< Jobho 20 >

1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
Then Zophar the Naamathite answered,
2 “Ndangariro dzangu dzokutambudzika dzinondikurumidzisa kuti ndipindure nokuti ndakanganisika kwazvo.
"Therefore do my thoughts give answer to me, even by reason of my haste that is in me.
3 Ndiri kunzwa kutsiura kunondizvidza, uye kunzwisisa kwangu kunondikurudzira kuti ndipindure.
I have heard the reproof which puts me to shame. The spirit of my understanding answers me.
4 “Zvirokwazvo unoziva zvazvakanga zvakaita kubva kare, kubvira pakaiswa munhu panyika,
Do you not know this from old time, since humankind was placed on earth,
5 kuti kufara kwavakaipa kupfupi, mufaro wavasina Mwari ndowenguva duku.
that the triumphing of the wicked is short, the joy of the godless but for a moment?
6 Kunyange kuzvikudza kwake kuchisvika kudenga, uye musoro wake uchindobata makore,
Though his height mount up to the heavens, and his head reach to the clouds,
7 achaparara nokusingaperi, setsvina yake pachake; vaya vaichimbomuona vachati, ‘Aripiko?’
yet he shall perish forever like his own dung. Those who have seen him shall say, 'Where is he?'
8 Anobhururuka sokurota, haachawanikwizve, adzingwa sechiratidzo chousiku.
He shall fly away as a dream, and shall not be found. Yes, he shall be chased away like a vision of the night.
9 Ziso rakamuona harichazomuonazve; nzvimbo yake haichazomuonazve.
The eye which saw him shall see him no more, neither shall his place any more see him.
10 Vana vake vanofanira kutsvaka nyasha kuvarombo; maoko ake chaiwo anofanira kudzorera pfuma yake.
His children shall seek the favor of the poor. His hands shall give back his wealth.
11 Simba roujaya rakazadza mapfupa ake richaumburuka naye muguruva.
His bones are full of his youth, but youth shall lie down with him in the dust.
12 “Kunyange chakaipa chichitapira mumukanwa, uye achichiviga pasi porurimi rwake,
"Though wickedness is sweet in his mouth, though he hide it under his tongue,
13 kunyange asingagoni kuchiregedza achichichengeta mumukanwa make,
though he spare it, and will not let it go, but keep it still within his mouth;
14 asi chokudya chake chichashanduka chikavava mudumbu make; chichava uturu hwenyoka mukati make.
yet his food in his bowels is turned. It is cobra venom within him.
15 Achapfira pasi upfumi hwaakamedza; Mwari achaita kuti dumbu rake rizvirutse.
He has swallowed down riches, and he shall vomit them up again. God will cast them out of his belly.
16 Achasveta uturu hwenyoka; mazino emvumbi achamuuraya.
He shall suck cobra venom. The viper's tongue shall kill him.
17 Haangafadzwi nehova, idzo nzizi dzinoyerera uchi noruomba.
He shall not look at the rivers, the flowing streams of honey and butter.
18 Zvaakatamburira anofanira kuzvidzosazve zvisina kudyiwa; haangafadzwi nezvaakawana pakutengesa kwake.
That for which he labored he shall restore, and shall not swallow it down. According to the substance that he has gotten, he shall not rejoice.
19 Nokuti akamanikidza varombo akavasiya vava vachena; akatora dzimba dzavasina chavanacho.
For he has oppressed and forsaken the poor. He has violently taken away a house, and he shall not build it up.
20 “Zvirokwazvo haangamiri kubva pahavi yake; haangazviponesi nepfuma yake.
"Because he knew no quietness within him, he shall not save anything of that in which he delights.
21 Hapana chaakasiyirwa kuti adye; upfumi hwake hahungagari nokusingaperi.
There was nothing left that he did not devour, therefore his prosperity shall not endure.
22 Pakati pezvakawanda zvake, kuremerwa nepfungwa kuchamukunda; kuzara kwenjodzi kuchauya pamusoro pake.
In the fullness of his sufficiency, distress shall overtake him. The hand of everyone who is in misery shall come on him.
23 Paanenge agutsa dumbu rake, Mwari achatuma kutsamwa kwake kunopisa pamusoro pake, uye achanayisa kurova kwake pamusoro pake.
When he is about to fill his belly, he will cast the fierceness of his wrath on him. It will rain on him while he is eating.
24 Kunyange akatiza chombo chesimbi, museve unopinza wendarira unomubaya.
He shall flee from the iron weapon. The bronze arrow shall strike him through.
25 Anoudzura kubva kumusana kwake, muromo wawo unovaima uchibva pachiropa chake. Kutya kuzhinji kuchauya pamusoro pake;
He draws it forth, and it comes out of his body. Yes, the glittering point comes out of his liver. Terrors are on him.
26 rima guru richavandira pfuma yake. Moto usina anopfutidzira uchamupisa uye uchaparadza zvichasara mutende rake.
All darkness is laid up for his treasures. An unfanned fire shall devour him. It shall consume that which is left in his tent.
27 Matenga achaisa pachena mhaka yake; nyika ichamumukira.
The heavens shall reveal his iniquity. The earth shall rise up against him.
28 Mafashamu achakukura imba yake, mvura zhinji ichaerera pazuva rehasha dzaMwari.
The increase of his house shall depart. They shall rush away in the day of his wrath.
29 Aya ndiwo magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka yavakatemerwa naMwari.”
This is the portion of a wicked man from God, the heritage appointed to him by God."

< Jobho 20 >