< Jeremia 51 >
1 Zvanzi naJehovha: “Tarirai, ndichamutsa mwoyo womuparadzi pamusoro peBhabhironi navanhu veRebhi Kamai.
Hili ndilo asemalo Bwana: “Tazama nitaamsha roho ya mwangamizi dhidi ya Babeli na watu wakaao Leb-Kamai.
2 Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi kundorirurudza nokuparadza nyika yaro; vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro.
Nitawatuma wageni Babeli kumpepeta na kuiharibu nchi yake; watampinga kila upande katika siku ya maafa yake.
3 Musarega mupfuri achiwembura uta hwake, kana kumurega achipfeka nhumbi dzake dzokurwa. Regai kunzwira majaya aro tsitsi; paradzai hondo yaro zvachose.
Usimwache mpiga upinde afunge kamba upinde wake, wala usimwache avae silaha zake. Usiwaonee huruma vijana wake; angamiza jeshi lake kabisa.
4 Vachawira pasi vaurayiwa muBhabhironi, vachakuvadzwa mumigwagwa zvokuti havazorarami.
Wataanguka waliouawa katika Babeli, wakiwa na majeraha ya kutisha barabarani zake.
5 Nokuti Israeri neJudha havana kuraswa naMwari wavo, iye Jehovha Wamasimba Ose, kunyange nyika yavo yakazara nemhaka pamberi poMutsvene waIsraeri.
Kwa maana Israeli na Yuda hawajaachwa na Mungu wao, Bwana Mwenye Nguvu Zote, ingawa nchi yao imejaa uovu mbele zake yeye Aliye Mtakatifu wa Israeli.
6 “Tizai mubve muBhabhironi! Mhanyai muponese upenyu hwenyu! Regai kuparadzwa nokuda kwezvivi zvaro. Inguva yokutsiva kwaJehovha; iye achariripira zvarinokodzera.
“Kimbieni kutoka Babeli! Okoeni maisha yenu! Msiangamizwe kwa sababu ya dhambi zake. Ni wakati wa kisasi cha Bwana, atamlipa kile anachostahili.
7 Bhabhironi rakanga riri mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha; rakadhakisa nyika yose. Ndudzi dzakanwa waini yaro; naizvozvo dzava kupenga.
Babeli alikuwa kikombe cha dhahabu katika mkono wa Bwana; aliufanya ulimwengu wote ulewe. Mataifa walikunywa mvinyo wake; kwa hiyo sasa wameingiwa na wazimu.
8 Bhabhironi richawa pakarepo rigoondomoka. Ungudzai pamusoro paro! Torai muti webharisamu murape kurwadziwa kwaro; zvimwe ringaporeswa.
Babeli ataanguka ghafula na kuvunjika. Mwombolezeni! Tafuteni zeri ya kutuliza maumivu yake, labda anaweza kupona.
9 “‘Taida kuporesa Bhabhironi, asi haringaporeswi; ngatirisiyei mumwe nomumwe aende kunyika yake, nokuti kutongwa kwaro kunosvika kumatenga, kunokwira kusvikira kumakore.’
“‘Tungemponya Babeli, lakini hawezi kuponyeka; tumwacheni, na kila mmoja wetu aende nchi yake mwenyewe, kwa kuwa hukumu yake inafika angani, inapanda juu hadi mawinguni.’
10 “‘Jehovha akati hatina mhosva; uyai, tiparidze muZioni zvakaitwa naJehovha Mwari wedu.’
“‘Bwana amethibitisha haki yetu; njooni, tutangaze katika Sayuni kitu ambacho Bwana Mungu wetu amefanya.’
11 “Rodzai miseve, torai nhoo! Jehovha akamutsa madzimambo avaMedhia, nokuti akaronga kuparadza Bhabhironi. Jehovha achatsiva, kutsivira temberi yake.
“Noeni mishale, chukueni ngao! Bwana amewaamsha wafalme wa Wamedi, kwa sababu nia yake ni kuangamiza Babeli. Bwana atalipiza kisasi, kisasi kwa ajili ya Hekalu lake.
12 Simudzai mureza pamusoro pamasvingo eBhabhironi! Simbisai varindi, isai nharirire panzvimbo dzavo, gadzirirai vanovandira. Jehovha achaita zvaakaronga, zvaakatema pamusoro pavanhu veBhabhironi.
Twekeni bendera juu ya kuta za Babeli! Imarisheni ulinzi, wekeni walinzi, andaeni waviziao! Bwana atatimiza kusudi lake, amri yake juu ya watu wa Babeli.
