< Jobho 19 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Na Hiob kasaa bio sɛ,
2 “Mucharamba muchinditambudza uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?
“Mobɛhyɛ me aniɛyaa na mode nsɛm abubu me akɔsi da bɛn?
3 Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.
Mpɛn edu nie a moasopa me; mo ani nwu sɛ moto hyɛ me so.
4 Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.
Sɛ ɛyɛ nokorɛ sɛ mafom ɛkwan a, me mfomsoɔ yɛ me nko ara asɛm.
5 Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,
Sɛ ampa sɛ mobɛma mo ho so wɔ me so na mode mʼanimguaseɛ ayɛ adanseɛ atia me a,
6 zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akandikomberedza nomumbure wake.
ɛnneɛ monhunu sɛ Onyankopɔn ayɛ me bɔne na ɔde nʼatena atwa me ho ahyia.
7 “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
“Ɛwom sɛ mesu sɛ, ‘Wɔafom me’ deɛ, nanso obiara mmua me; meteam pɛ mmoa, nanso atɛntenenee biara nni hɔ.
8 Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
Wasi me ɛkwan enti mentumi mensene; wama mʼakwan so aduru sum.
9 Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
Wayi mʼanimuonyam afiri me so na watu mʼahenkyɛ afiri me ti so.
10 Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
Wasɛe me akwannuasa nyinaa so de awie me; watu mʼanidasoɔ ase te sɛ dua.
11 Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.
Nʼabufuo huru tia me; na wakan me afra nʼatamfoɔ mu.
12 Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
Nʼakodɔm ba anibereɛ so; wɔsisi mpie de tia me na wɔtwa me ntomadan ho hyia.
13 “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
“Wayi me nuammarima afiri me ho; na mʼamanifoɔ nso, watwe wɔn ho koraa.
14 Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.
Mʼabusuafoɔ kɔ; na me nnamfonom werɛ afiri me.
15 Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.
Mʼahɔhoɔ ne me mmaawa bu me sɛ ɔhɔhoɔ; mete sɛ ɔnanani ma wɔn.
16 Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.
Mefrɛ me ɔsomfoɔ, na ɔmmua; mpo, mete mʼano srɛ no.
17 Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
Me home bɔn me yere; me ho afono mʼankasa nuammarima.
18 Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.
Mpo, mmarimmaa nkumaa bu me animtiaa; sɛ mepue a wɔdi me ho fɛw.
19 Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.
Me nnamfo berɛboɔ kyiri me; mʼadɔfoɔ asɔre atia me.
20 Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa; ndangopunyuka napaburi retsono.
Maka honam ne nnompe, na ɛkaa kakraa bi, anka merewu.
21 “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
“Monhunu me mmɔbɔ, me nnamfonom, monhunu mmɔbɔ, na Onyankopɔn nsa abɔ me.
22 Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?
Adɛn enti na motaa me so, sɛdeɛ Onyankopɔn yɛ no? Na mommfa me honam mu yea yi saa ara?
23 “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo mubhuku,
“Ao, anka wɔmfa me nsɛm nhyɛ nwoma mu, anka wɔntwerɛ wɔ nwoma mmobɔeɛ so,
24 dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!
anka wɔmfa dadeɛ twerɛdua nyiyi wɔ sumpii so, anaa wɔnkrukyire wɔ abotan so afebɔɔ.
25 Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
Menim sɛ me odimafoɔ te ase, na awieeɛ no ɔbɛsɔre agyina asase so.
26 Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;
Na sɛ me wedeɛ wie sɛe a, mede mʼani bɛhunu Onyankopɔn.
27 ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!
Me ara mɛhunu no mede mʼani, na ɛnyɛ obi foforɔ ani, bɛhunu no. Mʼakoma ho pere no wɔ me mu.
28 “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’
“Sɛ moka sɛ, ‘Yɛbɛteetee no, ɛfiri sɛ ɔhaw no firi ɔno ara’ a,
29 munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”
ɛsɛ sɛ mosuro akofena no. Abufuo nam akofena so de asotwe bɛba, na mobɛhunu sɛ atemmuo wɔ hɔ.”