< Jeremia 1 >
1 Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini.
Rijeèi Jeremije sina Helkijina izmeðu sveštenika koji bijahu u Anatotu u zemlji Venijaminovoj,
2 Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha,
Kojemu doðe rijeè Gospodnja u vrijeme Josije sina Amonova, cara Judina, trinaeste godine carovanja njegova,
3 uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa.
I u vrijeme Joakima sina Josijina, cara Judina, do svršetka jedanaeste godine carovanja Sedekije sina Josijina nad Judom, dok ne bi preseljen Jerusalim, petoga mjeseca.
4 Shoko raJehovha rakauya kwandiri, richiti,
I doðe mi rijeè Gospodnja govoreæi:
5 “Ndisati ndakuumba mudumbu ramai vako, ndakakuziva iwe, usati waberekwa, ndakakutsaura; ndakakugadza somuprofita kumarudzi.”
Prije nego te sazdah u utrobi, znah te; i prije nego izide iz utrobe, posvetih te; za proroka narodima postavih te.
6 Ini ndikati, “Haiwa, Ishe Jehovha, handigoni kutaura; ndinongova mwana hangu.”
A ja rekoh: oh, Gospode, Gospode! evo, ne znam govoriti, jer sam dijete.
7 Asi Jehovha akati kwandiri, “Usati, ‘Ndinongova mwana hangu.’ Unofanira kuenda kuna ani naani wandinokutuma kwaari undotaura zvose zvandinokurayira.
A Gospod mi reèe: ne govori: dijete sam; nego idi kuda te god pošljem, i govori što ti god kažem.
8 Usavatya, nokuti ini ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ne boj ih se, jer sam ja s tobom da te izbavljam, govori Gospod.
9 Ipapo Jehovha akatambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu akati kwandiri, “Zvino ndaisa mashoko angu mumuromo mako.
I pruživši Gospod ruku svoju dotaèe se usta mojih, i reèe mi Gospod: eto, metnuh rijeèi svoje u tvoja usta.
10 Tarira, nhasi ndakugadza pamusoro pendudzi napamusoro poushe kuti udzure, ubvarure, uparadze, ukoromore, uvake uye usime.”
Vidi, postavljam te danas nad narodima i carstvima da istrebljuješ i obaraš, i da zatireš i raskopavaš, i da gradiš i da sadiš.
11 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, “Jeremia, uri kuonei?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona davi romuti womuarimondi.”
Poslije mi doðe rijeè Gospodnja govoreæi: šta vidiš, Jeremija? I rekoh: vidim prut bademov.
12 Jehovha akati kwandiri, “Waona zvakanaka, nokuti ndiri kutarira kuti ndione kuzadziswa kweshoko rangu.”
Tada mi reèe Gospod: dobro si vidio, jer æu nastati oko rijeèi svoje da je izvršim.
13 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri richiti, “Uri kuoneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndiri kuona hari iri kuvira, yakarerekera kubva kumusoro.”
Opet mi doðe rijeè Gospodnja drugom govoreæi: šta vidiš? I rekoh: vidim lonac gdje vri, i prednja mu je strana prema sjeveru.
14 Jehovha akati kwandiri, “Njodzi ichadururirwa pamusoro pavanhu vagere munyika ichibva nokumusoro.
Tada mi reèe Gospod: sa sjevera æe navaliti zlo na sve stanovnike ove zemlje.
15 Nokuti iye zvino ndiri kudana vanhu vose voushe hwokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Madzimambo avo achauya achizoisa zvigaro zvavo zvoushe pamasuo eJerusarema; vachauya kuzorwisa masvingo aro ose akarikomberedza uye namaguta ose eJudha.
Jer, gle, ja æu sazvati sve porodice iz sjevernijeh carstava, veli Gospod, te æe doæi, i svaki æe metnuti svoj prijesto na vratima Jerusalimskim i oko svijeh zidova njegovijeh i oko svijeh gradova Judinijeh.
16 Ndichareva zvandakatonga pamusoro pavanhu vangu nokuda kwezvakaipa zvavo zvavakaita vachindisiya, vachipisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari uye vachinamata zvakaumbwa namaoko avo.
I izreæi æu im sud svoj za svu zloæu njihovu što me ostaviše, i kadiše drugim bogovima, i klanjaše se djelu ruku svojih.
17 “Iwe chigadzirira! Simuka uvataurire zvose zvandinokurayira. Usavhundutswa navo, kuti ini ndirege kuzokuvhundutsa pamberi pavo.
Ti dakle opaši se i ustani i govori im sve što æu ti zapovjediti; ne boj ih se, da te ne bih satro pred njima.
18 Nhasi ndakuita guta rakakomberedzwa nembiru yesimbi namasvingo endarira, kuti urwe nenyika yose, urwe namadzimambo eJudha, namachinda avo, navaprista vavo uye navanhu venyika.
Jer evo ja te postavljam danas kao tvrd grad i kao stup gvozden i kao zidove mjedene svoj ovoj zemlji, carevima Judinijem i knezovima njegovijem i sveštenicima njegovijem i narodu zemaljskom.
19 Vacharwa newe asi havangakukundi, nokuti ndinewe uye ndichakurwira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Oni æe udariti na te, ali te neæe nadvladati, jer sam ja s tobom, veli Gospod, da te izbavljam.