezo wake.
23 Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.
Unampigia makofi kwa kejeli; humwondoa mahali pake.