< Jobho 17 >
1 Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira.
我的心灵消耗,我的日子灭尽; 坟墓为我预备好了。
2 Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo.
真有戏笑我的在我这里, 我眼常见他们惹动我。
3 “Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso?
愿主拿凭据给我,自己为我作保。 在你以外谁肯与我击掌呢?
4 Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda.
因你使他们心不明理, 所以你必不高举他们。
5 Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achapofumara.
控告他的朋友、以朋友为可抢夺的, 连他儿女的眼睛也要失明。
6 “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.
神使我作了民中的笑谈; 他们也吐唾沫在我脸上。
7 Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.
我的眼睛因忧愁昏花; 我的百体好像影儿。
8 Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.
正直人因此必惊奇; 无辜的人要兴起攻击不敬虔之辈。
9 Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo, uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.
然而,义人要持守所行的道; 手洁的人要力上加力。
10 “Asi uyai, imi mose, edzaizve! Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu.
至于你们众人,可以再来辩论吧! 你们中间,我找不着一个智慧人。
11 Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa, saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.
我的日子已经过了; 我的谋算、我心所想望的已经断绝。
12 Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati; mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’
他们以黑夜为白昼, 说:亮光近乎黑暗。
13 Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima, (Sheol )
我若盼望阴间为我的房屋, 若下榻在黑暗中, (Sheol )
14 kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’ nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’
若对朽坏说:你是我的父; 对虫说:你是我的母亲姊妹;
15 ko, tariro yangu iripi zvino? Ndianiko angaona tariro yangu?
这样,我的指望在哪里呢? 我所指望的谁能看见呢?
16 Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?” (Sheol )
等到安息在尘土中, 这指望必下到阴间的门闩那里了。 (Sheol )