13 Imi mugere pedyo nemvura zhinji uye makapfuma kwazvo, magumo enyu asvika, nguva yokuti muparadzwe.
Wewe uishiye kando ya maji mengi na uliye na wingi wa hazina, mwisho wako umekuja, wakati wako wa kukatiliwa mbali.
14 Jehovha Wamasimba Ose akapika naiye amene achiti: Zvirokwazvo ndichakuzadza navarume, sezvinoitwa nechimokoto chemhashu, uye vachapembera nokuti vanenge vakukundai.
Bwana Mwenye Nguvu Zote ameapa kwa nafsi yake mwenyewe: ‘Hakika nitakujaza na watu, kama kundi la nzige, nao watapiga kelele za ushindi juu yako.’
15 “Akaita nyika nesimba rake; akateya nheyo dzenyika nouchenjeri hwake, akatatamura matenga nokunzwisisa kwake.
“Aliiumba dunia kwa uweza wake; akaweka misingi ya ulimwengu kwa hekima yake na akazitandaza mbingu kwa ufahamu wake.
16 Paanotinhira, mvura yomumatenga inotinhira; anokwidza makore kubva kumigumo yenyika. Anotuma mheni pamwe chete nemvura, uye anouyisa mhepo kubva mumatura ake.
Atoapo sauti yake, maji yaliyo katika mbingu hunguruma, huyafanya mawingu yainuke kutoka miisho ya dunia. Hupeleka umeme wa radi pamoja na mvua, naye huuleta upepo kutoka ghala zake.
17 “Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.
“Kila mtu ni mjinga na hana maarifa; kila sonara ameaibishwa na sanamu zake. Vinyago vyake ni vya udanganyifu, havina pumzi ndani yavyo.
18 Hazvina maturo, zvinhu zvinosekwa; kana kutongwa kwazvo kwasvika, zvichaparadzwa.
Havifai kitu, ni vitu vya kufanyia mzaha, hukumu yavyo itakapowadia, vitaangamia.
19 Iye Mugove waJakobho haana kufanana naizvozvi, nokuti ndiye Muiti wezvinhu zvose, pamwe chete norudzi rwenhaka yake, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
Yeye Aliye Fungu la Yakobo sivyo alivyo, kwani ndiye Muumba wa vitu vyote, pamoja na kabila la urithi wake: Bwana Mwenye Nguvu Zote ndilo jina lake.
20 “Ndiwe tsvimbo yangu yehondo, chombo changu chokurwa, newe ndinoparadza ndudzi, newe ndinoparadza umambo,
“Wewe ndiwe rungu langu la vita, silaha yangu ya vita: kwa wewe navunjavunja mataifa, kwa wewe naangamiza falme,
21 newe ndinoparadza bhiza nomutasvi, newe ndinoparadza ngoro nomuchairi,
kwa wewe navunjavunja farasi na mpanda farasi, kwa wewe navunjavunja gari la vita na mwendeshaji wake,
22 newe ndinoparadza murume nomukadzi, newe ndinoparadza mutana nejaya, newe ndinoparadza jaya nomurandakadzi,
kwa wewe napondaponda mwanaume na mwanamke, kwa wewe napondaponda mzee na kijana, kwa wewe napondaponda kijana wa kiume na mwanamwali,
23 newe ndinoparadza mufudzi neboka, newe ndinoparadza murimi nenzombe, newe ndinoparadza vatongi namachinda.
kwa wewe nampondaponda mchungaji na kundi, kwa wewe nampondaponda mkulima na maksai, kwa wewe nawapondaponda watawala na maafisa.
24 “Ndicharipira Bhabhironi navose vagere muBhabhironi pamberi pako, nokuda kwezvakaipa zvavakaita muZioni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Mbele ya macho yako nitamlipiza Babeli na wote waishio Ukaldayo kwa ajili ya makosa yote waliyofanya katika Sayuni,” asema Bwana.
25 “Ndine mhosva newe, iwe gomo rinoparadza, iwe unoparadza nyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuti ndikurwise, ndigokukungurusira kumawere, ndigokuita gomo rakatsva.
“Mimi niko kinyume nawe, ee mlima unaoharibu, wewe uangamizaye dunia yote,” asema Bwana. “Nitanyoosha mkono wangu dhidi yako, nikuvingirishe kutoka kwenye kilele cha mwamba, na kukufanya mlima ulioteketezwa kwa moto.
26 Hapana dombo richabviswa kwauri kuti riitwe dombo rekona, kana dombo remhepo, nokuti uchaparadzwa nokusingaperi,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Hakuna jiwe litakalochukuliwa kutoka kwako kwa ajili ya kufanywa jiwe la pembeni, wala jiwe lolote kwa ajili ya msingi, kwa maana utakuwa ukiwa milele,” asema Bwana.
