< Jobho 14 >
1 “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.
Der Mensch, vom Weibe geboren, lebt kurze Zeit und ist voll Unruhe,
2 Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari.
gehet auf wie eine Blume und fällt ab, fleucht wie ein Schatten und bleibet nicht.
3 Ko, munotarisisa munhu akadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?
Und du tust deine Augen über solchem auf, daß du mich vor dir in das Gericht ziehest.
4 Ndianiko angabudisa chinhu chakachena kubva pane chine tsvina? Hakuna!
Wer will einen Reinen finden bei denen, da keiner rein ist?
5 Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.
Er hat seine bestimmte Zeit, die Zahl seiner Monden stehet bei dir; du hast ein Ziel gesetzt, das wird er nicht übergehen.
6 Naizvozvo regai kumutarisa uye mumusiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.
Tue dich von ihm, daß er Ruhe habe, bis daß seine Zeit komme, deren er wie ein Taglöhner wartet.
7 “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi.
Ein Baum hat Hoffnung, wenn er schon abgehauen ist, daß er sich wieder verändere, und seine Schößlinge hören nicht auf.
8 Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu uye hunde yawo ichifa muvhu,
Ob seine Wurzel in der Erde veraltet und sein Stamm in dem Staube erstirbt,
9 asi uchabukira pakunhuhwira kwemvura ugomera somuti uchangotanga kumera.
grünet er doch wieder vom Geruch des Wassers und wächst daher, als wäre er gepflanzet.
10 Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovapozve.
Wo ist aber ein Mensch, wenn er tot und umkommen und dahin ist?
11 Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,
Wie ein Wasser ausläuft aus dem See und wie ein Strom versieget und vertrocknet,
12 saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisiko, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.
so ist ein Mensch, wenn er sich legt, und wird nicht aufstehen und wird nicht aufwachen, solange der Himmel bleibt, noch von seinem Schlaf erweckt werden.
13 “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira! (Sheol )
Ach, daß du mich in der Hölle verdecktest und verbärgest, bis dein Zorn sich lege, und setztest mir ein Ziel, daß du an mich denkest! (Sheol )
14 Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.
Meinest du, ein toter Mensch werde wieder leben? Ich harre täglich; dieweil ich streite, bis daß meine Veränderung komme,
15 Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.
daß du wollest mir rufen, und ich dir antworten, und wollest das Werk deiner Hände nicht ausschlagen.
16 Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.
Denn du hast schon meine Gänge gezählet; aber du wollest ja nicht achthaben auf meine Sünde.
17 Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.
Du hast meine Übertretung in einem Bündlein versiegelt und meine Missetat zusammengefasset.
18 “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,
Zerfällt doch ein Berg und vergehet, und ein Fels wird von seinem Ort versetzt.
19 semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.
Wasser wäschet Steine weg, und die Tropfen flößen die Erde weg; aber des Menschen Hoffnung ist verloren.
20 Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.
Denn du stößest ihn gar um, daß er dahinfähret, veränderst sein Wesen und lässest ihn fahren.
21 Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakadzikisirwa pasi, iye haazvioni.
Sind seine Kinder in Ehren, das weiß er nicht; oder ob sie geringe sind, des wird er nicht gewahr.
22 Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.”
Weil er das Fleisch an sich trägt, muß er Schmerzen haben, und weil seine Seele noch bei ihm ist, muß er Leid tragen.