< Jobho 24 >

1 “Seiko Wamasimba Ose asingatari nguva dzokutonga? Seiko avo vanomuziva vachitarisira mazuva akadai pasina?
מדוע--משדי לא-נצפנו עתים וידעו לא-חזו ימיו
2 Vanhu vanobvisa mabwe omuganhu; vanofudza makwai avakaba.
גבלות ישיגו עדר גזלו וירעו
3 Vanotinha mbongoro dzenherera, uye vanotora nzombe yechirikadzi vachiita rubatso.
חמור יתומים ינהגו יחבלו שור אלמנה
4 Vanodzinga vanoshayiwa kubva panzira, uye vanomanikidza varombo vose venyika kundovanda.
יטו אבינים מדרך יחד חבאו עניי-ארץ
5 Sezvinoita mbizi murenje, varombo vanobuda vachienda kumabasa avo, okukwara-kwara zvokudya; gwenga rinopa vana varo zvokudya.
הן פראים במדבר-- יצאו בפעלם משחרי לטרף ערבה לו לחם לנערים
6 Vanosunganidza uswa mumasango, uye vanononga mazambiringa muminda yavakaipa.
בשדה בלילו יקצירו (יקצורו) וכרם רשע ילקשו
7 Vashaya nguo, vagovata usiku hwose vasina zvavakapfeka uye vanoshayiwa zvokufuka muchando.
ערום ילינו מבלי לבוש ואין כסות בקרה
8 Vanototeswa nemvura inonaya mumakomo, uye vanombundikira matombo nokuda kwokushayiwa pokuvanda.
מזרם הרים ירטבו ומבלי מחסה חבקו-צור
9 Mwana nherera anobvutwa kubva pazamu; mwana mucheche womurombo anotorwa nokuda kwechikwereti.
יגזלו משד יתום ועל-עני יחבלו
10 Nokushayiwa zvokufuka, vanongofamba-famba havo vasina kupfeka; vanotakura zvisote, asi vane nzara.
ערום הלכו בלי לבוש ורעבים נשאו עמר
11 Vanopwanya maorivhi pakati pemihoronga; vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vanofa nenyota.
בין-שורתם יצהירו יקבים דרכו ויצמאו
12 Kugomera kwavanhu vanofa kunonzwika muguta, uye mweya yavakakuvadzwa inochema kuti ibatsirwe. Asi Mwari haana munhu waanopa mhosva.
מעיר מתים ינאקו-- ונפש-חללים תשוע ואלוה לא-ישים תפלה
13 “Varipo vanomukira chiedza, vasingambozivi nzira dzacho kana kugara mumakwara acho.
המה היו--במרדי-אור לא-הכירו דרכיו ולא ישבו בנתיבתיו
14 Panongovira zuva, muurayi anobva amuka, uye anouraya varombo navanoshayiwa; panguva dzousiku anonyahwaira sembavha.
לאור יקום רוצח--יקטל-עני ואביון ובלילה יהי כגנב
15 Ziso remhombwe rinomirira rubvunzavaeni; anofunga achiti, ‘Hakuna ziso richandiona,’ uye anogara akavanza chiso chake.
ועין נאף שמרה נשף לאמר-- לא-תשורני עין וסתר פנים ישים
16 Vanhu vanopaza dzimba murima, asi masikati vanozvipfigira mukati madzo; havana chokuita nechiedza.
חתר בחשך בתים יומם חתמו-למו לא-ידעו אור
17 Kwavari vose zvavo, rima guru ndiwo mangwanani avo; vanoita ushamwari nokutyisa kwerima.
כי יחדו בקר למו צלמות כי-יכיר בלהות צלמות
18 “Nyamba ivo ifuro riri pamusoro pemvura; mugove wavo wenyika wakatukwa, zvokuti hakuna munhu achaenda kuminda yemizambiringa.
קל-הוא על-פני-מים-- תקלל חלקתם בארץ לא-יפנה דרך כרמים
19 Kupisa nokuoma sezvakunobvisa chando chanyunguduka, saizvozvo guva rinobvuta vaya vakatadza. (Sheol h7585)
ציה גם-חם יגזלו מימי-שלג שאול חטאו (Sheol h7585)
20 Chizvaro chinovakanganwa, honye inovadya; vanhu vakaipa havacharangarirwizve asi vakavhunwa somuti.
ישכחהו רחם מתקו רמה-- עוד לא-יזכר ותשבר כעץ עולה
21 Vanovandira mukadzi asingabereki, asina mwana, uye havaitiri chirikadzi tsitsi.
רעה עקרה לא תלד ואלמנה לא ייטיב
22 Asi Mwari anokwekweredza vane simba nesimba rake; kunyange vakasimbiswa, havana chokwadi noupenyu hwavo.
ומשך אבירים בכחו יקום ולא-יאמין בחיין
23 Angavarega zvavo vakazorora vachifungidzira kuti vakachengetedzwa; asi meso ake ari panzira dzavo.
יתן-לו לבטח וישען ועיניהו על-דרכיהם
24 Vanosimudzirwa kwechinguva chiduku, gare gare vaenda; vanodukupiswa vagounganidzwa savamwe vose, vanochekwa sehura dzezviyo.
רומו מעט ואיננו והמכו ככל יקפצון וכראש שבלת ימלו
25 “Kana zvisina kudaro, ndiani anganditi ndinoreva nhema, agoshayisa mashoko angu simba?”
ואם-לא אפו מי יכזיבני וישם לאל מלתי

< Jobho 24 >