< Jobho 10 >

1 “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura mukushungurudzika kwemwoyo wangu.
Mon âme est lasse de la vie; je donnerai libre cours à ma plainte, je parlerai dans l’amertume de mon cœur.
2 Ndichati kuna Mwari: Musandiwanira mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi.
Je dis à Dieu: Ne me condamne point; apprends-moi sur quoi tu me prends à partie.
3 Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here?
Trouves-tu du plaisir à opprimer, à repousser l’œuvre de tes mains, à faire luire ta faveur sur le conseil des méchants?
4 Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here?
As-tu des yeux de chair, ou bien vois-tu comme voient les hommes?
5 Ko, mazuva enyu akaita seavaya vanofa, kana makore enyu samakore omunhu,
Tes jours sont-ils comme les jours de l’homme, ou bien tes années comme les années d’un mortel,
6 kuti muongorore mhosva yangu uye mutsvage chivi changu,
pour que tu recherches mon iniquité, pour que tu poursuives mon péché,
7 kunyange muchiziva kuti handina mhosva, uye kuti hakuna anogona kundinunura paruoko rwenyu here?
quand tu sais que je ne suis pas coupable, et que nul ne peut me délivrer de ta main?
8 “Maoko enyu akandiumba uye akandigadzira. Zvino modzoka kuzondiparadza here?
Tes mains m’ont formé et façonné, tout entier, et tu voudrais me détruire!
9 Rangarirai kuti makandiumba sevhu. Zvino mondidzoserazve kuvhu here?
Souviens-toi que tu m’as pétri comme l’argile: et tu me ramènerais à la poussière!
10 Hamuna kundidurura somukaka here uye mukandigwambisa sechizi,
Ne m’as-tu pas coulé comme le lait, et coagulé comme le fromage?
11 mukandifukidza neganda nenyama mukandisonanidza pamwe chete namapfupa namarunda here?
Tu m’as revêtu de peau et de chair, tu m’as tissé d’os et de nerfs.
12 Makandipa upenyu mukandinzwira ngoni, uye nehanya yenyu mukachengeta mweya wangu.
Avec la vie, tu m’as accordé ta faveur, et ta providence a gardé mon âme.
13 “Asi izvi ndizvo zvamakaviga mumwoyo menyu, uye ndinoziva kuti izvi zvaiva mupfungwa dzenyu.
Et pourtant, voilà ce que tu cachais dans ton cœur: Je vois bien ce que tu méditais.
14 Kana ndakatadza, imi maizenge makanditarisa, uye hamaizotendera kudarika kwangu kuti kurege kurangwa.
Si je pèche, tu m’observes, tu ne me pardonnes pas mon iniquité.
15 Kana ndine mhosva, ndine nhamo! Kunyange dai ndisina mhosva, handingasimudzi musoro wangu, nokuti ndizere nenyadzi uye ndakanyura mukutambudzika kwangu.
Suis-je coupable, malheur à moi! Suis-je innocent, je n’ose lever la tête, rassasié de honte, et voyant ma misère.
16 Kana ndikasimudza musoro wangu, imi munondironda sezvinoita shumba, uyezve munoratidza simba renyu rinotyisa pamusoro pangu.
Si je me relève, tu me poursuis comme un lion, tu recommences à me tourmenter étrangement,
17 Munouya nezvapupu zvenyu zvitsva kuzondipomera mhosva uye munowedzera hasha dzenyu pamusoro pangu, hondo dzenyu dzinondirwisa, mapoka namapoka.
tu m’opposes de nouveaux témoins; tu redoubles de fureur contre moi, des troupes de rechange viennent m’assaillir.
18 “Ko, zvino makandibudisirei mudumbu? Ndinoshuva kuti dai ndakafa hangu pasati pava neziso randiona.
Pourquoi m’as-tu tiré du sein de ma mère? Je serais mort, et aucun œil ne m’aurait vu.
19 Dai chete ndakanga ndisina kumbovapo hangu, kana kuti ndakatakurwa ndichiendeswa kubwiro ndichangobva mudumbu ramai vangu!
Je serais comme si je n’eusse jamais été, du sein maternel j’aurais été porté au sépulcre.
20 Ko, mazuva angu haasi mashoma ava kutopera here? Ibvai kwandiri kuti ndimbofara hangu kwakanguva,
Mes jours ne sont-ils pas bien courts? Qu’il me laisse! Qu’il se retire et que je respire un instant,
21 ndisati ndaenda kusingadzokwi, kunyika yerima nomumvuri wakadzama,
avant que je m’en aille, pour ne plus revenir, dans la région des ténèbres et de l’ombre de la mort,
22 kunyika yerima guru, yomumvuri wakadzama nenyonganyonga, iko kunoti kunyange chiedza chakangofanana nerima.”
morne et sombre région, où règnent l’ombre de la mort et le chaos, où la clarté est pareille aux ténèbres.

< Jobho 10 >