< Jobho 13 >

1 “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.
“Idanuna sun ga waɗannan duka, kunnuwana sun ji sun kuma gane.
2 Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva; handisi muduku kwamuri.
Abin da kuka sani, ni ma na sani; ba ku fi ni ba.
3 Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.
Amma ina so in yi magana da Maɗaukaki, in kai kukana wurin Allah kai tsaye.
4 Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!
Ku kuma kun ishe ni da ƙarairayi; ku likitocin wofi ne, dukanku!
5 Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.
In da za ku yi shiru gaba ɗaya! Zai zama muku hikima.
6 Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.
Ku ji gardamata yanzu; ku ji roƙon da zai fito daga bakina.
7 Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here? Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?
Za ku iya yin muguwar magana a madadin Allah? Ko za ku yi ƙarya a madadinsa?
8 Mungamuitira rusaruro here? Mungamiririra Mwari here?
Ko za ku nuna masa sonkai? Ko za ku yi gardama a madadinsa?
9 Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?
In ya bincike ku zai tarar ba ku da laifi? Ko za ku iya ruɗe shi yadda za ku ruɗi mutane?
10 Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.
Ba shakka zai kwaɓe ku in kun nuna sonkai a ɓoye.
11 Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?
Ko ikonsa ba ya ba ku tsoro? Tsoronsa ba zai auka muku ba?
12 Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.
Duk surutanku kamar toka suke; kāriyarku na yimɓu ne.
13 “Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.
“Ku yi shiru zan yi magana; sa’an nan abin da zai same ni yă same ni.
14 Ko, ndinozviisirei munjodzi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
Don me na sa kaina cikin hatsari na yi kasada da raina?
15 Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye; zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
Ko da zai kashe ni ne, begena a cikinsa zai kasance; ba shakka zan kāre kaina a gabansa
16 Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!
lalle wannan zai kawo mini kuɓuta gama ba wani marar tsoron Allah da zai iya zuwa wurinsa!
17 Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
Ku saurara da kyau ku ji abin da zan faɗa; bari kunnuwanku su ji abin da zan ce.
18 Zvino ndagadzirisa nyaya yangu, ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.
Yanzu da na shirya ƙarata, na san za a ce ba ni da laifi.
19 Pane angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.
Ko wani zai ce ga laifin da na yi? In an same ni da laifi, zan yi shiru in mutu.
20 “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.
“Kai dai biya mini waɗannan bukatu biyu kawai ya Allah, ba zan kuwa ɓoye daga gare ka ba;
21 Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.
Ka janye hannunka nesa da ni, ka daina ba ni tsoro da bantsoronka.
22 Ipapo mukandidana ndichadavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.
Sa’an nan ka kira ni, zan kuwa amsa, ko kuma ka bar ni in yi magana sai ka amsa mini.
23 Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.
Abubuwa nawa na yi waɗanda ba daidai ba, kuma zunubi ne? Ka nuna mini laifina da zunubina.
24 Munovanzireiko chiso chenyu muchindiona somuvengi wenyu?
Don me ka ɓoye mini fuskarka; ka kuma sa na zama kamar maƙiyinka?
25 Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?
Ko za a wahalar da ganye wanda iska take hurawa? Ko za ka bi busasshiyar ciyawa?
26 Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.
Gama ka rubuta abubuwa marasa daɗi game da ni; ka sa na yi gādon zunuban ƙuruciyata.
27 Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
Ka daure ƙafafuna da sarƙa; kana kallon duk inda na taka ta wurin sa shaida a tafin ƙafafuna.
28 “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.
“Haka mutum yake lalacewa kamar ruɓaɓɓen abu, kamar rigar da asu ya cinye.

< Jobho 13 >