< Jeremia 9 >

1 Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu.
Ak, var mit Hoved Vand, mine Øjne en Tårekilde! Så græd jeg Dag og Nat over mit Folks Datters slagne.
2 Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka.
Ak, fandt jeg i Ørkenen et Herberg for vandringsmænd. Så drog jeg bort fra mit Folk og gik fra dem. Thi Horkarle er de alle, en svigefuld Bande;
3 “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi pakukunda kwavanoita munyika. Vanobva pane chimwe chivi vachienda pane chimwe; havandizivi ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
de spænder deres Tunges Bue. Løgn, ikke Sandhed råder i Landet; thi de går fra Ondskab til Ondskab og kender ej mig, så lyder det fra HERREN.
4 “Chenjererai shamwari dzenyu; musavimba nehama dzenyu. Nokuti hama ipi neipi inonyengera, uye shamwari ipi neipi inoita makuhwa.
Vogt eder hver for sin Næste, tro ingen Broder, thi hver Broder er fuld af List, hver sværter sin Næste.
5 Shamwari inonyengera shamwari, uye hakuna anotaura chokwadi. Vakadzidzisa ndimi dzavo kureva nhema; vanozvinetsa nokuita zvakaipa.
De fører hverandre bag Lyset, taler ikke Sandhed: de øver Tungen i Løgn, skejer ud, vil ej vende om,
6 Munogara pakati pounyengeri; mukunyengera kwavo vanoramba kundiziva ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Voldsdåd Slag i Slag og Svig på Svig; de nægter at kendes ved mig, så lyder det fra HERREN.
7 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, ndichavanatsa uye ndichavaedza, ndechipi chimwe chandingaita nokuda kwechivi chavanhu vangu?
Derfor, så siger Hærskarers HERRE: Se, jeg smelter og prøver dem, ja, hvad må jeg dog gøre for mit Folks Datters Skyld!
8 Rurimi rwavo museve unouraya; runotaura nokunyengera. Nomuromo wake mumwe nomumwe anotaura zvakanaka kune wokwake, asi mumwoyo make anomuteyera musungo.
Deres Tunge er en morders Pil, deres Munds Ord Svig; med Næsten taler de Fred, men i Hjertet bærer de Svig.
9 Ko, handigavarangi nokuda kwechinhu ichi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri pamusoro porudzi rwakadai here?”
Skal jeg ikke hjemsøge dem for sligt, så lyder det fra HERREN, skal ikke min Sjæl tage Hævn over sligt et Folk?
10 Ndichachema uye ndichaungudza nokuda kwamakomo, uye ndichachema pamusoro pamafuro egwenga. Aparara uye hakuna anofambako, uye kukuma kwemombe hakunzwiki. Shiri dzedenga dzatiza, uye mhuka dzaenda.
Over Bjergene bryder jeg ud i Gråd og Klage, over ØrkenensGræsgang i Klagesang. Thi de er afsvedet, mennesketomme, der høres ej Lyd af Kvæg; Himlens Fugle og Dyrene flygtede bort.
11 “Ndichaita Jerusarema murwi wedongo, panogara makava; uye ndichaparadza maguta eJudha, kuti kurege kuva nomunhu anogarako.”
Jerusalem gør jeg til Stenhob. Sjakalers Bolig, og Judas Byer til Ørk, hvor ingen bor.
12 Ndoupiko munhu akachenjera zvokuti anganzwisisa izvi? Ndianiko akarayirwa naJehovha uye angatsanangura izvi? Nemhaka yeiko nyika yanyangadzwa yava dongo ikafanana negwenga risina angapfuura nomo?
Hvem er viis nok til at fatte dette, og til hvem har HERRENs Mund talet, så han kan sige det: Hvorfor er Landet lagt øde, afsvedet som en Ørken, mennesketomt?
13 Jehovha akati, “Nemhaka yokuti vakasiya murayiro wangu, wandakaisa pamberi pavo, havana kunditeerera kana kutevera murayiro wangu.