27 “Simudzai mureza munyika! Ridzai hwamanda pakati pendudzi! Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye; kokai ushe uhu kuzorwa naye: Ararati, Mini neAshikenazi. Gadzai mukuru wehondo kuti arwe naye; tumirai mabhiza akaita sechimokoto chemhashu.
“Twekeni bendera katika nchi! Pigeni tarumbeta katikati ya mataifa! Andaeni mataifa kwa ajili ya vita dhidi yake, iteni falme hizi dhidi yake: Ararati, Mini na Ashkenazi. Wekeni jemadari dhidi yake, pelekeni farasi wengi kama kundi la nzige.
28 Gadzirirai ndudzi kuti dzizorwa naye, madzimambo avaMedhia, vabati vavo namachinda avo ose, nenyika dzose dzavanotonga.
Andaeni mataifa kwa ajili ya vita dhidi yake, wafalme wa Wamedi, watawala wao na maafisa wao wote, pamoja na nchi zote wanazotawala.
29 Nyika inodedera uye yomonyoroka, nokuti zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi hazvingatongokoni, zvokuparadza nyika yeBhabhironi kuti pasava nomunhu achagaramo.
Nchi inatetemeka na kugaagaa, kwa kuwa makusudi ya Bwana dhidi ya Babeli yanasimama: yaani, kuangamiza nchi ya Babeli ili pasiwe na yeyote atakayeishi humo.
30 Mhare dzeBhabhironi dzarega kurwa; vakarambira munhare dzavo. Simba ravo rapera; vaita savakadzi. Ugaro hwake hwakapiswa nomoto; mazariro amasuo ake avhunika.
Mashujaa wa Babeli wameacha kupigana, wamebaki katika ngome zao. Nguvu zao zimekwisha, wamekuwa kama wanawake. Makazi yake yameteketezwa kwa moto, makomeo ya malango yake yamevunjika.
31 Anotumwa namagwaro achatevera mumwe, uye nhume ichatevera nhume, kundozivisa mambo weBhabhironi kuti guta rake rose rapambwa,
Tarishi mmoja humfuata mwingine, na mjumbe humfuata mjumbe, kumtangazia mfalme wa Babeli kwamba mji wake wote umetekwa,
32 mazambuko abatwa, mapani apiswa nomoto, uye varwi vavhundutswa.”
Vivuko vya mito vimekamatwa, mabwawa yenye mafunjo yametiwa moto, nao askari wameingiwa na hofu kuu.”
33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro panguva yokupura; nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.”
Hili ndilo Bwana Mwenye Nguvu Zote, Mungu wa Israeli, asemalo: “Binti Babeli ni kama sakafu ya kupuria wakati inapokanyagwa; wakati wa kumvuna utakuja upesi.”
34 “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya, akatinyonganisa, akatiita chirongo chisina chinhu. Akatimedza senyoka, uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu, mushure maizvozvo akatisvipa.
“Nebukadneza mfalme wa Babeli ametula, ametufanya tuchangayikiwe, ametufanya tuwe gudulia tupu. Kama nyoka ametumeza na kujaza tumbo lake kwa vyakula vyetu vizuri, kisha akatutapika.
35 Zvechisimba zvakaitwa panyama yedu ngazvive pamusoro peBhabhironi,” ndizvo zvinotaura vanhu vomuZioni. Jerusarema rinoti: “Ropa redu ngarive pamusoro peavo vanogara muBhabhironi.”
Jeuri iliyofanyiwa miili yetu na iwe juu ya Babeli,” ndivyo wasemavyo wakaao Sayuni. “Damu yetu na iwe juu ya wale waishio Babeli,” asema Yerusalemu.
36 Naizvozvo, zvanzi naJehovha: “Tarirai, ndichakurevererai mhaka yenyu uye ndichakutsivirai; ndichapwisa gungwa raro, ndichapwisa matsime aro.
Kwa hiyo, hili ndilo Bwana asemalo: “Tazama, nitatetea shauri lako na kulipiza kisasi kwa ajili yako; nitaikausha bahari yake na kuzikausha chemchemi zake.
37 Bhabhironi richava murwi wamatombo, ugaro hwamakava, chinhu chinotyisa nechinosekesa, nzvimbo isina anogaramo.
Babeli utakuwa lundo la magofu na makao ya mbweha, kitu cha kutisha na kudharauliwa, mahali asipoishi mtu.
38 Vanhu vake vose vanoomba seshumba diki, vanobhonʼa sembwanana dzeshumba.
Watu wake wote wananguruma kama simba wadogo, wanakoroma kama wana simba.
