< Jeremia 50 >

1 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kubudikidza nomuprofita Jeremia pamusoro peBhabhironi nenyika yavaBhabhironi:
Ilizwi iNkosi eyalikhuluma imelene leBhabhiloni, imelene lelizwe lamaKhaladiya, ngesandla sikaJeremiya umprofethi, lisithi:
2 “Zivisai, uye paridzai pakati pendudzi, simudzai mureza uye paridzai; musasiya kana chinhu, asi muti, ‘Bhabhironi richakundwa; Bheri richanyadziswa, Merodhaki richazara nokutya. Zvifananidzo zvaro zvichanyadziswa uye zvifananidzo zvaro zvichazara nokutya.’
Memezani phakathi kwezizwe, lizwakalise; misani uphawu, lizwakalise, lingakufihli, lithi: IBhabhiloni ithunjiwe, uBheli uyangekile, uMerodaki ubhidliziwe; izithombe zayo ziyangisiwe, imifanekiso yayo ibhidliziwe.
3 Rudzi runobva kumusoro rucharirwisa, uye ruchaparadza nyika yaro. Hakuna munhu achagaramo; zvose vanhu nezvipfuwo zvichatizira kure.
Ngoba isizwe senyuka simelene layo esivela enyakatho, esizakwenza ilizwe layo libe lunxiwa, ukuze kungabi lomhlali kulo; kusukela emuntwini kusiya enyamazaneni kuyabaleka kuhambile.
4 “Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.
Ngalezonsuku langalesosikhathi, itsho iNkosi, abantwana bakoIsrayeli bazakuza, bona labantwana bakoJuda kanyekanye; behamba bekhala inyembezi, bazahamba, bedinga iNkosi uNkulunkulu wabo.
5 Vachabvunza nzira inoenda kuZioni, vagotendeutsira zviso zvavo kwairi. Vachauya vagozvisunga kuna Jehovha, nesungano isingaperi isingakanganwiki.
Bazabuza indlela eZiyoni, ubuso babo bukhangele ngakuyo; wozani, lizihlanganise leNkosi ngesivumelwano esiphakade esingayikukhohlakala.
6 “Vanhu vangu vanga vari makwai akarasika; vafudzi vavo vakavatsausa, uye vakavaita kuti vadzungaire pamusoro pamakomo. Vakadzungaira pamusoro pamakomo nezvikomo, ndokukanganwa nzvimbo yavo yokuzorora.
Abantu bami bebeyizimvu ezilahlekileyo; abelusi babo babaduhisile, bebaphendulela ezintabeni; bahamba besuka entabeni besiya eqaqeni, bakhohlwa indawo yabo yokulala.
7 Ani naani akavawana akavadya; vavengi vavo vakati, ‘Isu hatina mhosva, nokuti vakatadzira Jehovha, iye mafuro avo echokwadi, iye Jehovha, tariro yamadzibaba avo.’
Bonke ababatholayo babadla, lezitha zabo zathi: Kasiyikuba lacala, ngenxa yokuthi bonile eNkosini, ikhaya lokulunga, ngitsho iNkosi, ithemba laboyise.
8 “Tizai mubude muBhabhironi; siyai nyika yavaBhabhironi, mugoita sembudzi inotungamirira makwai.
Balekani liphume phakathi kweBhabhiloni, liphume elizweni lamaKhaladiya, libe njengezimpongo phambi komhlambi.
9 Nokuti ndichamutsa Bhabhironi uye ndichaisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata.
Ngoba khangela, ngizavusa ngenze ukuthi kwenyukele eBhabhiloni ixuku lezizwe ezinkulu zivela elizweni lenyakatho, zizihlele zimelene layo; kusukela lapho zithunjwe; imitshoko yakhe njengeqhawe elilamandla kayiyikubuyela ize.
10 Naizvozvo Bhabhironi richapambwa; vose vanoripamba vachawana mugove wavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Njalo iKhaladiya izakuba yimpango; bonke abayiphangayo bazasutha, itsho iNkosi.
11 “Nokuda kwokuti munofara nokufarisisa, iyemi munopamba nhaka yangu, nokuti munokwakuka setsiru rinopura zviyo, muchirira samabhiza,
Ngoba lalijabula, ngoba lathokoza, lina bachithi belifa lami, ngoba liqolotsha njengethokazi etshanini, likhonye njengamabhiza amaduna;
12 mai venyu vachanyadziswa kwazvo; ivo vakakuberekai vachanyadziswa. Vachava mudiki pandudzi, renje, nenyika yakaoma, uye gwenga.
unyoko ulenhloni kakhulu, owalizalayo uyangekile. Khangela, ingemuva yezizwe iyinkangala eyomileyo lelugwadule.
