< Jeremia 7 >

1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha:
Leli yilizwi elafika kuJeremiya livela kuThixo lisithi:
2 “Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti: “‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha.
“Mana esangweni lendlu kaThixo umemezele ilizwi leli ukhonapho uthi: ‘Zwanini ilizwi likaThixo, lonke lina bantu bakoJuda abangena ngala amasango ukuzakhonza uThixo.
3 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino.
UThixo uSomandla, uNkulunkulu ka-Israyeli uthi: Lungisani izindlela zenu lezenzo zenu, ukuze ngilivumele ukuba lihlale kule indawo.
4 Musavimba namashoko anonyengedza muchiti, “Iyi ndiyo temberi yaJehovha, temberi yaJehovha, temberi yaJehovha!”
Lingathembi amazwi akhohlisayo lithi, “Leli lithempeli likaThixo, ithempeli likaThixo, ithempeli likaThixo!”
5 Kana mukashandura chaizvoizvo nzira dzenyu namaitiro enyu mukaitirana zvakarurama,
Lingalungisa izindlela zenu lezenzo zenu sibili liphathane ngokulunga,
6 kana mukasamanikidza vatorwa, nenherera kana chirikadzi uye mukasateura ropa risina mhosva panzvimbo ino, uye kana mukasatevera vamwe vamwari muchizvipinza munjodzi,
nxa lingancindezeli owezizweni, izintandane loba umfelokazi njalo lingachithi gazi elingelacala kule indawo, njalo nxa lingalandeli abanye onkulunkulu okuzalilimaza,
7 ipapo ndichakugarisai munzvimbo ino, munyika yandakapa madzitateguru enyu nokusingaperi-peri.
ngizalivumela ukuba lihlale kule indawo, elizweni engalinika okhokho benu ukuba libe ngelabo kuze kube nini lanini.
8 Asi tarirai, munovimba namashoko okunyengera asina maturo.
Kodwa khangelani, lina lithemba amazwi akhohlisayo angasizi lutho.
9 “‘Mungaba mugouraya, mugoita upombwe mugopika nhema, muchipisira zvinonhuhwira kuna Bhaari, mugotevera vamwe vamwari vamusina kumboziva,
Kambe lizantshontsha njalo libulale, lifebe, lifunge amanga, litshisele uBhali impepha njalo lilandele abanye onkulunkulu elingakaze libazi,
10 ndokuzouya zvino momira pamberi pangu muimba ino, iyo ine Zita rangu, muchiti, “Takasunungurwa,” makasunungurwa kuti muite izvi zvose zvinonyangadza here?
beselisizakuma phambi kwami kuyonale indlu, eleBizo lami, lithi, “Sivikelekile,” livikeleka ukuba lenze zonke lezizinto ezenyanyekayo na?
11 Ko, imba ino, inodanwa neZita rangu, yava bako ramakororo here? Asika, ndanga ndichizviona, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Indlu le, eleBizo lami, seyaba lubhalu lwabaphangi na? Kodwa kade ngikhangele! kutsho uThixo.
12 “‘Chiendai zvino kunzvimbo iri muShiro pandakagarisa Zita rangu pakutanga mugoona zvandakuitirai nokuda kwezvakaipa zvavanhu vangu Israeri.
Hambani khathesi endaweni yami eShilo lapho engenza khona kuqala indawo yokuhlala iBizo lami, libone engakwenza kuyo ngenxa yobubi babantu bami bako-Israyeli.
13 Pamakanga muchiita zvinhu zvose izvi, ndizvo zvinotaura Jehovha, ndakataura nemi ndataurazve asi hamuna kuteerera; ndakakudanai asi hamuna kupindura.
UThixo uthi, kwathi lapho lisenza lezizinto, mina ngakhuluma lani futhifuthi, kodwa kalingilalelanga, ngalibiza, kalaze lasabela.
14 Naizvozvo, zvandakaitira Shiro ndizvo zvandichaita iye zvino kuimba inodanwa neZita rangu, iyo temberi yamunovimba nayo, nzvimbo yandakakupai imi namadzibaba enyu.
