< Jeremia 52 >

1 Zedhekia akanga ana makore makumi maviri nerimwe paakatanga kuva mambo, uye akatonga muJerusarema kwemakore gumi nerimwe. Zita ramai vake rainzi Hamutari mwanasikana waJeremia; aibva kuRibhina.
Zedekiah was twenty-one years old when he began to reign; and he reigned eleven years in Jerusalem; and his mother's name was Hamutal, daughter of Jeremiah of Libnah.
2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakangoitwa naJehoyakimi.
And he did evil in the sight of Jehovah, according to all that Jehoiakim had done.
3 Izvi zvakaitika kuJerusarema neJudha nokuda kwehasha dzaJehovha, uye pakupedzisira akavabvisa pamberi pake. Zvino Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.
For, because the anger of Jehovah was against Jerusalem and Judah, until he had cast them out from his presence, Zedekiah rebelled against the king of Babylon.
4 Naizvozvo mugore rechipfumbamwe rokutonga kwaZedhekia, pazuva regumi romwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika muJerusarema nehondo yake yose. Vakadzika misasa yavo kunze kweguta ndokuvaka nhare dzairipoteredza.
And it came to pass in the ninth year of his reign, in the tenth month, on the tenth of the month, [that] Nebuchadrezzar king of Babylon came, he and all his army, against Jerusalem; and they encamped against it, and built turrets against it round about.
5 Guta rakaramba rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
And the city was besieged until the eleventh year of king Zedekiah.
6 Pazuva rechipfumbamwe romwedzi wechina nzara yakanyanya muguta zvokuti makanga musisina chokudya chokuti vanhu vadye.
In the fourth month, on the ninth of the month, the famine prevailed in the city, and there was no bread for the people of the land.
7 Ipapo rusvingo rweguta rwakapwanyiwa, hondo yose ikatiza. Vakabuda muguta usiku napasuo raiva pakati pamasvingo maviri pedyo nebindu ramambo, kunyange zvazvo vaBhabhironi vakanga vakakomberedza guta. Vakatiza vakananga kuArabha,
And the city was broken into: and all the men of war fled, and went forth out of the city by night, by the way of the gate between the two walls, which was by the king's garden (now the Chaldeans were near the city round about); and they went the way toward the plain.
8 asi hondo yavaBhabhironi yakatevera Mambo Zedhekia vakamubata mumapani eJeriko. Varwi vake vose vakaparadzaniswa naye ndokupararira,
And the army of the Chaldeans pursued after the king, and overtook Zedekiah in the plains of Jericho; and all his army was scattered from him.
9 iye akabatwa. Vakamutora vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati, iye akamutongerapo.
And they took the king, and brought him up to the king of Babylon, unto Riblah in the land of Hamath, and he pronounced judgment upon him.
10 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia paRibhira ipapo, iye achizviona; akaurayirwa machinda ose eJudha.
And the king of Babylon slaughtered the sons of Zedekiah before his eyes; and he slaughtered also all the princes of Judah in Riblah.
11 Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga namatare akamuendesa kuBhabhironi, uko kwaakamuisa mutorongo kusvikira pazuva rokufa kwake.
And he put out the eyes of Zedekiah, and bound him with chains of brass; and the king of Babylon carried him to Babylon, and put him in prison till the day of his death.
12 Pazuva regumi romwedzi wechishanu, mugore regumi namapfumbamwe raNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo, uyo akashandira mambo weBhabhironi, akauya kuJerusarema.
And in the fifth month, on the tenth of the month, which was in the nineteenth year of Nebuchadrezzar king of Babylon, Nebuzar-adan, captain of the body-guard, who stood before the king of Babylon, came unto Jerusalem;
13 Akapisa temberi yaJehovha, nomuzinda wamambo nedzimba dzose dzeJerusarema. Dzimba dzose dzaikosha akadzipisa.
and he burned the house of Jehovah, and the king's house, and all the houses of Jerusalem; and every great [man's] house he burned with fire.
14 Hondo yose yavaBhabhironi yaiva pasi pemukuru wavarindi vamambo yakaputsira pasi masvingo ose aikomberedza Jerusarema.
And all the army of the Chaldeans, that were with the captain of the body-guard, broke down all the walls of Jerusalem round about.
15 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vamwe vakanga vari varombo chaivo navaya vakasara muguta, pamwe chete noruzhinji rwemhizha navaya vakanga vazvipira kuna mambo weBhabhironi.
And Nebuzar-adan the captain of the body-guard carried away captive of the poorest sort of the people, and the rest of the people that were left in the city, and the deserters that had deserted to the king of Babylon, and the rest of the multitude.
16 Asi Nebhuzaradhani akasiya ruzhinji rwavarombo chaivo venyika iyo kuti vashande muminda yemizambiringa uye nemimwewo minda.
But Nebuzar-adan the captain of the body-guard left of the poor of the land for vinedressers and for husbandmen.
17 VaBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nezvingoro zvinofamba neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira yose vakaenda nayo kuBhabhironi.
And the brazen pillars that were in the house of Jehovah, and the bases, and the brazen sea that was in the house of Jehovah, the Chaldeans broke up, and carried all the brass thereof to Babylon.
