< Jobho 22 >

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
Then Eliphaz the Temanite replied:
2 “Ko, munhu angabatsira Mwari here? Kunyange munhu akachenjera angamubatsira here?
“Can a man be of use to God? Can even a wise man benefit Him?
3 Wamasimba Ose angawana mufaro weiko dai iwe wakarurama? Aibatsirwa neiko dai nzira dzako dzaiva dzakarurama?
Does it delight the Almighty that you are righteous? Does He profit if your ways are blameless?
4 “Imhaka yokumunamata kwako here zvaanokutsiura uyewo achikupa mhosva?
Is it for your reverence that He rebukes you and enters into judgment against you?
5 Zvakaipa zvako hazvina kukura here? Handiti zvivi zvako hazviperi?
Is not your wickedness great? Are not your iniquities endless?
6 Wakakumbira rubatso kuhama dzako pasina; wakatorera vanhu nguo dzavo, uchivasiya vasina kupfeka.
For you needlessly demanded security from your brothers and deprived the naked of their clothing.
7 Wakanyima mvura vakaneta uye wakanyima vane nzara zvokudya,
You gave no water to the weary and withheld food from the famished,
8 kunyange wakanga uri munhu ane simba, ane minda yake, uri munhu anokudzwa, agere pairi.
while the land belonged to a mighty man, and a man of honor lived on it.
9 Wakadzinga chirikadzi dzisina chinhu uye wakavhuna simba renherera.
You sent widows away empty-handed, and the strength of the fatherless was crushed.
10 Ndokusaka misungo yakakukomberedza, ndokusaka njodzi ichikuvhundutsa,
Therefore snares surround you, and sudden peril terrifies you;
11 ndokusaka kuine rima usingakwanisi kuona, uye mafashamu emvura achikufukidza.
it is so dark you cannot see, and a flood of water covers you.
12 “Ko, Mwari haazi kumusoro kwokudenga here? Tarira kukwirira kwakaita nyeredzi dzokumusoro-soro!
Is not God as high as the heavens? Look at the highest stars, how lofty they are!
13 Asi imi munoti, ‘Mwari anoziveiko? Ko, anotonga murima rakadai here?
Yet you say: ‘What does God know? Does He judge through thick darkness?
14 Makore matema anomufukidza, saka haationi paanofamba-famba padenderedzwa ramatenga.’
Thick clouds veil Him so He does not see us as He traverses the vault of heaven.’
15 Ko, iwe ucharambira munzira yakare iya yakatsikwa navanhu vakaipa here?
Will you stay on the ancient path that wicked men have trod?
16 Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika, hwaro hwavo hwakakukurwa namafashamu.
They were snatched away before their time, and their foundations were swept away by a flood.
17 Vakati kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Wamasimba Ose angaiteiko kwatiri?’
They said to God, ‘Depart from us. What can the Almighty do to us?’
18 Sezvo ari iye akazadza dzimba dzavo nezvinhu zvakanaka, ndinomira kure namano avakaipa.
But it was He who filled their houses with good things; so I stay far from the counsel of the wicked.
19 “Vakarurama vanoona kuparadzwa kwavo vagofara, vasina mhaka vanovaseka vachiti,
The righteous see it and are glad; the innocent mock them:
20 ‘Zvirokwazvo vadzivisi vedu vaparadzwa, uye moto unopedza pfuma yavo.’
‘Surely our foes are destroyed, and fire has consumed their excess.’
21 “Zviise pasi paMwari ugova norugare naye, nenzira iyi kubudirira kuchasvika kwauri.
Reconcile now and be at peace with Him; thereby good will come to you.
22 Gamuchira kurayira kunobva mumuromo make uye uchengete mashoko ake mumwoyo.
Receive instruction from His mouth, and lay up His words in your heart.
23 Kana ukadzokera kuna Wamasimba Ose, uchadzoredzerwa: Kana ukabvisa zvakaipa uchizviisa kure netende rako,
If you return to the Almighty, you will be restored. If you remove injustice from your tents
24 uye ukaisa goridhe rako paguruva, iro goridhe rako rokuOfiri kumatombo okunzizi,
and consign your gold to the dust and the gold of Ophir to the stones of the ravines,
25 ipapo Wamasimba Ose achava goridhe rako, iyo sirivha yako yakanyatsosanangurwa.
then the Almighty will be your gold and the finest silver for you.
26 Zvirokwazvo ipapo uchawana mufaro muna Wamasimba Ose, uye uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.
Surely then you will delight in the Almighty and lift up your face to God.
27 Uchanyengetera kwaari, uye achakunzwa, uye iwe uchazadzisa zvawakapika.
You will pray to Him, and He will hear you, and you will fulfill your vows.
28 Zvaunotaura sechirevo zvichaitika, uye chiedza chichavhenekera panzira dzako.
Your decisions will be carried out, and light will shine on your ways.
29 Vanhu pavanodzikiswa iwe ukati, ‘Vasimudzei!’ ipapo vakaderedzwa vachaponeswa.
When men are brought low and you say, ‘Lift them up!’ then He will save the lowly.
30 Achadzikinura kunyange uyo ane mhosva, acharwirwa kubudikidza nokuchena kwamaoko ako.”
He will deliver even one who is not innocent, rescuing him through the cleanness of your hands.”

< Jobho 22 >