< Jobho 18 >

1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:
書亞人比勒達回答說:
2 “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbonyatsofungai, ipapo tigotaurirana hedu.
你尋索言語要到幾時呢? 你可以揣摩思想,然後我們就說話。
3 Tinobatirweiko semombe uye tichionekwa samapenzi pamberi penyu?
我們為何算為畜生, 在你眼中看作污穢呢?
4 Iyewe unozvibvamburanya mukutsamwa kwako, nyika ingasiyiwa nokuda kwako here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?
你這惱怒將自己撕裂的, 難道大地為你見棄、 磐石挪開原處嗎?
5 “Mwenje weakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.
惡人的亮光必要熄滅; 他的火焰必不照耀。
6 Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi pake unodzima.
他帳棚中的亮光要變為黑暗; 他以上的燈也必熄滅。
7 Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.
他堅強的腳步必見狹窄; 自己的計謀必將他絆倒。
8 Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.
因為他被自己的腳陷入網中, 走在纏人的網羅上。
9 Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa.
圈套必抓住他的腳跟; 機關必擒獲他。
10 Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake.
活扣為他藏在土內; 羈絆為他藏在路上。
11 Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.
四面的驚嚇要使他害怕, 並且追趕他的腳跟。
12 Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa.
他的力量必因飢餓衰敗; 禍患要在他旁邊等候。
13 Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.
他本身的肢體要被吞吃; 死亡的長子要吞吃他的肢體。
14 Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa kwazvo.
他要從所倚靠的帳棚被拔出來, 帶到驚嚇的王那裏。
15 Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.
不屬他的必住在他的帳棚裏; 硫磺必撒在他所住之處。
16 Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro.
下邊,他的根本要枯乾; 上邊,他的枝子要剪除。
17 Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.
他的記念在地上必然滅亡; 他的名字在街上也不存留。
18 Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.
他必從光明中被攆到黑暗裏, 必被趕出世界。
19 Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.
在本民中必無子無孫; 在寄居之地也無一人存留。
20 Varume vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; varume vokumabvazuva vakabatwa nokutya kukuru.
以後來的要驚奇他的日子, 好像以前去的受了驚駭。
21 Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomurume akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”
不義之人的住處總是這樣; 此乃不認識上帝之人的地步。

< Jobho 18 >