< Jobho 27 >

1 Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:
Moreover Job continued his discourse, and said:
2 “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,
As God liveth, who hath rejected my cause, And the Almighty, who hath afflicted my soul;
3 chero ndichine upenyu mandiri, ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,
As long as my breath is in me, And the spirit of God is in my nostrils,
4 miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.
Never shall my lips speak falsehood, Nor my tongue utter deceit.
5 Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.
God forbid that I should acknowledge you to be just: To my last breath will I assert my integrity.
6 Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.
I will hold fast my innocence, and not let it go; My heart reproacheth me for no part of my life.
7 “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!
May mine enemy be as the wicked, And he that riseth up against me as the unrighteous!
8 Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?
For what is the hope of the wicked, when God cutteth off his web, And taketh away his life?
9 Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?
Will he listen to his cry, When trouble cometh upon him?
10 Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?
Can he delight himself in the Almighty, And call at all times upon God?
11 “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
I will teach you concerning the hand of God; That which is with the Almighty I will not conceal.
12 Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?
Behold, ye yourselves have all seen it; Why then do ye cherish such vain thoughts?
13 “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
This is the portion of the wicked man from God, —The inheritance which oppressors receive from the Almighty.
14 Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.
If his children be multiplied, it is for the sword; And his offspring shall not be satisfied with bread.
15 Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.
Those of them that escape shall be buried by Death, And their widows shall not bewail them.
16 Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,
Though he heap up silver as dust, And procure raiment as clay, —
17 zvaanowana zvichapfekwa navakarurama, uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.
He may procure, but the righteous shall wear it, And the innocent shall share the silver.
18 Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.
He buildeth his house like the moth, Or like the shed which the watchman maketh.
19 Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.
The rich man lieth down, and is not buried; In the twinkling of an eye he is no more.
20 Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.
Terrors pursue him like a flood; A tempest stealeth him away in the night.
21 Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose. Inomukukura kubva panzvimbo yake.
The east wind carrieth him away, and he perisheth; Yea, it sweepeth him away from his place.
22 Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.
God sendeth his arrows at him, and doth not spare; He would fain escape from His hand.
23 Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.
Men clap their hands at him, And hiss him away from his place.

< Jobho 27 >