Ngakho-ke, lokho engakwenza eShilo khathesi ngizakwenza kule indlu eleBizo lami, ithempeli elilithembileyo, indawo engalinika yona lina kanye labokhokho benu.
15 Ndichakubvisai pamberi pangu sezvandakaita kuhama dzenyu dzose, ivo vanhu vaEfuremu.’
Ngizalixotsha phambi kwami, njengalokho engakwenza abafowenu bonke, abantu bako-Efrayimi.’
16 “Naizvozvo iwe chirega kunyengeterera vanhu ava kana kupa chikumbiro chipi zvacho kana kuvareverera; usavakumbirira kwandiri, nokuti handingakunzwi.
Ngakho abantu laba ungabakhulekeli loba ubakhulumele kumbe ubenzele isicelo; ungangincengi ngoba angiyikukulalela.
17 Hauoni here zvavari kuita mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema?
Abakwenzayo emadolobheni akoJuda lasemigwaqweni yaseJerusalema kawukuboni na?
18 Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza moto, uye madzimai anokanya furawu ndokuitira Mambokadzi woKudenga makeke echingwa. Vanodurura zvipiriso zvokunwa kuna vamwe vamwari kuti vanditsamwise.
Abantwana batheza inkuni, oyise babasa imililo, labesifazane baxova inhlama benzele iNdlovukazi yaseZulwini isinkwa. Bathelela abanye onkulunkulu iminikelo yokunathwayo ukuba bangithukuthelise.
19 Asi ndini here wavanotsamwisa? ndizvo zvinotaura Jehovha. Ko, hakuzi kuzvikuvadza pachavo here kuti vanyadziswe?
Kodwa yimi abangithukuthelisayo na? kutsho uThixo. Kabazilimazi bona ngokwabo na, okulihlazo kubo?
20 “‘Naizvozvo Ishe Jehovha anoti: Kutsamwa kwangu nehasha dzangu zvichadururirwa pamusoro penzvimbo iyi, pamusoro pavanhu nezvipfuwo, napamusoro pemiti yesango napamusoro pezvibereko zvevhu, uye zvichatsva zvikasadzimwa.
‘Ngakho uThixo Wobukhosi uthi: Ukuthukuthela kwami lolaka lwami kuzakwehliselwa kule indawo, phezu kwabantu lasezinyamazaneni, phezu kwezihlahla zeganga laphezu kwezithelo zomhlabathi; njalo kuzakutsha kungacitsheki.
21 “‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri: Endererai mberi, wedzerai zvipiriso zvenyu zvinopiswa pamusoro pezvimwe zvibayiro mugodya nyama yacho pachenyu!
UThixo uSomandla, uNkulunkulu ka-Israyeli uthi: Qhubekani, fakani iminikelo yenu yokutshiswa kweminye imihlatshelo yenu lidle inyama lina ngokwenu!
22 Nokuti pandakabudisa madzitateguru enyu kubva muIjipiti ndikataura navo, handina kungovapa mirayiro pamusoro pezvipiriso zvinopiswa nezvibayiro,
Ngoba ekukhupheni kwami okhokho benu eGibhithe ngikhuluma labo, angizange ngibanike imilayo nje kuphela ngeminikelo yokutshiswa lemihlatshelo,
23 asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri.
kodwa ngabanika umlayo lo othi: Ngilalelani, njalo ngizakuba nguNkulunkulu wenu lina libe ngabantu bami. Hambani ngezindlela zonke engililaye zona, ukuze kulilungele.
24 Asi havana kuteerera kana kurereka nzeve dzavo; asi vakatevera kutsauka kwoukukutu hwemwoyo yavo yakaipa. Vakadzokera shure vakasaenda mberi.
Kodwa kabazange balalele kumbe banake; esikhundleni salokho, bona balandela inkani yentando yezinhliziyo zabo ezimbi. Baya emuva hatshi phambili.
