< Jobho 2 >

1 Rimwe zuvazve vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, uye Satani akasvika pamwe chete navo kuti andomirawo pamberi pake.
And there was a day when the sons of God came to present themselves before Jehovah, and Satan also came among them to present himself before Jehovah.
2 Zvino Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.”
And Jehovah said to Satan, From whence comest thou? And Satan answered Jehovah and said, From going to and fro in the earth, and from walking up and down in it.
3 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa. Uye anoramba amire pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira pamusoro pake kuti ndimuparadze pasina chikonzero.”
And Jehovah said to Satan, Hast thou considered my servant Job, that there is none like him on the earth, a perfect and an upright man, one that feareth God and abstaineth from evil? and still he remaineth firm in his integrity, though thou movedst me against him, to swallow him up without cause.
4 Satani akapindura achiti, “Ganda neganda! Munhu achapa zvose zvaanazvo nokuda kwoupenyu hwake.
And Satan answered Jehovah and said, Skin for skin, yea, all that a man hath will he give for his life;
5 Asi tambanudzai ruoko murove muviri wake namapfupa ake, uye zvirokwazvo achakutukai pachena.”
but put forth thy hand now, and touch his bone and his flesh, [and see] if he will not curse thee to thy face!
6 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, ari mumaoko ako, asi haufaniri kubata upenyu hwake.”
And Jehovah said to Satan, Behold, he is in thy hand; only spare his life.
7 Saka Satani akabva pamberi paJehovha akandorova Jobho namaronda anorwadza kubva pasi petsoka dzake kusvikira panhongonya yomusoro wake.
And Satan went forth from the presence of Jehovah; and he smote Job with a grievous botch from the sole of his foot unto his crown.
8 Ipapo Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho paakanga agere pakati pamadota.
And he took a potsherd to scrape himself with; and he sat among the ashes.
9 Mukadzi wake akati, “Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!”
And his wife said to him, Dost thou still remain firm in thine integrity? curse God and die.
10 Iye akapindura akati, “Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?” Muzvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura.
But he said to her, Thou speakest as one of the foolish women speaketh. We have also received good from God, and should we not receive evil? In all this Job did not sin with his lips.
11 Shamwari nhatu dzaJobho, Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamati dzakati dzanzwa pamusoro pokutambudzika kwakanga kwawira pamusoro pake, vakabva kumisha yavo vakaungana pamwe chete vatenderana kuti vaende kundomudemba uye vamunyaradze.
And three friends of Job heard of all this evil that was come upon him. And they came each one from his place: Eliphaz the Temanite, and Bildad the Shuhite, and Zophar the Naamathite; and they made an appointment together to come to condole with him and to comfort him.
12 Vakati vamuona ari chinhambwe, havana kugona kumuziva, vakatanga kuchema zvikuru, uye vakabvarura nguo dzavo uye vakazvimwaya guruva pamisoro yavo.
And when they lifted up their eyes afar off, and knew him not, they lifted up their voice and wept. And they rent every one his mantle, and sprinkled dust upon their heads toward the heavens.
13 Ipapo vakagara pasi naye kwamazuva manomwe nousiku hunomwe. Hakuna munhu akagona kutaura kana shoko kwaari, nokuti vakaona kukura kwokutambudzika kwake.
And they sat down with him on the ground seven days and seven nights; and none spoke a word to him; for they saw that [his] anguish was very great.

< Jobho 2 >