13 Nokuda kwokutsamwa kwaJehovha hamungagarwi, asi richava dongo chose. Vose vanopfuura pedyo neBhabhironi vachatyiswa, uye vacharidza muridzo nokuda kwamavanga ake ose.
Ngenxa yolaka lweNkosi kayiyikuhlalwa, kodwa izakuba yincithakalo yonke; wonke owedlula eBhabhiloni uzamangala kakhulu, ancife ngenxa yazo zonke inhlupheko zayo.
14 “Mirai panzvimbo dzenyu makakomba Bhabhironi, imi mose munowembura uta. Ripfurei! Musasiye kana museve nokuti rakatadzira Jehovha.
Zihleleleni ukumelana leBhabhiloni inhlangothi zonke, lina lonke eligobisa idandili, litshoke kuyo, lingagodli mtshoko, ngoba yonile eNkosini.
15 Pururudzai pamusoro pake kumativi ose! Rakanda mapfumo pasi, shongwe dzaro dzawa, masvingo aro akoromoka. Sezvo kuri kutsiva kwaJehovha, tsivai pariri; riitirei sezvarakaitira vamwe.
Memezani limelene layo inhlangothi zonke; isinike isandla sayo, izisekelo zayo ziwile, imiduli yayo idiliziwe; ngoba lokho kuyimpindiselo yeNkosi; phindiselani kuyo, lenze kuyo njengokwenza kwayo.
16 Bvisai mudyari muBhabhironi, nomucheki nejeko rake pakukohwa. Nokuda kwomunondo womumanikidzi mumwe nomumwe ngaadzokere kuvanhu vake, mumwe nomumwe ngaatizire kunyika yake.
Qumani umhlanyeli asuke eBhabhiloni, laye ophatha isikela ngesikhathi sokuvuna; ngenxa yenkemba ecindezelayo bazaphenduka, ngulowo lalowo kwabakibo, babaleke, ngulowo lalowo elizweni lakibo.
17 “Israeri makwai akapararira akadzingirwa kure neshumba. Akatanga kumudya akanga ari mambo weAsiria; akapedzisira kupwanya mapfupa ake ndiNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.”
UIsrayeli uyimvu ehlakazekileyo; izilwane zimxotshile; kuqala inkosi yeAsiriya yamudla, emva kwalokho lo uNebhukadirezari inkosi yeBhabhiloni wephule amathambo akhe.
18 Naizvozvo zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ndicharanga mambo weBhabhironi nenyika yake, sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.
Ngakho itsho njalo iNkosi yamabandla, uNkulunkulu kaIsrayeli: Khangela, ngizayijezisa inkosi yeBhabhiloni lelizwe layo, njengalokho ngayijezisa inkosi yeAsiriya.
19 Asi ndichadzosera Israeri kumafuro ake, uye achafura paKarimeri nepaBhashani; achadya akaguta pazvikomo zveEfuremu neGireadhi.
Njalo ngizabuyisela uIsrayeli endaweni yakhe yokuhlala, njalo uzadlisa eKharmeli leBashani, lomphefumulo wakhe usuthe entabeni yakoEfrayimi leGileyadi.
20 Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.
Ngalezonsuku langalesosikhathi, itsho iNkosi, kuzadingwa ububi koIsrayeli, kodwa bungabi khona, lezono zikaJuda, kodwa zingatholwa; ngoba ngizabathethelela labo engibenza babe yinsali.
21 “Rwisai nyika yeMarataimi neavo vagere muPekodhi. Dzingirirai, urayai uye muvaparadze zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Muite zvose zvandakurayirai.
Umelene lelizwe leMerathayimi, yenyuka umelene layo, njalo umelene labahlali bePhekhodi; uchithe, utshabalalise emva kwabo, itsho iNkosi, wenze njengakho konke engikulaye khona.
22 Mheremhere yehondo iri munyika, mheremhere yokuparadza kukuru!
Umsindo wempi uselizweni, lokuchitheka okukhulu.
23 Yavhunika nokupwanyika seiko nyundo yenyika yose! Bhabhironi rava dongo seiko pakati pendudzi!
Yeka ukuganyulwa lokwephuka kwesando somhlaba wonke! Yeka ukwenziwa kweBhabhiloni unxiwa phakathi kwezizwe!