25 Kubvira panguva yakabuda madzitateguru enyu muIjipiti kusvikira zvino, zuva nezuva, ndakatuma varanda vangu vaprofita ndavatumazve.
Kusukela ngesikhathi okhokho benu besuka eGibhithe kuze kube khathesi, usuku ngosuku, njalonjalo ngalithumela izinceku zami abaphrofethi.
26 Asi havana kunditeerera kana kuita hanya. Vaiva nemitsipa mikukutu uye vakaita zvakaipa kupfuura madzitateguru avo.’
Kodwa kabangilalelanga kumbe banake. Babelentamo ezilukhuni njalo benza ububi obudlula obabokhokho babo.’
27 “Pauchavataurira zvose izvi, havasi kuzokuteerera; pauchavadana, havasi kuzokupindura.
Lapho ubatshela konke lokhu, kabayikukulalela; lalapho ubabiza, kabayikusabela.
28 Naizvozvo iwe uti kwavari, ‘Urwu ndirwo rudzi rusina kuteerera Jehovha Mwari warwo kana kubvuma kurayirwa. Chokwadi chakaparara, hachisisipo pamiromo yavo.
Ngakho batshele uthi, ‘Lesi yisizwe esingalalelanga uThixo uNkulunkulu waso kumbe sivume ukuqondiswa. Iqiniso selifile; kalisekho ezindebeni zabo.
29 Veurai bvudzi renyu mugorirasira kure; chemai muri pazvikomo zvisina miti, nokuti Jehovha akaramba uye akasiya chizvarwa ichi chaakatsamwira.
Gelani inwele zenu lizilahlele khatshana; lenze isililo emiqolweni elugwadule, ngoba uThixo usesalile wasidela isizukulwane lesi esingaphanasi kolaka lwakhe.’”
30 “‘Vanhu veJudha vakaita zvakaipa pamberi pangu, ndizvo zvinotaura Jehovha. Vakamisa zvifananidzo zvavo zvinonyangadza mumba yakapiwa Zita rangu vakaisvibisa.
“‘Abantu bakoJuda benze ububi phambi kwami, kutsho uThixo. Bamise izithombe zabo ezenyanyekayo endlini eleBizo lami balingcolisa.
31 Vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzeTofeti muMupata waBheni Hinomi kuti vapise vanakomana navasikana vavo mumoto, chinhu chandisina kuvarayira, chisina kumbopinda mupfungwa dzangu.
Sebakhe izindawo eziphakemeyo zaseThofethi esigodini saseBheni-Hinomu ukuba batshisele khona amadodana lamadodakazi abo ngomlilo, into engingabalayanga yona, engazange ifike engqondweni yami.
32 Saka chenjerai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, apo vanhu vasingazopadaidzi kuti Tofeti kana Mupata waBheni Hinomi, asi Mupata woKuurayiwa kwaVanhu, nokuti vachaviga vakafa muTofeti kusvikira pasisina nzvimbo.
Ngakho qaphelani, insuku ziyeza, kutsho uThixo, lapho abantu bengayikuyithi yiThofethi kumbe iSigodi saseBheni-Hinomu, kodwa iSigodi sokuBulala, ngoba abafileyo bazabangcwaba eThofethi kuze kusweleke indawo.
33 Ipapo mitumbi yavanhu ava ichava zvokudya zveshiri dzedenga nemhuka dzenyika, uye hapazovi nomunhu angazvivhundutsira kuti zvibve.
Lapho-ke izidumbu zabantu laba zizakuba yikudla kwezinyoni zasemoyeni lezinyamazana zomhlaba, njalo akuyikuba lomuntu ozazethusa.
34 Ndichaita kuti inzwi rokupembera nomufaro uye namanzwi omwenga nechikomba mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema zvigume nokuti nyika ichava dongo.
Ngizaqeda imisindo yokuthokoza leyenjabulo emadolobheni akoJuda lasemigwaqweni yaseJerusalema, lokuthaba lelizwi lomlobokazi lelomyeni, ngoba ilizwe lizachitheka.’”

< Jeremia 7 >