< Jobho 12 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
約伯回答說:
2 “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemi!
的確,只有你們是有知識的子民;那麼,你們一死,智慧也與你們一同喪亡!
3 Asi neniwo ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?
其實,我和你們有同樣的心理,我並不亞於你們! 誰不知道這些事﹖
4 “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
我這呼籲天主而蒙應允的人,卻被他的友人所嘲笑,無辜的義人卻成了笑柄。
5 Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
幸運的人心想:遭難的人應受蔑視,失足的人應再予以打擊。
6 Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.
但是,強盜的帳幕竟能安全,觸怒天主的人,以勢力為神的人卻享平安。
7 “Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;
請你詢問走獸,牠們也會開導你;詢問天上的飛鳥,牠們也會告訴你;
8 kana taura kunyika, ichakudzidzisa, kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.
地上的爬蟲也會教訓你,海中的魚族也會給你說明。
9 Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
牠們中有誰不知道:是天主的手創造了這一切﹖
10 Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
因為一切活物的生魂,一切血肉之人的靈魂,都握在他手中。
11 Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?
耳朵不是為明辨言語,口腔不是為辨嘗食物嗎﹖
12 Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?
白髮老人是有智慧的,年紀大者是有見識的;
13 “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.
但智慧和能力同在天主內,智慧與見識是天主所有。
14 Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
他若拆毀,人不能再建;他若拘禁,人不得開釋。
15 Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
他若制水,水便乾涸;他若放水,水便沖毀大地。
16 Simba nokukunda ndezvake; anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
力量與才能,為他所有;受騙者與騙人者,都屬於他。
17 Anodzinga makurukota asina nguo uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.
他使謀士糊塗,使判官愚蠢;
18 Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo agosunga zviuno zvavo nomucheka.
他解除君王所繫的玉帶,將繩索捆在他們的腰間;
19 Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
他使司祭赤足而行,推倒掌握大權者;
20 Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
奪去忠貞者的辯才,剝去年老者的理智:
21 Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
使貴人備受侮辱,使勇士的腰帶鬆弛;
22 Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
使隱秘的事由暗處彰顯,使黑暗進入光明;
23 Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.
使邦國興起而又滅亡,使民族強大而又消散;
24 Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
剝去國君的理智,使他們漂泊於無路的荒野中,
25 Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.
在無光的黑暗中摸索,踉蹌猶如醉漢。