39 Asi kana vamutswa, ndichavagadzirira mutambo ndigovadhakisa, kuitira kuti varidze mhere yokuseka, vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Lakini wakati wakiwa wameamshwa, nitawaandalia karamu na kuwafanya walewe, ili wapige kelele kwa kicheko, kisha walale milele na wasiamke,” asema Bwana.
40 “Ndichavaburutsa pasi semakwayana ari kundourayiwa, semakondobwe nembudzi.
“Nitawateremsha kama wana-kondoo waendao machinjoni, kama kondoo dume na mbuzi.
41 “Haiwa, Sheshaki richakundwa sei, kuzvirumbidza kwenyika yose kwabatwa! Bhabhironi rava dongo sei pakati pendudzi!
“Tazama jinsi Sheshaki atakamatwa, majivuno ya dunia yote yatakavyonyakuliwa. Babeli atakuwa mwenye hofu kiasi gani kati ya mataifa!
42 Gungwa richakwira pamusoro peBhabhironi; mafungu aro anovirima acharifukidza.
Bahari itainuka juu ya Babeli; mawimbi yake yenye kunguruma yatamfunika.
43 Maguta aro achaparadzwa, achava nyika yakaoma negwenga, nyika isingagarwi nomunhu, isina angapfuura nemairi.
Miji yake itakuwa ukiwa, kame na jangwa, nchi ambayo hakuna yeyote anayeishi ndani yake, ambayo hakuna mtu anayepita humo.
44 Ndicharanga Bheri muBhabhironi ndigomuita kuti asvipe zvaamedza. Ndudzi hadzichazomhanyiri kwaari. Uye rusvingo rweBhabhironi ruchawa.
Nitamwadhibu Beli katika Babeli, na kumfanya atapike kile alichokimeza. Mataifa hayatamiminika tena kwake. Nao ukuta wa Babeli utaanguka.
45 “Budai mariri, imi vanhu vangu! Tizai kuti muponese upenyu hwenyu! Tizai mubve pakutsamwa kunotyisa kwaJehovha.
“Tokeni ndani yake, enyi watu wangu! Okoeni maisha yenu! Ikimbieni hasira kali ya Bwana.
46 Regai kuora mwoyo kana kutya panotekeshera, runyerekupe munyika; rumwe runyerekupe runonzwika gore rino, rumwe gore rinouya, runyerekupe rwokurwisana munyika uye rwomutongi achirwa nomumwe mutongi.
Msikate tamaa wala msiogope tetesi zitakaposikika katika nchi; tetesi moja inasikika mwaka huu, nyingine mwaka unaofuata; tetesi juu ya jeuri katika nchi, na ya mtawala dhidi ya mtawala.
47 Nokuti zvirokwazvo nguva ichasvika yandichatonga zvifananidzo zveBhabhironi; nyika yaro yose ichanyadziswa, uye vakaurayiwa varo vachawira pasi vose mukati maro.
Kwa kuwa hakika wakati utawadia nitakapoziadhibu sanamu za Babeli; nchi yake yote itatiwa aibu, na watu wake wote waliouawa wataangukia ndani yake.
48 Ipapo denga nenyika nezvose zviri mazviri zvichapembera nomufaro pamusoro peBhabhironi, nokuti vachabva nechokumusoro vaparadzi vacharirwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndipo mbingu na dunia na vyote vilivyomo ndani yake vitapiga kelele za shangwe juu ya Babeli, kwa kuwa kutoka kaskazini waharabu watamshambulia,” asema Bwana.
49 “Bhabhironi rinofanira kuwa nokuda kwavakaurayiwa vaIsraeri, sezvakaita vakaurayiwa venyika yose vakawa nokuda kweBhabhironi.
“Babeli ni lazima aanguke kwa sababu ya kuwaua Waisraeli, kama vile waliouawa duniani kote walivyoanguka kwa sababu ya Babeli.
50 Imi makapunyuka pamunondo, endai uye musamira-mira! Murangarire Jehovha munyika iri kure, uye murangarire Jerusarema.”
Wewe uliyepona upanga, ondoka wala usikawie! Mkumbuke Bwana ukiwa katika nchi ya mbali, na utafakari juu ya Yerusalemu.”
51 “Takanyadziswa, nokuti takatukwa uye nyadzi dzinofukidza zviso zvedu, nokuti vatorwa vakapinda munzvimbo tsvene dzeimba yaJehovha.”
“Tumetahayari, kwa maana tumetukanwa na aibu imefunika nyuso zetu, kwa sababu wageni wameingia mahali patakatifu pa nyumba ya Bwana.”
