< Jobho 17 >

1 Mweya wangu waputsika, mazuva angu aitwa mashoma, guva rakandimirira.
我的心灵消耗,我的日子灭尽; 坟墓为我预备好了。
2 Zvirokwazvo vaseki vakandipoteredza; meso angu anofanira kuramba akatarisa ruvengo rwavo.
真有戏笑我的在我这里, 我眼常见他们惹动我。
3 “Ndipei, imi Mwari, chitsidzo chamunoda. Ndianiko achandiisira rubatso?
愿主拿凭据给我,自己为我作保。 在你以外谁肯与我击掌呢?
4 Makapofumadza ndangariro dzavo pakunzwisisa; naizvozvo hamungavatenderi kukunda.
因你使他们心不明理, 所以你必不高举他们。
5 Kana munhu akaramba shamwari dzake nokuda kwomubayiro, meso avana vake achapofumara.
控告他的朋友、以朋友为可抢夺的, 连他儿女的眼睛也要失明。
6 “Mwari akandiita shumo kuvanhu vose, munhu anopfirwa mate kumeso kwake navanhu.
神使我作了民中的笑谈; 他们也吐唾沫在我脸上。
7 Meso angu aneta nokuchema; muviri wangu wose wangova mumvuri zvawo.
我的眼睛因忧愁昏花; 我的百体好像影儿。
8 Vanhu vakarurama vanokatyamadzwa nazvo; vasina mhaka vachamukira vasingadi Mwari.
正直人因此必惊奇; 无辜的人要兴起攻击不敬虔之辈。
9 Kunyange zvakadaro, vakarurama vachabatirira panzira dzavo, uye vana maoko akachena vachanyanya kusimba.
然而,义人要持守所行的道; 手洁的人要力上加力。
10 “Asi uyai, imi mose, edzaizve! Handingawani murume ane uchenjeri pakati penyu.
至于你们众人,可以再来辩论吧! 你们中间,我找不着一个智慧人。
11 Mazuva angu apfuura, urongwa hwangu hwaparadzwa, saizvozvowo zvishuvo zvomwoyo wangu.
我的日子已经过了; 我的谋算、我心所想望的已经断绝。
12 Vanhu ava vanoshandura usiku kuti huve masikati; mukati merima ivo vanoti, ‘Chiedza chiri pedyo.’
他们以黑夜为白昼, 说:亮光近乎黑暗。
13 Kana musha wandinotarisira uri guva chete, kana ndikawaridzira mubhedha wangu murima, (Sheol h7585)
我若盼望阴间为我的房屋, 若下榻在黑暗中, (Sheol h7585)
14 kana ndikati kuuori, ‘Ndiwe baba vangu,’ nokuhonye ndikati, ‘Ndiwe mai vangu’ kana ‘Hanzvadzi yangu,’
若对朽坏说:你是我的父; 对虫说:你是我的母亲姊妹;
15 ko, tariro yangu iripi zvino? Ndianiko angaona tariro yangu?
这样,我的指望在哪里呢? 我所指望的谁能看见呢?
16 Ichaburukira kumasuo orufu here? Tichaburukira muguruva pamwe chete here?” (Sheol h7585)
等到安息在尘土中, 这指望必下到阴间的门闩那里了。 (Sheol h7585)

< Jobho 17 >