< Jobho 20 >
1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
Wasephendula uZofari umNahama wathi:
2 “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.
“Imicabango yami ekhathazekileyo ingifuqa ukuthi ngiphendule ngoba sengikhubekile kakhulu.
3 Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.
Ngizwa kulokukhuzwa okungilulazisayo njalo ukuzwisisa kwami kungifuqela ukuthi ngiphendule.
4 “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,
Ngempela uyakwazi ukuthi kwakuvele kunjani lendulo, kusukela ukubekwa komuntu emhlabeni,
5 kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
ukuthi injabulo yomubi imfitshane, intokozo yongakholwayo ngeyomzuzwana nje.
6 Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,
Loba ukuzigqaja kwakhe kufika emazulwini lekhanda lakhe lithinta emayezini,
7 achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake; vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’
uzabhubha okwaphakade, njengobulongwe bakhe; labo abake bambona bazakuthi, ‘Ungaphi kanti?’
8 Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.
Njengephupho uyanyamalala angabe esabonwa njalo, axotshwe njengombono webusuku.
9 Ziso rakamuona harichazomuonazve; nzvimbo yake haichazomuonazve.
Ilihlo elake lambona kalisayikumbona njalo; indawo yakhe ingeke ibe isambona.
10 Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
Abantwabakhe bazazincengela ebayangeni ngezandla zakhe abuyisele inotho yakhe.
11 Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.
Amadlabuzane obutsha alawo emathanjeni akhe azalala kanye laye othulini.
12 “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,
Loba ububi bumnandi emlonyeni wakhe, ebufihla ngaphansi kolimi lwakhe,
13 kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,
loba esehluleka ukutshiyana labo abugcine emlonyeni wakhe,
14 asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyoka mukati make.
kodwa ukudla kwakhe kuzahloba esiswini sakhe; kuzaphenduka kube yibuhlungu bezinyoka ngaphakathi kwakhe.
15 Achapfira pasi upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
Uzayihlanza yonke inotho ayiginyayo; uNkulunkulu uzakwenza isisu sakhe sikuhlanze konke.
16 Achasveta uturu hwenyoka; mazino emvumbi achamuuraya.
Uzamunya ubuhlungu bezinyoka; amazinyo ebululu azambulala.
17 Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
Akayikuyikholisa imifula, leyomifula egeleza uluju lolaza.
18 Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
Lokho akuginqeleyo kumele akubuyise engakudlanga; akayikuyikholisa inzuzo yokuthengiselana kwakhe.
19 Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzavasina chavanacho.
Ngoba ubebancindezela abayanga basala bengelalutho; wathumba izindlu angazakhanga.
20 “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.
Ngempela akayikudeda kulobubuhwaba bakhe; ngeke azisindise ngenotho yakhe.
21 Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
Akusela lutho angabe esaludla; ukuphumelela kwakhe kakuyikuma.
22 Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
Phakathi kwenotho yakhe uzahlaselwa zinhlupho; ubuhlungu buzamehlela ngamandla.
23 Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.
Nxa esesigcwalisile isisu sakhe, uNkulunkulu uzabhodlisela ulaka lwakhe oluvuthayo kuye akhwele ehle ngezidutshulo phezu kwakhe.
24 Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.
Lanxa angaze abalekele isikhali sensimbi umtshoko wethusi uzamciba.
25 Anoudzura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
Uyawuhwatsha emhlane wakhe, umcijo wawo ocazimulayo awuhwatshe esibindini. Uzangenwa yikwesaba okukhulu;
26 rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina anopfutidzira uchamupisa uye uchaparadza zvichasara mutende rake.
umnyama omkhulu uyilindele inotho yakhe. Umlilo ongungumayo uzamqeda utshise lokho okuseleyo ethenteni lakhe.
27 Matenga achaisa pachena mhaka yake; nyika ichamumukira.
Amazulu azabembula ububi bakhe; umhlaba uzamvukela.
28 Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari.
Isikhukhula sizayithwala indlu yakhe, kungamanzi azimpophoma mhla wosuku lolaka lukaNkulunkulu.
29 Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”
Sinjalo isiphetho uNkulunkulu asimisele ababi, ilifa abalikhethelwe nguNkulunkulu.”