< Jobho 21 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
A Jov odgovori i reèe:
2 “Teereresa mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.
Slušajte dobro rijeèi moje, i to æe mi biti od vas utjeha.
3 Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.
Potrpite me da ja govorim, a kad izgovorim, potsmijevajte se.
4 “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
Eda li se ja èovjeku tužim? i kako ne bi bio žalostan duh moj?
5 Nditarire ushamiswe; ufumbire muromo wako noruoko.
Pogledajte na me, i divite se, i metnite ruku na usta.
6 Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.
Ja kad pomislim, strah me je, i groza poduzima tijelo moje.
7 Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
Zašto bezbožnici žive? stare? i bogate se?
8 Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu, zvizvarwa zvavo pamberi pavo.
Sjeme njihovo stoji tvrdo pred njima zajedno s njima, i natražje njihovo pred njihovijem oèima.
9 Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
Kuæe su njihove na miru bez straha, i prut Božji nije nad njima.
10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
Bikovi njihovi skaèu, i ne promašaju; krave njihove tele se, i ne jalove se.
11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.
Ispuštaju kao stado djecu svoju, i sinovi njihovi poskakuju.
12 Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.
Podvikuju uz bubanj i uz gusle, vesele se uza sviralu.
13 Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva nenguva isipi. (Sheol h7585)
Provode u dobru dane svoje, i zaèas slaze u grob. (Sheol h7585)
14 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
A Bogu kažu: idi od nas, jer neæemo da znamo za putove tvoje.
15 Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’
Šta je svemoguæi, da mu služimo? i kaka nam je korist, da mu se molimo?
16 Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.
Gle, dobro njihovo nije u njihovoj ruci; namjera bezbožnièka daleko je od mene.
17 “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa? Kanganiko vachiwirwa nenjodzi, magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?
Koliko se puta gasi žižak bezbožnièki i dolazi im pogibao, dijeli im muke u gnjevu svom Bog?
18 Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?
Bivaju li kao pljeva na vjetru, kao prah koji raznosi vihor?
19 Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’ Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
Èuva li Bog sinovima njihovijem pogibao njihovu, plaæa im da osjete?
20 Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
Vide li svojim oèima pogibao svoju, i piju li gnjev svemoguæega?
21 Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?
Jer šta je njima stalo do kuæe njihove nakon njih, kad se broj mjeseca njihovijeh prekrati?
22 “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here, iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?
Eda li æe Boga ko uèiti mudrosti, koji sudi visokima?
23 Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akachengetedzeka uye akagadzikana,
Jedan umire u potpunoj sili svojoj, u miru i u sreæi.
24 muviri wake wakagwinya, mapfupa ake azere nomwongo.
Muzlice su mu pune mlijeka, i kosti su mu vlažne od moždina.
25 Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
A drugi umire ojaðene duše, koji nije uživao dobra.
26 Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.
Obojica leže u prahu, i crvi ih pokrivaju.
27 “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amungandikanganisa nawo.
Eto, znam vaše misli i sudove, kojima mi èinite krivo.
28 Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
Jer govorite: gdje je kuæa silnoga, i gdje je šator u kom nastavaju bezbožnici?
29 Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,
Nijeste li nikad pitali putnika? i što vam kazaše neæete da znate,
30 dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
Da se na dan pogibli ostavlja zadac, kad se pusti gnjev.
31 Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?
Ko æe ga ukoriti u oèi za život njegov? i ko æe mu vratiti što je uèinio?
32 Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.
Ali se iznosi u groblje i ostaje u gomili.
33 Ivhu romunhika rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.
Slatke su mu grude od doline, i vuèe za sobom sve ljude, a onima koji ga pretekoše nema broja.
34 “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”
Kako me dakle naprazno tješite kad u odgovorima vašim ostaje prijevara?

< Jobho 21 >