< Jobho 19 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
And Job answered and said,
2 “Mucharamba muchinditambudza uye muchindipwanya namashoko kusvikira riniko?
How long will ye vex my soul, and crush me with words?
3 Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.
These ten times have ye reproached me; ye are not ashamed to stupefy me.
4 Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchava dambudziko rangu ndoga.
And be it [that] I have erred, mine error remaineth with myself.
5 Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuderedzwa kwangu pakundirwisa,
If indeed ye will magnify yourselves against me, and prove against me my reproach,
6 zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akandikomberedza nomumbure wake.
Know now that God hath overthrown me, and hath surrounded me with his net.
7 “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.
Behold, I cry out of wrong, and I am not heard; I cry aloud, but there is no judgment.
8 Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.
He hath hedged up my way that I cannot pass, and he hath set darkness in my paths.
9 Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.
He hath stripped me of my glory, and taken the crown from my head.
10 Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,
He breaketh me down on every side, and I am gone; and my hope hath he torn up as a tree.
11 Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.
And he hath kindled his anger against me, and hath counted me unto him as one of his enemies.
12 Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.
His troops have come together and cast up their way against me, and have encamped round about my tent.
13 “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.
He hath put my brethren far from me, and mine acquaintance are quite estranged from me.
14 Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.
My kinsfolk have failed, and my known friends have forgotten me.
15 Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.
The sojourners in my house and my maids count me as a stranger; I am an alien in their sight.
16 Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamukumbirisa nomuromo wangu chaiwo.
I called my servant, and he answered not; I entreated him with my mouth.
17 Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.
My breath is strange to my wife, and my entreaties to the children of my [mother's] womb.
18 Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.
Even young children despise me; I rise up, and they speak against me.
19 Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.
All my intimate friends abhor me, and they whom I loved are turned against me.
20 Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda namapfupa; ndangopunyuka napaburi retsono.
My bones cleave to my skin and to my flesh, and I am escaped with the skin of my teeth.
21 “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.
Have pity upon me, have pity upon me, ye my friends; for the hand of God hath touched me.
22 Seiko muchindidzingirira sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?
Why do ye persecute me as God, and are not satisfied with my flesh?
23 “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo mubhuku,
Oh would that my words were written! oh that they were inscribed in a book!
24 dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana kuti ainyorwa padombo nokusingaperi!
That with an iron style and lead they were graven in the rock for ever!
25 Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.
And [as for] me, I know that my Redeemer liveth, and the Last, he shall stand upon the earth;
26 Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;
And [if] after my skin this shall be destroyed, yet from out of my flesh shall I see God;
27 ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa, mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!
Whom I shall see for myself, and mine eyes shall behold, and not another: — my reins are consumed within me.
28 “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’
If ye say, How shall we persecute him? when the root of the matter is found in me,
29 munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”
Be ye yourselves afraid of the sword! for the sword is fury against misdeeds, that ye may know there is a judgment.