52 “Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatonga zvifananidzo zvaro, uye munyika yake yose vakakuvara vachagomera.
“Lakini siku zinakuja,” asema Bwana, “nitakapoadhibu sanamu zake, na katika nchi yake yote waliojeruhiwa watalia kwa maumivu makali.
53 Kunyange dai Bhabhironi rikasvika kudenga, uye rikasimbisa nhare yaro yakareba, ndichatumira vaparadzi kuzorirwisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Hata kama Babeli ikifika angani na kuziimarisha ngome zake ndefu, nitatuma waharabu dhidi yake,” asema Bwana.
54 “Inzwi rokuchema rinobva kuBhabhironi, inzwi rokuparadza kukuru rinobva kunyika yavaBhabhironi.
“Sauti ya kilio inasikika kutoka Babeli, sauti ya uharibifu mkuu kutoka nchi ya Wakaldayo.
55 Jehovha achaparadza Bhabhironi; achanyaradza ruzha rwokunyongana kwaro. Mafungu avavengi achaomba semvura zhinji; kutinhira kwamanzwi avo kuchanzwikwa.
Bwana ataiangamiza Babeli, atanyamazisha makelele ya kishindo chake. Mawimbi ya adui yatanguruma kama maji makuu, ngurumo ya sauti zao itavuma.
56 Muparadzi achauya kuzorwisa Bhabhironi; varwi varo vachabatwa, uye uta hwavo huchavhunwa. Nokuti Jehovha ndiMwari wokutsiva; achatsiva zvizere.
Mharabu atakuja dhidi ya Babeli, mashujaa wake watakamatwa, nazo pinde zao zitavunjwa. Kwa kuwa Bwana ni Mungu wa kisasi, yeye atalipiza kikamilifu.
57 Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe, vabati, namachinda uye navarwi vakewo; vachavata nokusingaperi uye havangamuki,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.
Nitawafanya maafisa wake na wenye busara walewe, watawala wao, maafisa, pamoja na wapiganaji wao; watalala milele na hawataamka,” asema Mfalme, ambaye jina lake ni Bwana Mwenye Nguvu Zote.
58 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Masvingo makobvu eBhabhironi achaparadzwa, uye masuo aro akakwirira achapiswa; vanhu vanongozvinetsa pasina, mabasa endudzi ihuni dzomurazvo bedzi.”
Hili ndilo Bwana Mwenye Nguvu Zote asemalo: “Ukuta mnene wa Babeli utasawazishwa, na malango yaliyoinuka yatateketezwa kwa moto; mataifa yanajichosha bure, taabu ya mataifa ni nishati tu ya miali ya moto.”
59 Iri ndiro shoko rakapiwa naJeremia kumuchinda Seraya mwanakomana waNeria, mwanakomana waMaseya, paakaenda kuBhabhironi naZedhekia mambo weJudha mugore rechina rokutonga kwake.
Huu ndio ujumbe Yeremia aliompa afisa Seraya mwana wa Neria mwana wa Maaseya, alipokwenda Babeli pamoja na Sedekia mfalme wa Yuda, katika mwaka wa nne wa utawala wake.
60 Jeremia akanga anyora murugwaro pamusoro penjodzi dzose dzaizouya pamusoro peBhabhironi, zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro peBhabhironi.
Yeremia alikuwa ameandika ndani ya kitabu kuhusu maafa yote yatakayoipata Babeli, yaani yote yaliyokuwa yameandikwa kuhusu Babeli.
61 Akati kuna Seraya, “Paunosvika kuBhabhironi, uone kuti waverenga mashoko ose aya uchidanidzirisa.
Yeremia akamwambia Seraya, “Utakapofika Babeli, hakikisha kwamba umesoma maneno haya yote kwa sauti kubwa.
62 Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’
Kisha sema, ‘Ee Bwana, umesema utaangamiza mahali hapa ili mtu wala mnyama asiishi ndani yake, napo patakuwa ukiwa milele.’
63 Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi.
Utakapomaliza kusoma hiki kitabu, kifungie jiwe kisha ukitupe ndani ya Mto Frati.
64 Ipapo uti, ‘Saizvozvo Bhabhironi richanyura rikasazomukazve nokuda kwenjodzi yandichauyisa pamusoro paro. Uye vanhu varo vachawa.’” Mashoko aJeremia anogumira pano.
Kisha sema, ‘Hivi ndivyo Babeli utakavyozama na usiinuke tena, kwa sababu ya maafa nitakayoleta juu yake. Nao watu wake wataanguka.’” Maneno ya Yeremia yanaishia hapa.