< Jobho 22 >

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
Kisha Elifazi Mtemani akajibu na kusema,
2 “Ko, munhu angabatsira Mwari here? Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here?
Je mtu anaweza kumfaa Mungu “Je mwenye hekima anaweza kufaa kwake.
3 Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?
Je inafurahisha kwa Mwenyezi ikiwa u mwenye haki? Je ni faida yake ukiyafanya safi maisha yako?
4 “Imhaka yokumunamata kwako here zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva?
Je ni kwa sababu ya uchaji wako kwake hata akukemee na kukuadhibu?
5 Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi?
Je si kwa sababu ya wingi wa uovu wako? Je hakuna mwisho wa makosa yako?
6 Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.
Kwa maana umechukua dhamana kutoka kwa ndugu yako bila sababu; umechukua mavazi ya mtu na kumwacha uchi.
7 Wakanyima mvura vakaneta uye wakanyima vane nzara zvokudya,
Haukuwapa wenye kiu maji ya kunywea; umewanyima chakula wenye njaa
8 kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.
japokuwa wewe, mwenye uwezo, uliimiliki nchi, japokuwa wewe, mwenye kuheshimiwa, uliishi ndani yake.
9 Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera.
Umewaacha wajane waondoke bila kitu; umewatesa yatima.
10 Ndokusaka misungo yakakukomberedza, ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa,
Kwa hiyo, mabaya yanakuzunguka, na hofu za ghafla zinakusumbua.
11 ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona, uye mafashamu emvura achikufukidza.
Kuna giza, hata usione; gharika inakufunika.
12 “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!
Je Mungu hayupo juu mbinguni? Anaangalia juu ya nyota, jinsi zilivyo juu!
13 Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko? Ko, anotonga murima rakadai here?
Unasema, 'Mungu anajua nini? Je anaweza kuamua kupitia giza totoro?
14 Makore matema anomufukidza, saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’
Mawingu ni kifuniko chake, hata asituone; anatembea anga la mbinguni.'
15 Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?
Je utayaishi maisha ya zamani walioishi waovu -
16 Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.
walioondolewa kabla ya siku zao, ambao misingi yao imeondolewa kama mto,
17 Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’
waliomwambia Mungu, 'Ondoka kwetu'; waliosema, 'Mwenyezi anaweza kututenda nini?
18 Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, ndinomira kure namano avakaipa.
Hata hivyo bado alizijaza nyumba zao kwa mema; mipango ya waovu iko mbali nami.
19 “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti,
Wenye haki wanayaona yawapatayo waovu na kufurahi; wasio na hatia wanawacheka kwa dhihaka.
20 ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’
Wanasema, 'Bila shaka walioinuka kinyume chetu wameondolewa; moto umeteketeza mali zao.'
21 “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.
Basi patana na Mungu na uwe na amani naye; kwa njia hiyo, mema yatakujia.
22 Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uchengete mashoko ake mumwoyo.
Nakusihi, pokea, maelekezo yake; uyatii maneno yake.
23 Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,
Ukimrudia Mwenyezi, utajengwa, ukiacha kutenda uovu makaoni mwako.
24 uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,
Weka hazina zako mavumbini, dhahabu ya Ofiri kati ya mawe ya vijito,
25 ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.
na Mwenyezi atakuwa hazina zako, fedha ya thamani kwako.
26 Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
Nawe utajifurahisha katika Mwenyezi; utamwangalia Mungu.
27 Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika.
Utamwomba, naye atakusikiliza; utamtolea nadhiri.
28 Zvaunotaura sechirevo zvichaitika, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.
Lakini pia utatamka lolote, nawe utapewa; nuru itaangaza maishani mwako.
29 Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’ ipapo vakaderedzwa vachaponeswa.
Mungu humshusha mwenye kiburi, naye humwinua mnyenyekevu.
30 Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva, acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”
Atamwokoa asiye na hatia; utaokolewa kupitia usafi wa mikono yako.”

< Jobho 22 >