< Jobho 15 >

1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura akati:
ויען אליפז התימני ויאמר
2 “Ko, munhu akachenjera angapindura zvisina njere here, kana kuzadza dumbu rake nemhepo inopisa yokumabvazuva?
החכם יענה דעת-רוח וימלא קדים בטנו
3 Ko, angakakavara namashoko asina maturo, kana namashoko asina basa here?
הוכח בדבר לא-יסכון ומלים לא-יועיל בם
4 Asi unotorwisa umwari uye unodzivisa kunamata Mwari.
אף-אתה תפר יראה ותגרע שיחה לפני-אל
5 Chivi chako chinorunzira muromo wako; uye unotevera rurimi rwavanyengeri.
כי יאלף עונך פיך ותבחר לשון ערומים
6 Muromo wako pachako ndiwo unokupa mhosva, kwete wangu, miromo yako pachako inokupupurira zvakaipa.
ירשיעך פיך ולא-אני ושפתיך יענו-בך
7 “Ko, ndiwe munhu wakatanga kuzvarwa here? Ko, iwe wakazvarwa makomo asati avapo here?
הראישון אדם תולד ולפני גבעות חוללת
8 Unoteererawo here panokurukurwa mazano aMwari? Unoti uchenjeri ndohwako woga kanhi?
הבסוד אלוה תשמע ותגרע אליך חכמה
9 Chiiko chaunoziva chatisingazivi isu? Kunzwisisa kwaunako ndokweiko kwatisinawo isu?
מה-ידעת ולא נדע תבין ולא-עמנו הוא
10 Vane bvudzi rakachena navatana vakwegura vari kudivi redu, varume vatochembera kupinda baba vako.
גם-שב גם-ישיש בנו-- כביר מאביך ימים
11 Ko, kunyaradza kwaMwari hakuna kukukwanira here, iro shoko rakataurwa kwauri zvine unyoro?
המעט ממך תנחומות אל ודבר לאט עמך
12 Ko, mwoyo wako wakurasireiko, uye meso ako anobwairireiko,
מה-יקחך לבך ומה-ירזמון עיניך
13 zvokuti unoitira Mwari hasha ugobudisa mashoko akadai kubva mumuromo mako?
כי-תשיב אל-אל רוחך והצאת מפיך מלין
14 “Munhu chiiko, zvokuti angava akanaka, kana munhu akazvarwa nomukadzi, kuti angava akarurama?
מה-אנוש כי-יזכה וכי-יצדק ילוד אשה
15 Kana Mwari akasavimba navatsvene vake, kunyange dai matenga akasava akachena pamberi pake,
הן בקדשו לא יאמין ושמים לא-זכו בעיניו
16 ko, kuzoti munhu, ane uori uye akaora, anonwa zvakaipa semvura!
אף כי-נתעב ונאלח איש-שתה כמים עולה
17 “Nditeerere ndigokutsanangurira; rega ndikuudze zvandakaona,
אחוך שמע-לי וזה-חזיתי ואספרה
18 zvakataurwa navanhu vakachenjera, vasingavanzi chinhu chavakagamuchira kubva kumadzibaba avo,
אשר-חכמים יגידו ולא כחדו מאבותם
19 ivo voga vakapiwa nyika pasina mutorwa akapfuura napakati pavo:
להם לבדם נתנה הארץ ולא-עבר זר בתוכם
20 Murume akaipa anotambudzika nokurwadziwa pamazuva ake ose, makore ose outsinye akachengeterwa iye.
כל-ימי רשע הוא מתחולל ומספר שנים נצפנו לעריץ
21 Maungira anotyisa anozadza nzeve dzake; pazvinenge zvaita sezvakanaka, vapambi vanomurwisa.
קול-פחדים באזניו בשלום שודד יבואנו
22 Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
לא-יאמין שוב מני-חשך וצפו (וצפוי) הוא אלי-חרב
23 Anofamba-famba achiita sechokudya zvamagora; anoziva kuti zuva rerima raswedera.
נדד הוא ללחם איה ידע כי-נכון בידו יום-חשך
24 Kutambudzika nokurwadziwa zvinomuzadza nokutya; zvinomukunda, samambo agadzirira kurwisa,
יבעתהו צר ומצוקה תתקפהו כמלך עתיד לכידור
25 nokuti anokungira Mwari chibhakera chake uye anozvikudza pamusoro paWamasimba Ose,
כי-נטה אל-אל ידו ואל-שדי יתגבר
26 achimhanyira kwaari asingatyi ane nhoo hobvu, yakasimba.
ירוץ אליו בצואר בעבי גבי מגניו
27 “Kunyange chiso chake chakafukidzwa namafuta uye chiuno chake chakafuta nenyama,
כי-כסה פניו בחלבו ויעש פימה עלי-כסל
28 iye achagara mumaguta akaparadzwa nomudzimba dzisingagarwi nomunhu, dzimba dzokoromoka kuva marara.
וישכון ערים נכחדות--בתים לא-ישבו למו אשר התעתדו לגלים
29 Haachazovazve mupfumi uye pfuma yake haingagari, kana nepfuma yake haingazadzi nyika.
לא-יעשר ולא-יקום חילו ולא-יטה לארץ מנלם
30 Haangapunyuki rima; murazvo uchasvavisa mabukira ake, uye kufema kwomuromo waMwari kuchamurasira kure.
לא-יסור מני-חשך--ינקתו תיבש שלהבת ויסור ברוח פיו
31 Ngaarege kuzvinyengera nokuvimba nezvisina maturo, nokuti haana chaachawana pazviri.
אל-יאמן בשו נתעה כי-שוא תהיה תמורתו
32 Acharipirwa zvakazara nguva yake isati yasvika, uye matavi ake haangawandi.
בלא-יומו תמלא וכפתו לא רעננה
33 Achafanana nomuzambiringa wabvisirwa mazambiringa asati aibva, kufanana nomuti womuorivhi wodonhedza maruva awo.
יחמס כגפן בסרו וישלך כזית נצתו
34 Nokuti ungano yavasingadi Mwari ichashaya zvibereko, uye moto uchaparadza matende avaya vanofarira fufuro.
כי-עדת חנף גלמוד ואש אכלה אהלי-שחד
35 Vanobata mimba yokutambudzika vagozvara zvakaipa; dumbu ravo rinogadzira kunyengera.”
הרה עמל וילד און ובטנם תכין מרמה

< Jobho 15 >