< Jobho 1 >

1 Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa.
איש היה בארץ עוץ איוב שמו והיה האיש ההוא תם וישר וירא אלהים וסר מרע׃
2 Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu,
ויולדו לו שבעה בנים ושלוש בנות׃
3 uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru kuna vose pakati pavanhu vokumabvazuva.
ויהי מקנהו שבעת אלפי צאן ושלשת אלפי גמלים וחמש מאות צמד בקר וחמש מאות אתונות ועבדה רבה מאד ויהי האיש ההוא גדול מכל בני קדם׃
4 Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo.
והלכו בניו ועשו משתה בית איש יומו ושלחו וקראו לשלשת אחיתיהם לאכל ולשתות עמהם׃
5 Nguva yomutambo yapera, Jobho aituma nhume kundovadana kuti vazonatswa. Aimuka mangwanani-ngwanani achibayira mwana mumwe nomumwe chipiriso chinopiswa, achiti, “Zvichida vana vangu vakatadza uye vakatuka Mwari mumwoyo yavo.” Aya ndiwo aiva maitiro aJobho nguva dzose.
ויהי כי הקיפו ימי המשתה וישלח איוב ויקדשם והשכים בבקר והעלה עלות מספר כלם כי אמר איוב אולי חטאו בני וברכו אלהים בלבבם ככה יעשה איוב כל הימים׃
6 Zvino rimwe zuva vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, naSataniwo akasvika pamwe chete navo.
ויהי היום ויבאו בני האלהים להתיצב על יהוה ויבוא גם השטן בתוכם׃
7 Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwidza nokudzika mairi.”
ויאמר יהוה אל השטן מאין תבא ויען השטן את יהוה ויאמר משוט בארץ ומהתהלך בה׃
8 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira muranda wangu Jobho here? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana chaanopomerwa uye akarurama, munhu anotya Mwari uye anonzvenga chakaipa.”
ויאמר יהוה אל השטן השמת לבך על עבדי איוב כי אין כמהו בארץ איש תם וישר ירא אלהים וסר מרע׃
9 Satani akati, “Ko, Jobho anongotya Mwari pasina here?
ויען השטן את יהוה ויאמר החנם ירא איוב אלהים׃
10 Ko, hamuna kumupoteredza noruzhowa iye neimba yake nezvose zvaanazvo here? Makaropafadza basa ramaoko ake, uye pfuma yake yakatekeshera munyika yose.
הלא את שכת בעדו ובעד ביתו ובעד כל אשר לו מסביב מעשה ידיו ברכת ומקנהו פרץ בארץ׃
11 Asi tambanudzai henyu ruoko rwenyu murove zvose zvaanazvo, zvirokwazvo achakutukai pachena.”
ואולם שלח נא ידך וגע בכל אשר לו אם לא על פניך יברכך׃
12 Jehovha akati kuna Satani, “Saka zvakanaka, zvose zvaanazvo zviri mumaoko ako, asi iye usamubata.” Ipapo Satani akabva pamberi paJehovha.
ויאמר יהוה אל השטן הנה כל אשר לו בידך רק אליו אל תשלח ידך ויצא השטן מעם פני יהוה׃
13 Rimwe zuva vanakomana vaJobho navanasikana vake vakati vachidya uye vachinwa waini vari paimba yomukoma wavo mukuru,
ויהי היום ובניו ובנתיו אכלים ושתים יין בבית אחיהם הבכור׃
14 nhume yakasvika kuna Jobho ikati, “Nzombe dzanga dzichirima uye mbongoro dzanga dzichifura nechapedyo,
ומלאך בא אל איוב ויאמר הבקר היו חרשות והאתנות רעות על ידיהם׃
15 vaSebhia vakarwisa vakazvitora vakaenda nazvo. Vauraya varanda nomunondo ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”
ותפל שבא ותקחם ואת הנערים הכו לפי חרב ואמלטה רק אני לבדי להגיד לך׃
16 Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa makwai navaranda, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”
עוד זה מדבר וזה בא ויאמר אש אלהים נפלה מן השמים ותבער בצאן ובנערים ותאכלם ואמלטה רק אני לבדי להגיד לך׃
17 Achiri kutaura kudaro, imwe nhume yakasvika ikati, “VaKaradhea vaita mapoka matatu okupamba vakatora ngamera dzenyu vakaenda nadzo. Vauraya varanda venyu nomunondo, uye ini ndoga ndini ndapunyuka kuti ndizokuzivisai!”
עוד זה מדבר וזה בא ויאמר כשדים שמו שלשה ראשים ויפשטו על הגמלים ויקחום ואת הנערים הכו לפי חרב ואמלטה רק אני לבדי להגיד לך׃
18 Achiri kutaura kudaro, imwezve nhume yakasvika ikati, “Vanakomana venyu navanasikana venyu vanga vachidya nokunwa waini vari mumba momukoma wavo mukuru,
עד זה מדבר וזה בא ויאמר בניך ובנותיך אכלים ושתים יין בבית אחיהם הבכור׃
19 pakarepo mhepo huru yavhuvhuta ichibva kugwenga ikarova makona mana eimba. Yawira pamusoro pavo uye vafa, uye ini ndoga ndini ndasara kuti ndizokuzivisai!”
והנה רוח גדולה באה מעבר המדבר ויגע בארבע פנות הבית ויפל על הנערים וימותו ואמלטה רק אני לבדי להגיד לך׃
20 Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi
ויקם איוב ויקרע את מעלו ויגז את ראשו ויפל ארצה וישתחו׃
21 akanamata achiti: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi, uye ndichadzokera ndiri mushwi. Jehovha akapa uye Jehovha akatora, Zita raJehovha ngarirumbidzwe.”
ויאמר ערם יצתי מבטן אמי וערם אשוב שמה יהוה נתן ויהוה לקח יהי שם יהוה מברך׃
22 Pazvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza kana kupa Mwari mhosva.
בכל זאת לא חטא איוב ולא נתן תפלה לאלהים׃

< Jobho 1 >