< Jobho 13 >

1 “Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.
这一切,我眼都见过; 我耳都听过,而且明白。
2 Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva; handisi muduku kwamuri.
你们所知道的,我也知道, 并非不及你们。
3 Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.
我真要对全能者说话; 我愿与 神理论。
4 Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!
你们是编造谎言的, 都是无用的医生。
5 Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.
惟愿你们全然不作声; 这就算为你们的智慧!
6 Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.
请你们听我的辩论, 留心听我口中的分诉。
7 Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here? Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?
你们要为 神说不义的话吗? 为他说诡诈的言语吗?
8 Mungamuitira rusaruro here? Mungamiririra Mwari here?
你们要为 神徇情吗? 要为他争论吗?
9 Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?
他查出你们来,这岂是好吗? 人欺哄人,你们也要照样欺哄他吗?
10 Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.
你们若暗中徇情, 他必要责备你们。
11 Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?
他的尊荣岂不叫你们惧怕吗? 他的惊吓岂不临到你们吗?
12 Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.
你们以为可记念的箴言是炉灰的箴言; 你们以为可靠的坚垒是淤泥的坚垒。
13 “Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.
你们不要作声,任凭我吧! 让我说话,无论如何我都承当。
14 Ko, ndinozviisirei munjodzi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
我何必把我的肉挂在牙上, 将我的命放在手中。
15 Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye; zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
他必杀我;我虽无指望, 然而我在他面前还要辩明我所行的。
16 Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!
这要成为我的拯救, 因为不虔诚的人不得到他面前。
17 Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
你们要细听我的言语, 使我所辩论的入你们的耳中。
18 Zvino ndagadzirisa nyaya yangu, ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.
我已陈明我的案, 知道自己有义。
19 Pane angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.
有谁与我争论, 我就情愿缄默不言,气绝而亡。
20 “Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.
惟有两件不要向我施行, 我就不躲开你的面:
21 Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.
就是把你的手缩回,远离我身; 又不使你的惊惶威吓我。
22 Ipapo mukandidana ndichadavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.
这样,你呼叫,我就回答; 或是让我说话,你回答我。
23 Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.
我的罪孽和罪过有多少呢? 求你叫我知道我的过犯与罪愆。
24 Munovanzireiko chiso chenyu muchindiona somuvengi wenyu?
你为何掩面、 拿我当仇敌呢?
25 Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?
你要惊动被风吹的叶子吗? 要追赶枯干的碎秸吗?
26 Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.
你按罪状刑罚我, 又使我担当幼年的罪孽;
27 Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
也把我的脚上了木狗, 并窥察我一切的道路, 为我的脚掌划定界限。
28 “Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.
我已经像灭绝的烂物, 像虫蛀的衣裳。

< Jobho 13 >