24 Ndakakuisira musungo, iwe Bhabhironi, uye wakabatwa usati wazviziva; wakawanikwa ukapambwa nokuti wakapikisana naJehovha,
Ngakuthiya ngomjibila, futhi lawe wathunjwa, Bhabhiloni, lawe wawungazi; watholwa, futhi wabanjwa, ngoba waphikisana leNkosi.
25 Jehovha akazarura dura rezvombo ndokubudisa zvombo zvehasha dzake, nokuti Ishe Jehovha Wamasimba Ose ane basa rokuita munyika yavaBhabhironi.
INkosi ivulile isiphala sayo, yakhupha izikhali zolaka lwayo, ngoba lokhu kungumsebenzi weNkosi uJehova wamabandla elizweni lamaKhaladiya.
26 Uyai murwe naro muchibva kure. Zarurai matura aro; muriunganidze semirwi yezviyo. Riparadzei zvachose, parege kuva navanosara.
Wozani limelane layo livela ephethelweni, livule izibuya zayo, liyibuthelele njengezinqumbi, liyitshabalalise, ingabi lansali.
27 Muuraye hondo diki dzaro dzose; ngadziendeswe kundobayiwa! Vane nhamo! Nokuti zuva ravo rasvika, nguva yokurangwa kwavo.
Bulalani amajongosi ayo wonke, kawehlele ekuhlatshweni. Maye kuwo! Ngoba usuku lwawo lufikile, isikhathi sempindiselo yawo.
28 Inzwai vanotiza navapoteri vanobva kuBhabhironi, vanoparidza muZioni kuti Jehovha Mwari wedu akatsiva sei, kutsivira temberi yake.
Ilizwi lababalekayo labaphunyukayo bevela elizweni leBhabhiloni, ukuze bamemeze eZiyoni impindiselo yeNkosi uNkulunkulu wethu, impindiselo yethempeli layo.
29 “Kokerai vapfuri vemiseve varwe neBhabhironi, vose vanowembura uta. Rikombei rose; ngakurege kuva nounopukunyuka. Riripirei nokuda kwamabasa avo; riitireiwo sezvarakaita. Nokuti vakamhura Jehovha, Iye Mutsvene weIsraeri.
Bizani abatshoki bamelane leBhabhiloni, bonke abagobisa idandili, limise inkamba limelane layo inhlangothi zonke; kayingabi lokuphunyuka; liyiphindisele njengomsebenzi wayo, lenze kuyo njengakho konke ekwenzileyo; ngoba yenze ngokuziqhenya imelene leNkosi, imelene loNgcwele kaIsrayeli.
30 Naizvozvo majaya aro achawira mumigwagwa; varwi varo vose vachanyarara kuti mwiro pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ngakho amajaha ayo azakuwa ezitaladeni zayo, lawo wonke amadoda ayo empi azabhujiswa ngalolosuku, itsho iNkosi.
31 “Tarira, ndinorwa newe, iwe wokuzvikudza,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose, “nokuti zuva rako rasvika, nguva yokurangwa kwako.
Khangela, ngimelana lawe, wena oziqhenyayo, itsho iNkosi uJehova wamabandla; ngoba usuku lwakho selufikile, isikhathi engizakuhambela ngaso.
32 Anozvikudza achagumburwa agowa, uye hapana achamusimudza; ndichatungidza moto mumaguta ake uchapisa vose vakamupoteredza.”
Khona oziqhenyayo ezakhubeka awe, njalo kungekho ozamvusa; njalo ngizaphemba umlilo emizini yakhe ozakudla konke okumhanqileyo.
33 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Vanhu veIsraeri vakamanikidzwa, navanhu veJudha vakamanikidzwawo, vapambi vavo vose vakavabata, zvakasimba, vanoramba kuvaregedza kuti vaende.
Itsho njalo iNkosi yamabandla: Babecindezelwe abantwana bakoIsrayeli labantwana bakoJuda ndawonye; njalo bonke ababathumbileyo babagagadlele; bala ukubayekela bahambe.
34 Asi mudzikinuri wavo ane simba; Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake. Achavareverera nhaka yavo nesimba kuti azorodze nyika yavo, asi achashayisa zororo kuna avo vanogara muBhabhironi.
Umhlengi wabo ulamandla, iNkosi yamabandla libizo layo; isibili izamela udaba lwabo, ukuze inike umhlaba ukuphumula, kodwa inyakazise abahlali beBhabhiloni.
35 “Munondo pamusoro pavaBhabhironi!” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pamusoro peavo vagere muBhabhironi, napamusoro pamachinda aro navakachenjera varo!