Og HERREN sagde: Fordi de forlod min Lov, som jeg forelagde dem, og ikke hørte min Røst eller vandrede efter den,
14 Asi, vakatevera kusindimara kwemwoyo yavo; vakatevera vanaBhaari, sezvavakadzidziswa namadzibaba avo.”
men fulgte deres Hjertes Stivsind og Baalerne, som deres Fædre lærte dem at kende,
15 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, “Tarirai ndichaita kuti vanhu ava vadye zvinovava uye kuti vanwe mvura ino muchetura.
derfor, så siger Hærskarers HERRE Israels Gud: Se, jeg giver dette Folk Malurt at spise og Gift at drikke;
16 Ndichavaparadzira pakati pendudzi dzavasina kumboziva uye dzisina kumbozivikanwa namadzibaba avo, uye ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavaparadza.”
jeg spreder dem blandt Folk, som hverken de eller deres Fædre før kendte til, og sender Sværdet efter dem, til jeg får gjort Ende på dem.
17 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Rangarirai zvino! Danai vakadzi vanochema vauye; danai vanogonesesa pakati pavo.
Så siger Hærskarers HERRE, mærk jer det vel! Kald Klagekvinder hid, lad dem komme, hent kyndige Kvinder, lad dem komme,
18 Ngavakurumidze kuuya vagochema pamusoro pedu kusvikira maziso edu ayerera misodzi, nzizi dzoyerera mumaziso edu.
lad dem haste og istemme Klage over os! Vore Øjne skal rinde med Gråd, vore Øjenlåg strømme med Vand.
19 Maungira okuchema anonzwika kubva kuZioni achiti: ‘Haiwa taparadzwa sei! Haiwa kunyadziswa kwedu kukuru sei! Tinofanira kusiya nyika yedu nokuti dzimba dzedu dzava matongo.’”
Thi Klageråb høres fra Zion: "Hvor er vi dog hærgede, beskæmmede dybt, fordi vi må bort fra Landet, thi de brød vore Boliger ned."
20 Zvino, imi vakadzi, inzwai shoko raJehovha; dziurai nzeve dzenyu dzinzwe mashoko omuromo wake. Dzidzisai vanasikana venyu kuungudza; dzidzisanai kuchema.
Ja, hør, I Kvinder, mit Ord, eders Øre fange Ord fra min Mund, og lær eders døtre Klage, hverandre Klagesang:
21 Rufu rwakapinda napamawindo edu uye rwapinda munhare dzedu; rwauraya vana mumigwagwa namajaya ari munzira dzeguta.
"Døden steg op i vore Vinduer; kom i Paladserne, udrydded Barnet på Gaden, de unge på Torvene."
22 Uti, “Zvanzi naJehovha: “‘Zvitunha zvavanhu zvichavata somupfudze uri pamusoro pomunda, sezviyo zvakachekwa shure kwavacheki, zvisina achazviunganidza.’”
Sig: så lyder det fra HERREN: De døde Legemer faldt som Gødning på Marken, som Skåret efter Høstmanden; ingen binder op.
23 Zvanzi naJehovha: “Akachenjera ngaarege kuzvirumbidza pamusoro penjere dzake, kana munhu ane simba pamusoro pesimba rake, kana akapfuma pamusoro pepfuma yake,
Så siger HERREN: Den vise rose sig ikke af sin Visdom, den stærke ikke af sin Styrke, den rige ikke af sin Rigdom;
24 Asi anozvirumbidza ngaazvirumbidze pamusoro pezvizvi: kuti anondinzwisisa uye kuti anondiziva ini, kuti ndini Jehovha, anoita unyoro, nokukururamisira, nokururama panyika, nokuti ndinofarira izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
men den, som vil rose sig, skal rose sig af at han har Forstand til at kende mig, at jeg, HERREN, øver Miskundhed, Ret og Retfærdighed på Jorden; thi i sådanne har jeg Behag, lyder det fra HERREN.
25 “Mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharanga vose vakadzingiswa panyama chete,
Se, Dage skal komme, lyder det fra HERREN, da jeg hjemsøger alle de omskårne, som har Forhud:
26 Ijipiti, Judha, Edhomu, Amoni, Moabhu navose vanogara mugwenga kunzvimbo dziri kure. Nokuti ndudzi dzose idzi hadzina kumbodzingiswa, uye kunyange imba yose yaIsraeri haina kudzingiswa, mumwoyo.”
Ægypten, Juda, Edom, Ammoniterne, Moab og alle Ørkenboere med rundklippet Hår; thi Hedningerne er alle uomskårne, men alt Israels Hus har uomskåret Hjerte.

< Jeremia 9 >