18 Vakatorawo hari, nefoshoro, nembato dzemwenje, nomukombe namadhishi nemidziyo yose yendarira yaishandiswa pabasa romutemberi.
The pots also, and the shovels, and the knives, and the bowls, and the cups, and all the vessels of brass wherewith they ministered, they took away.
19 Mukuru wavarindi vamambo akatakurawo mbiya, nezvaenga, nemikombe nehari, nezvigadziko zvemwenje, namadhishi nemikombe yaishandiswa pazvipiriso zvokunwa, zvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe yakanatswa kana sirivha.
And the basons and the censers, and the bowls, and the pots, and the candlesticks, and the cups, and the goblets, that which was of gold in gold, and that which was of silver in silver, the captain of the body-guard took away.
20 Ndarira yaibva pambiru mbiri, neGungwa, nehando dzendarira gumi nembiri dzaiva pasi pacho, nezvingoro zvakanga zvaitirwa temberi yaJehovha namambo Soromoni, zvakanga zvisingagoni kuyerwa.
The two pillars, the one sea, and the twelve brazen oxen that formed the bases, which king Solomon had made for the house of Jehovah: for the brass of all these vessels there was no weight.
21 Mbiru imwe neimwe yakanga ina makubhiti gumi namasere pakureba uye makubhiti gumi namaviri pakupoterera; paukobvu imwe neimwe yaisvika minwe mina uye yaiva nemhango.
And as to the pillars: the height of one pillar was eighteen cubits, and a line of twelve cubits encompassed it; and the thickness thereof was four fingers: it was hollow.
22 Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanu uye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo.
And the capital upon it was brass, and the height of the one capital [was] five cubits; and the network and the pomegranates, upon the capital round about, all of brass; and similarly for the second pillar, and the pomegranates.
23 Pakanga pane matamba makumi mapfumbamwe namatanhatu kumativi; uwandu hwamatamba aiva pamusoro pezvakarukwa zvakanga zvakapoteredzwa hwaiva zana.
And there were ninety-six pomegranates on the [four] sides; all the pomegranates upon the network were a hundred round about.
24 Mukuru wavarindi akatora vasungwa vaiti, Seraya muprista mukuru, naZefania muprista aimutevera pachigaro uye navarindi vokumukova vatatu.
And the captain of the body-guard took Seraiah the chief priest, and Zephaniah the second priest, and the three doorkeepers.
25 Kuna avo vaiva muguta akatora muchinda mukuru wavarwi, uye vapi vamazano vanomwe. Akatorawo munyori uyo akanga ari mubati mukuru aiva nebasa rokunyora mazita avanhu venyika uye navamwe varume makumi matanhatu vakawanikwa muguta.
And out of the city he took a eunuch that was set over the men of war, and seven men of them that were in the king's presence, who were found in the city, and the scribe of the captain of the host, who enrolled the people of the land. And sixty men of the people of the land that were found in the midst of the city.
26 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora vose akavauyisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
And Nebuzar-adan the captain of the body-guard took them, and brought them to the king of Babylon to Riblah;
27 Ipapo paRibhira, munyika yeHamati, mambo akaita kuti vaurayiwe. Saka vaJudha vakaenda kuutapwa, kure nenyika yavo.
and the king of Babylon smote them, and put them to death at Riblah in the land of Hamath. Thus Judah was carried away captive out of his land.
28 Uhu ndihwo uwandu hwavanhu vakatorwa naNebhukadhinezari achienda navo kuutapwa: mugore rechinomwe, zviuru zvitatu zvina makumi maviri navatatu, zvavaJudha;
This is the people whom Nebuchadrezzar carried away captive: in the seventh year three thousand and twenty-three Jews;
29 mugore regumi namasere raNebhukadhinezari, mazana masere namakumi matatu navaviri avanhu vaibva kuJerusarema;
in the eighteenth year of Nebuchadrezzar [he carried away captive] from Jerusalem eight hundred and thirty-two persons;
30 mugore rake ramakumi maviri namatatu, vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo. Vose vaiva zviuru zvina namazana matanhatu pamwe chete.
in the twenty-third year of Nebuchadrezzar, Nebuzar-adan the captain of the body-guard carried away captive of the Jews seven hundred and forty-five persons: all the persons were four thousand six hundred.
31 Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri.
And it came to pass in the thirty-seventh year of the captivity of Jehoiachin king of Judah, in the twelfth month, on the twenty-fifth of the month, [that] Evil-Merodach king of Babylon, in the year that he began to reign, lifted up the head of Jehoiachin king of Judah, and brought him forth out of prison;
32 Akataura zvakanaka kwaari uye akamupa chigaro chaikudzwa kupfuura zvigaro zvamamwe madzimambo vaakanga anavo muBhabhironi.
and he spoke kindly unto him, and set his seat above the seat of the kings that were with him in Babylon.
33 Saka Jehoyakini akabvisa nguo dzake dzousungwa akadya patafura yamambo nguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake.
And he changed his prison garments; and he ate bread before him continually all the days of his life;
34 Zuva nezuva mambo weBhabhironi akapa Jehoyakini mugove wenguva nenguva, mazuva ose oupenyu hwake, kusvikira pazuva rokufa kwake.
and his allowance was a continual allowance given him by the king of Babylon, every day a portion until the day of his death, all the days of his life.

< Jeremia 52 >