< Jobho 21 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Wasephendula uJobe wathi:
2 “Teereresa mashoko angu; uku ngakuve kunyaradza kwaunondipa.
Zwanini lilalele ilizwi lami, lalokho kube zinduduzo zenu.
3 Ndiitire mwoyo murefu ndichitaura hangu, uye kana ndapedza kutaura, urambe uchiseka hako.
Ngibekezelelani, ukuthi mina ngikhulume; lemva kokukhuluma kwami lingakloloda.
4 “Ko, kunyunyuta kwangu kwakanangana nomunhu here? Ndingatadza seiko kuora mwoyo?
Mina-ke ukusola kwami kusemuntwini yini? Kodwa uba kunjalo, kungani umoya wami ungekhathazeke?
5 Nditarire ushamiswe; ufumbire muromo wako noruoko.
Ngikhangelani, likhakhamale, libeke isandla phezu komlomo.
6 Ndinotya, pandinofunga izvi; kudedera kunobata muviri wangu.
Yebo, lapho ngikhumbula, ngitshaywa luvalo, lokuthuthumela kubamba inyama yami.
7 Nemhaka yeiko vakaipa vachirarama, vachikwegura uye vachiwedzerwa simba?
Ababi baphilelani, babe badala, yebo, bakhule emandleni?
8 Vanoona vana vavo vachikura ivo vachiri vapenyu, zvizvarwa zvavo pamberi pavo.
Inzalo yabo izinze phambi kwabo kanye labo, lembewu yabo emehlweni abo.
9 Misha yavo igere zvakanaka uye haina chainotya; shamhu yaMwari haisi pamusoro pavo.
Izindlu zabo zilokuthula kungelakwesaba, loswazi lukaNkulunkulu kaluphezu kwabo.
10 Hando dzavo hadzikonewi kubereka, mhou dzavo dzinobereka mhuru dzisingasvodzi.
Inkunzi yakhe iyakhwela ingaphuthi; inkomokazi yakhe iyazala, ingaphunzi.
11 Vanobudisa vana vavo seboka ramakwai; vapwere vavo vanopembera vachitamba.
Bakhupha abantwanyana babo njengomhlambi, labantwana babo bayagida.
12 Vanoimba vachiridzirwa tambureni nembira; vanofarira kurira kwenyere.
Baphakamisa ilizwi ngesigujana lechacho, bathokoze ngelizwi lomhlanga.
13 Vanopedza makore avo mukubudirira uye vanopinda muguva nenguva isipi. (Sheol )
Bachitha insuku zabo ngokuhle, behlele engcwabeni ngokucwayiza kwelihlo. (Sheol )
14 Kunyange zvakadaro vanoti kuna Mwari, ‘Tisiyei takadaro! Hatina hanya nokuziva nzira dzenyu.
Babesebesithi kuNkulunkulu: Suka kithi; ngoba kasifisi ulwazi lwendlela zakho.
15 Wamasimba Ose ndianiko, kuti timushumire? Tinowaneiko kana tikamunamata?’
Uyini uSomandla ukuthi simkhonze? Sizazuzani uba simncenga?
16 Asi kubudirira kwavo hakusi mumaoko avo, naizvozvo ndinomira kure nerangano yevakaipa.
Khangela, okuhle kwabo kakukho esandleni sabo; icebo lababi likhatshana lami.
17 “Kunyange zvakadaro, kanganiko kanodzimwa mwenje wevakaipa? Kanganiko vachiwirwa nenjodzi, magumo anotarwa naMwari mukutsamwa kwake?
Kukangaki isibane sababi sicitshwa, kusiza ukuchitheka kwabo phezu kwabo! UNkulunkulu ubabela ubuhlungu elakeni lwakhe.
18 Vanofanana namakoto anopeperetswa nemhepo runganiko, sehundi inokukurwa nedutu?
Banjengamahlanga phambi komoya, lanjengomule isiphepho esiwuphephulayo.
19 Zvinonzi, ‘Mwari anochengetera vana vomunhu kutongwa.’ Ngaamutsive iye amene, kuitira kuti agozviziva!
UNkulunkulu ubekela abantwana bakhe usizi lwakhe. Uyamvuza, njalo uzakwazi.
20 Meso ake pachake ngaaone kuparadzwa kwake; iye ngaanwe kutsamwa kwoWamasimba Ose.
Amehlo akhe azabona ukuchitheka kwakhe, anathe okolaka lukaSomandla.
21 Nokuti ane hanya yeiko nemhuri yaanosiya shure, mwedzi yaakagoverwa zvoyopera?
Ngoba iyini intokozo yakhe endlini yakhe emva kwakhe, lapho inani lenyanga zakhe liqunywa?
22 “Ko, pane munhu angagona kudzidzisa ruzivo kuna Mwari here, iye achitonga kunyange vari pamusoro-soro?
Kukhona ongafundisa uNkulunkulu ulwazi yini? Ngoba yena wehlulela abaphezulu.
23 Mumwe munhu anofa achine simba rake rizere, akachengetedzeka uye akagadzikana,
Lo uyafa esemandleni akhe apheleleyo, yena wonke onwabile, elokuthula.
24 muviri wake wakagwinya, mapfupa ake azere nomwongo.
Iziphathelo zakhe zigcwele uchago, lomnkantsho wamathambo akhe umanzi.
25 Mumwe munhu anofa ane shungu dzomwoyo, asina kumbonakidzwa nezvipi zvazvo zvakanaka.
Lomunye ufa elomphefumulo obabayo, engadlanga kokuhle.
26 Vanovata muguruva pamwe chete, uye honye dzinovafukidza vose.
Balala ndawonye ethulini, lempethu zibasibekele.
27 “Ndinoziva chose zvamunofunga, iwo mano amungandikanganisa nawo.
Khangelani, ngiyayazi imicabango yenu, lamacebo eliwaceba limelene lami.
28 Imi munoti, ‘Imba yomunhu mukuru iripiko zvino, iwo matende aigarwa navanhu vakaipa?’
Ngoba lithi: Ingaphi indlu yesiphathamandla? Njalo lingaphi ithente lendawo zababi zokuhlala?
29 Hauna kumbobvunza vafambi vaya here? Hauna kuva nehanya nenhoroondo dzavo here,
Kalibabuzanga yini abadlula ngendlela, njalo kalinanzeleli iziboniso zabo?
30 dzokuti munhu akaipa anodarikwa pazuva renjodzi, kuti anorwirwa pazuva rokutsamwa?
Ukuthi omubi uyekelwa osukwini lokubhujiswa; bazalethwa osukwini lwezintukuthelo.
31 Ndianiko anotsoropodza mafambiro ake pachena? Ndianiko anomuripira pane zvaakaita?
Ngubani ozamtshela indlela yakhe ebusweni? Ngubani ozamphindisela ngakwenzileyo?
32 Iye anotakurwa achiendeswa kuguva, uye rinda rake rinorindwa.
Kanti yena uzasiwa engcwabeni, lilindwe idundulu.
33 Ivhu romunhika rinotapira kwaari; vanhu vose vanomutevera, uye anotungamirirwa navazhinji vasingaverengeki.
Amagade esihotsha amnandi kuye, njalo udonsa wonke umuntu emva kwakhe, njengoba bengelakubalwa abaphambi kwakhe.
34 “Saka mungandinyaradza sei nezvisina maturo? Hapana chasara pakupindura kwenyu asi nhema dzoga!”
Pho lizangiduduza njani ngeze, ngoba empendulweni zenu kusele inkohliso?