< Jobho 14 >
1 “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.
Umuntu, ozelwe ngowesifazana ulensuku ezimfitshane, ezigcwele inhlupheko.
2 Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari.
Uyavela njengeluba, abune, abaleke njengesithunzi, akemi.
3 Ko, munotarisisa munhu akadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?
Kambe onjalo umvulela amehlo akho, ungingenise ekwahlulelweni kanye lawe.
4 Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina? Hakuna!
Ngubani ongaveza okuhlambulukileyo kokungcolileyo? Kakho loyedwa.
5 Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.
Lokhu insuku zakhe zimisiwe, inani lenyanga zakhe likuwe, ummisele imingcele yakhe angeyedlule;
6 Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.
ungamkhangeli, ukuze aphumule, aze athokoze ngosuku lwakhe njengesiqatshwa.
7 “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi.
Ngoba kukhona ithemba esihlahleni uba siganyulwa ukuthi sizabuya sihlume, lokuthi ihlumela laso kaliyikuphela.
8 Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu uye hunde yawo ichifa muvhu,
Lanxa impande yaso isiba ndala emhlabeni, lesiphunzi saso sifele emhlabathini,
9 asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura ugomera somuti uchangotanga kumera.
ngephunga lamanzi sizahluma, senze ingatsha njengesithombo.
10 Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovapozve.
Kodwa umuntu uyafa alaliswe phansi, yebo, umuntu uyaphela, ungaphi-ke?
11 Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,
Amanzi ayemuka elwandle, lomfula uyoma utshe,
12 saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.
ngokunjalo umuntu uyalala phansi angavuki; kuze kuthi amazulu angabikho, bangavuki, kumbe bangaphatshanyiswa ebuthongweni babo.
13 “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! (Sheol )
Kungathi ungangifihla engcwabeni, ungithukuze, ize iphenduke intukuthelo yakho, ungimisele isikhathi esimisiweyo, ungikhumbule! (Sheol )
14 Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.
Uba umuntu esifa, uzabuya aphile yini? Zonke insuku zemfazo yami ngizalinda, kuze kufike ukukhululwa kwami.
15 Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.
Uzabiza, mina-ke ngizasabela, uzalangatha umsebenzi wezandla zakho.
16 Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.
Kanti khathesi uyazibala izinyathelo zami; kawuyikuqaphelisa ngesono sami yini?
17 Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.
Isiphambeko sami sinanyekwe esikhwameni, wasusibekela isono sami.
18 “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,
Isibili-ke intaba ewayo iyabhidlika, ledwala liyasuswa endaweni yalo.
19 semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.
Amanzi ayaguguda amatshe, impophoma zawo ziyakhukhula ubhuqu lomhlaba. Uyachitha-ke ithemba lomuntu.
20 Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.
Uyamehlula phakade, adlule; uyaguqula ubuso bakhe, umxotshe.
21 Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni.
Amadodana akhe ayadunyiswa, kodwa engakwazi; kumbe ayehliselwa phansi, kodwa angakunanzeleli.
22 Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.”
Kodwa inyama yakhe kuye isebuhlungwini, lomphefumulo wakhe kuye uyalila.