< Jobho 12 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Sai Ayuba ya amsa,
2 “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemi!
“Ba shakka ku ne mutanen nan, hikima za tă mutu tare da ku!
3 Asi neniwo ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?
Amma ni ma ina da hankali kamar ku; ba ku fi ni ba. Wane ne bai san duk waɗannan abubuwan ba?
4 “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
“Na zama abin dariya ga abokaina, ko da yake na yi kira ga Allah ya kuwa amsa mini, duk da haka suka yi mini riya ko da yake ni mai adalci ne kuma marar laifi!
5 Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
Mutanen da ba su da damuwa suna jin daɗin ganin waɗanda suke dab da fāɗuwa.
6 Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.
Amma wurin zaman’yan fashi yana nan ba mai damunsu, waɗanda kuma suke saɓa wa Allah suna zamansu lafiya, har ma da masu ɗaukar allahnsu a hannuwansu.
7 “Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;
“Amma ka tambayi dabbobi, za su kuma koya maka, ko kuma tsuntsayen sararin sama kuma za su gaya maka.
8 kana taura kunyika, ichakudzidzisa, kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.
Ko ka yi magana da duniya, za tă kuma koya maka, ko kuma ka bar kifin teku su sanar da kai.
9 Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
Wane ne cikin waɗannan bai san cewa hannun Ubangiji ne ya yi wannan ba?
10 Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
Ran kowace halitta yana a hannunsa, haka kuma numfashin dukan’yan adam.
11 Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?
Ko kunne ba ya gwada kalmomi kamar yadda harshe yake ɗanɗana abinci?
12 Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?
Ko ba a wurin tsofaffi ake samun hikima ba? Ba tsawon rai yana kawo ganewa ba?
13 “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.
“Allah ne mai iko da kuma hikima, shawara da ganewa nasa ne.
14 Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
Abin da ya rushe ba a iya ginawa ba; in ya kulle mutum ba a iya buɗe shi a sake shi ba.
15 Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
Idan ya hana ruwan sama, za a yi fări; in kuma ya saki ruwa za a yi ambaliya.
16 Simba nokukunda ndezvake; anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
Shi ne mai ƙarfi da kuma mai nasara; mai ruɗi da wanda aka ruɗa, duk nasa ne.
17 Anodzinga makurukota asina nguo uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.
Yakan sa mashawarta su zama marasa hikima yă kuma sa wawaye su zama masu shari’a.
18 Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo agosunga zviuno zvavo nomucheka.
Yana cire sarƙar da sarakuna suka ɗaura yă kuma ɗaura musu wata tsumma a kwankwaso.
19 Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
Yakan ƙasƙantar da firistoci yă kuma tumɓuke masu ikon da aka kafa tun da daɗewa.
20 Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
Yana sa amintattun mashawarta su yi shiru yakan kawar da hikimar dattawa.
21 Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
Yakan sa masu iko su ji kunya yă kuma ƙwace ƙarfin masu ƙarfi.
22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
Yana buɗe abubuwan da suke cikin duhu yă kuma kawo haske a wuraren da ba haske;
23 Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.
yana sa al’ummai su zama manya, sai kuma yă hallaka su; yana sa al’ummai su ƙasaita, yă kuma watsar da su.
24 Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
Yana hana shugabannin duniya ganewa; Ya bar su su yi ta makuwa, su ruɗe, su ɓata.
25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.
Suna lallube cikin duhu ba haske; yă sa su yi ta tangaɗi kamar bugaggu.

< Jobho 12 >