< Jobho 11 >
1 Ipapo Zofari muNaamati akapindura akati:
Wasephendula uZofari umNahama wathi:
2 “Mashoko aya ose haangapindurwi here? Ko, mutauri uyu anofanira kushayirwa mhosva here?
Kambe kabuphendulwa yini ubunengi bamazwi? Njalo isilawuli singalungisiswa yini?
3 Ko, kubvotomoka kwako kunganyaradza vanhu here? Ko, pangashaya anokutsiura paunenge uchituka here?
Ukulawula kwakho kuzathulisa abantu yini? Lapho ukloloda, kakho ongakuyangisa yini?
4 Iwe unoti kuna Mwari, ‘Zvandinotenda zvakarurama uye ndakachena pamberi penyu.’
Ngoba uthe: Imfundiso yami ihlanzekile, ngihlambulukile emehlweni akho.
5 Haiwa, ndinoda sei kuti dai Mwari ataura, kuti dai ashamisa hake muromo wake pamusoro pako,
Kodwa-ke kungathi uNkulunkulu angakhuluma, avule indebe zakhe kuwe,
6 uye akuzarurire zvakavanzika zvouchenjeri, nokuti uchenjeri hwechokwadi huri paviri. Uzive izvi: Mwari akatokanganwa kare zvimwe zvivi zvako.
ukuze akwazise imfihlakalo zenhlakanipho, ukuthi ziphindwe kabili ngenhlakanipho eqotho. Yazi-ke ukuthi uNkulunkulu ubiza kuwe okulutshwana kulecala lakho.
7 “Ko, unganzwisisa zvakavanzika zvaMwari here? Unganzwisisa panogumira Wamasimba Ose here?
Ungafumana ukujula kukaNkulunkulu na? Ungamfumana yini uSomandla kuze kube sekupheleleni?
8 Zvakakwirira kupfuura matenga, iwe ungaiteiko? Zvakadzika kupfuura kudzika kwebwiro, iwe ungaziveiko? (Sheol )
Kuphakeme njengamazulu, ungenzani? Kutshonile kulesihogo, ungazini? (Sheol )
9 Chiero chazvo chakareba kupfuura nyika uye zvakapamhama kupfuura gungwa.
Isilinganiso sakho side kulomhlaba, sibanzi kulolwandle.
10 “Kana iye akasvika akakupfigira mujeri uye akakoka dare remhosva, ndianiko angapikisana naye?
Uba esedlula avalele kumbe abuthanise, ngubani-ke ongamnqanda?
11 Zvirokwazvo anoziva vanhu vanonyengera; uye paanoona chakaipa, anoshaya hanya here?
Ngoba yena uyabazi abantu abayize, uyabona ububi; ngakho kayikukuqaphelisa yini?
12 Asi munhu asina kuchenjera haangagoni kuva akangwara sezvo zvisingagoneki kuti mwana wembizi angaberekwa nomunhu.
Ngoba umuntu oyisiphukuphuku angaba lokuqedisisa, lanxa umuntu engazalwa njengethole likababhemi weganga.
13 “Asi kana mwoyo wako ukazvipira kwaari, uye ukatambanudzira maoko ako kwaari,
Uba wena ulungisa inhliziyo yakho, welulele izandla zakho kuye,
14 kana ukaisa kure chivi chiri muruoko rwako, uye ukasatendera chakaipa kugara mutende rako,
uba ububi busesandleni sakho, bubeke khatshana, lobubi kabungahlali emathenteni akho.
15 ipapo uchasimudza chiso chako usina nyadzi, uchamira wakasimba uye usingatyi.
Ngoba lapho uzaphakamisa ubuso bakho ungelasici, njalo uqine, ungesabi.
16 Zvirokwazvo uchakanganwa nhamo yako, uchangoirangarira semvura yakaerera.
Ngoba wena uzakhohlwa usizi lwakho, ulukhumbule njengamanzi asedlulile.
17 Upenyu huchajeka kupfuura masikati makuru, uye rima richaita samangwanani.
Lobude bempilo yakho buzakhanya kulemini enkulu; loba kulomnyama kuzakuba njengekuseni.
18 Iwe uchagara zvakanaka, nokuti tariro iriko; ucharinga-ringa ugozorora murugare.
Njalo uzakuba lethemba ngoba kulethemba; uzagebha, uzalala ngokuvikeleka.
19 Uchavata hako pasi, pasina munhu anokuvhundutsa, uye vazhinji vachakumbira nyasha dzako.
Uzalala, njalo kakho ozakwethusa, labanengi bazancenga phambi kwakho.
20 Asi meso avakaipa achaneta, uye vachashayiwa kwokutizira; tariro yavo ichava yokufa.”
Kodwa amehlo ababi azafiphala, lesiphephelo sizachitheka kubo, lethemba labo lizakuba yikuphela komphefumulo.