Inkemba iphezu kwamaKhaladiya, itsho iNkosi, laphezu kwabahlali beBhabhiloni, laphezu kweziphathamandla zayo, laphezu kwabahlakaniphileyo bayo.
36 Munondo pamusoro pavaprofita varo venhema! Vachava mapenzi. Munondo pamusoro pemhare dzaro! Vachazadzwa nokutya.
Inkemba iphezu kwabaqambimanga ukuze benze ngobuthutha; inkemba iphezu kwamaqhawe ayo ukuze adilizwe.
37 Munondo pamusoro pamabhiza nengoro dzaro, napamusoro pavatorwa vose vari pazvigaro zvaro! Vachava vakadzi. Munondo pamusoro pepfuma yaro! Ichapambwa.
Inkemba iphezu kwamabhiza ayo, laphezu kwenqola zayo, laphezu kwayo yonke ingxube yexuku ephakathi kwayo, ukuze babe ngabesifazana; inkemba iphezu kokuligugu kwayo, ukuze kuphangwe.
38 Mvura yaro zhinji ngaipwe! Ichaoma. Nokuti inyika yezvifananidzo, zvifananidzo zvichapenga nokutya.
Imbalela iphezu kwamanzi ayo, ukuze ome, ngoba iyilizwe lezithombe ezibaziweyo; bayahlanya ngenxa yezithombe ezesabekayo.
39 “Saka mhuka dzomugwenga namapere zvichagarako, uye zizi richagara imomo. Haichazogarwizve, uye hapana achagaramo kusvikira kumarudzi namarudzi.
Ngakho izilo zenkangala lamakhanka kuzahlala khona, lamadodakazi ezintshe azahlala kuyo, kakusayikuhlala muntu kuyo kuze kube nininini, kakuyikwakhelwa kuyo esizukulwaneni kusiya esizukulwaneni.
40 Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo hakuna achagarako; hakuna munhu achagara mairi.
Njengoba uNkulunkulu wagenqula iSodoma leGomora labomakhelwane bayo, itsho iNkosi, ngokunjalo kakuyikuhlala muntu khona, njalo kakulandodana yomuntu ezahlala njengowezizwe kuyo.
41 “Tarirai! Hondo inobva nechokumusoro; rudzi rukuru namadzimambo mazhinji ari kumutswa kubva kumagumo enyika.
Khangela, abantu bazavela enyakatho, lesizwe esikhulu, lamakhosi amanengi azavuswa evela emikhawulweni yomhlaba.
42 Vakapakata uta namapfumo; vano utsinye uye havana tsitsi. Vanotinhira segungwa vakatasva mabhiza avo; vanouya vakaita savarume vakagadzirira kurwa, kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weBhabhironi.
Bazabamba idandili lomkhonto; balesihluku, kabayikuba lomusa; ilizwi labo lizahlokoma njengolwandle, bagade amabhiza, ngulowo lalowo ehleliwe njengomuntu wempi emelene lawe, ndodakazi yeBhabhiloni.
43 Mambo weBhabhironi akanzwa guhu pamusoro pavo, maoko ake akapera simba. Kutya kwakamubata, kurwadziwa sekwomukadzi wosununguka.
Inkosi yeBhabhiloni izwile umbiko wabo, lezandla zayo zaba buthakathaka; ucindezelo lwayibamba, umhelo njengowobelethayo.
44 Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndiani achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”
Khangela, njengesilwane esivela ekukhukhumaleni kweJordani uzakwenyuka emelene lendawo yokuhlala okungapheliyo, kodwa ngizahle ngimgijimise asuke kuyo; njalo ngubani okhethiweyo engingammisa phezu kwayo? Ngoba ngubani onjengami? Ngubani-ke ozangibizela ukulandisa? Njalo nguwuphi lowomelusi ongema phambi kwami?
45 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peBhabhironi, zvaakaronga pamusoro penyika yavaBhabhironi: Makwayana emapoka avo achakwekweredzerwa kure; achaparadza mafuro awo zvachose nokuda kwavo.
Ngakho, zwanini icebo leNKOSI elicebe imelene leBhabhiloni, lemicabango yayo eyicabange imelene lelizwe lamaKhaladiya: Isibili abancinyane bomhlambi bazabadonsa; isibili izachitha indawo yokuhlala phezu kwabo.
46 Pachanzwikwa kutinhira kwokukundwa kweBhabhironi, nyika ichadedera; kuchema kwayo kuchanzwikwa pakati pamarudzi.
Ngomsindo wokuthunjwa kweBhabhiloni umhlaba uyazamazama, lokukhala kuzwakala phakathi kwezizwe.

< Jeremia 50 >