< Jobho 15 >
1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
Wasephendula uElifazi umThemani wathi:
2 “Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
Ohlakaniphileyo angaphendula yini ulwazi olungumoya, agcwalise isisu sakhe ngomoya wempumalanga?
3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo, kana namashoko asina basa here?
Aphikise ngamazwi angasizi lutho, langenkulumo ezingelanzuzo yini?
4 Asi unotorwisa umwari uye unodzivisa kunamata Mwari.
Yebo, wena uyachitha ukwesaba, uvimbela umkhuleko phambi kukaNkulunkulu.
5 Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
Ngoba umlomo wakho ufundisa ububi bakho, ukhethe ulimi lwamaqili.
6 Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
Umlomo wakho uyakulahla, kayisimi; yebo, indebe zakho ziyafakaza ngawe.
7 “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
Ungumuntu wokuqala owazalwayo yini? Kumbe wazalwa mandulo kwamaqaqa yini?
8 Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
Uzwile yini icebo langasese likaNkulunkulu? Kumbe uzigodlele inhlakanipho yini?
9 Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
Kuyini okwaziyo esingakwaziyo? Kuyini okuqedisisayo okungekho kithi?
10 Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.
Kukhona phakathi kwethu lempunga lekhehla, omdala ngensuku kuloyihlo.
11 Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?
Zincinyane yini kuwe induduzo zikaNkulunkulu, lelizwi elikhulunywa kuhle lawe?
12 Ko, mwoyo wako wakurasireiko, uye meso ako anobwairireiko,
Kungani inhliziyo yakho ikumukisa? Njalo kungani amehlo akho ephayiza,
13 zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?
ukuthi uphendule umoya wakho umelane loNkulunkulu, ukhuphe amazwi anje emlonyeni wakho?
14 “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?
Umuntu uyini ukuthi abe ngohlambulukileyo, lozelwe ngowesifazana ukuthi abe ngolungileyo?
15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
Khangela, kathembeli kwabangcwele bakhe, lamazulu kawahlambulukanga emehlweni akhe.
16 ko, kuzoti munhu, ane uori uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
Kukangakanani umuntu onengekayo lowonakeleyo, onatha ububi njengamanzi!
17 “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
Ngizakutshengisa, ungilalele, lengikubonileyo ngizakulandisa,
18 zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
lokho izihlakaniphi ezikukhulumileyo kusukela kuboyise, njalo kazikufihlanga,
19 ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
okwanikwa kuzo zodwa ilizwe, lokungadlulanga izihambi phakathi kwazo.
20 Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
Insuku zonke zokhohlakeleyo uzizwisa ubuhlungu, lenani leminyaka ebekelelwe umcindezeli.
21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.
Umsindo wezethuso usendlebeni zakhe; empumelelweni umchithi uzamfikela.
22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
Kakholwa ukuthi uzaphenduka emnyameni, kodwa ukuthi ulindelwe yinkemba.
23 Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
Uzulela ukudla. Kungaphi? Uyazi ukuthi usuku lobumnyama lulungisiwe esandleni sakhe.
24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,
Uhlupho losizi kuyamethusa, kumehlule njengenkosi elungele impi.
25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
Ngoba welule isandla sakhe emelene loNkulunkulu, wenza ngamandla ukumelana loSomandla.
26 achimhanyira kwaari asingatyi ane nhoo hobvu, yakasimba.
Wagijima emelene laye ngentamo, ngohlonzi lwamaqhubu ezihlangu zakhe.
27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,
Ngoba wambomboza ubuso bakhe ngamafutha akhe, wenza ukhalo lwakhukhumala ngamafutha.
28 iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.
Uhlala emizini echithekileyo, izindlu abangahlali kuzo, ezilungele ukuba zinqumbi.
29 Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
Kayikunotha, lenotho yakhe kayiyikuma, lenzuzo yakhe kayiyikusabalala emhlabeni.
30 Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
Kayikusuka emnyameni; ilangabi lizakomisa ihlumela lakhe, njalo uzasuka ngokuphefumula komoya wakhe.
31 Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pazviri.
Oduhisiweyo kangathembeli ezenini, ngoba ize lizakuba ngumvuzo wakhe.
32 Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.
Kuzafezwa kungakabi lusuku lwakhe, logatsha lwakhe aluyikuba luhlaza.
33 Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.
Uzawohloza izithelo zakhe ezingavuthwanga njengevini, athintithe impoko zakhe njengesihlahla somhlwathi.
34 Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
Ngoba inhlangano yabazenzisi izakuba ngengelazithelo, lomlilo uzaqothula amathente ezivalamlomo.
35 Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”
Bamitha uhlupho, bazale isono, lesizalo sabo silungisa inkohliso.