< Jeremia 5 >

1 “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.
“Yehla ukhwele ngemigwaqo yaseJerusalema, ukhangele emaceleni wonke, ucabange, uhlolisise wonke amagceke ayo. Nxa ungathola umuntu oyedwa nje oqhuba ngobuqotho efuna iqiniso, ngizalithethelela idolobho leli.
2 Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.”
Lanxa nje besithi, ‘Ngeqiniso elinjengoba uThixo ekhona,’ bajinge befunga amanga.”
3 Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo uye vakaramba kutendeuka.
Awu Thixo, amehlo akho kawadingi qiniso na? Wabatshaya, kodwa kabezwanga buhlungu, wabahlifiza, kodwa bala ukuqondiswa. Benza ubuso babo baba lukhuni kulamatshe, bala ukuphenduka.
4 Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, nezvinodikanwa naMwari wavo.
Ngacabanga ngathi, “Laba ngabayanga nje, bayizithutha, ngoba indlela kaThixo kabayazi, lemilayo kaNkulunkulu wabo.
5 Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri ndigotaura navo; zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, zvinodiwa naMwari wavo.” Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, vakadambura makashu.
Ngakho-ke ngizakuya kubakhokheli ngikhulume labo, ngeqiniso indlela kaThixo bayayazi, lemilayo kaNkulunkulu wabo.” Kodwa nganhliziyonye labo balephula ijogwe baqamula lezibopho.
6 Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda.
Ngakho isilwane esivela ehlathini sizabahlasela, lempisi evela enkangala ibadlwengule, ingwe izabacathamela eduze lamadolobho abo ukudabudabula loba ngubani ophumayo, ngoba iziphambeko zabo zinkulu, lokuhlehlela kwabo emuva kunengi.
7 “Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.
“Ngingalithethelela ngenxa yani na? Abantwana benu bangidelile, bafunga ngabonkulunkulu abangasibonkulunkulu, ngabanika konke abakuswelayo, kodwa bona bafeba baminyana ezindlini zezifebe.
8 Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe.
Bangamabhiza amaduna asuthayo, agcwele inkanuko, omunye lomunye ekhalela umfazi wenye indoda.
9 Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?
Ngingabajezisi kulokhu na?” kutsho uThixo. “Ngingaphindiseli esizweni esinjengalesi na?
10 “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, asi musaiparadza zvachose. Bvisai matavi awo, nokuti vanhu ava havasi vaJehovha.
Ngenani lidabule phakathi kwezivini zaso lizidlwengule, kodwa lingazitshabalalisi ngokupheleleyo. Phundlani ingatsha zalo, ngoba abantu laba kabasibo bakaThixo.
11 Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Indlu ka-Israyeli lendlu kaJuda kazithembekanga impela kimi,” kutsho uThixo.
12 Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara.
Baqambe amanga ngoThixo bathi, “Kasoze enze lutho! Akulabubi obuzasehlela, kasiyikubona impi loba indlala.
13 Vaprofita vangova mhepo, uye shoko harimo mavari. Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.”
Abaphrofethi bangumoya nje, lelizwi kalikho kubo, ngakho abakutshoyo kakwenziwe kubo.”
14 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.
Ngakho-ke uThixo uNkulunkulu uSomandla uthi: “Njengoba abantu sebekhulume amazwi la, ngizakwenza amazwi ami emlonyeni wakho abe ngumlilo labantu laba babe zinkuni oziqothulayo.”
15 Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi.
UThixo uthi, “Wena ndlu ka-Israyeli, ngizaletha isizwe esivela khatshana ukuba sikuhlasele, isizwe esidala esiqinileyo, isizwe ulimi lwaso ongalwaziyo, lenkulumo yaso ongayizwayo.
16 Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba.
Imixhaka yaso ifana lengcwaba elivulekileyo, bonke bangamabutho alamandla.
17 Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, vachauraya vanakomana navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, vachadya mazambiringa namaonde enyu. Vachaparadza nomunondo, maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo.
Bazatshwabadela amabele enu lokudla kwenu, batshwabadele amadodana enu kanye lamadodakazi enu, bazatshwabadela izimvu zenu kanye lenkomo zenu, bazatshwabadela amavini enu kanye lemikhiwa yenu. Amadolobho avikelweyo eliwathembileyo bazawachitha ngenkemba.
18 “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.
Ikanti langalezozinsuku,” kutsho uThixo, “angiyikuliqeda du.
19 Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’
Lapho abantu bebuza besithi, ‘Kungani uThixo uNkulunkulu wethu enze konke lokhu kithi?’ Batshele uthi, ‘Njengoba lingilahlile lakhonza onkulunkulu bezizweni elizweni lenu, ngokunjalo khathesi lizasebenzela abezizweni elizweni elingayisilo lenu.’
20 “Zivisai izvi kuimba yaJakobho mugozviparidza maJudha muchiti:
Memezela lokhu endlini kaJakhobe njalo ukubike lakoJuda uthi:
21 Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vane meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi:
Zwanini lokhu, lina zithutha zabantu abangelangqondo, abalamehlo kodwa kababoni, abalezindlebe kodwa kabezwa:
22 Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.
Akumelanga lingesabe na?” kutsho uThixo. “Kaliyikuthuthumela phambi kwami na? Ngenza itshebetshebe laba ngumngcele wolwandle umkhawulo wanini lanini olungeke luweqe. Amagagasi angavinqoza, kodwa awangeke edlule, angahlokoma, kodwa awangeke aweqe.
23 Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure.
Kodwa abantu laba balezinhliziyo ezilukhuni ezihlamukayo, baphambukile, balahleka.
24 Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.’
Kabatsho ezinhliziyweni zabo ukuthi, ‘Kasimesabeni uThixo uNkulunkulu wethu, onisa izulu ngesikhathi salo ekwindla lentwasa, osithembisa amaviki amiselwe ukuvuna.’
25 Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.
Ukona kwenu kukuvimbele lokhu, izono zenu zilemuka okuhle.
26 “Pakati pavanhu vangu pane vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.
Phakathi kwabantu bami kulabantu ababi abacathama njengabantu abathiya izinyoni, lanjengalabo abathiya imijibila yokubamba abantu.
27 Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba,
Njengezitsha ezigcwele izinyoni, izindlu zabo zigcwele inkohliso; sebenothile njalo sebelamandla
28 uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo, havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo.
sebezimukile njalo babancwaba. Izenzo zabo ezimbi kazilamkhawulo, kabakudingi ukulunga. Izintandane kabazikhulumeli ukuba zinqobe, amalungelo abayanga kabawavikeli.
29 Ko, handifaniri kuvaranga pane izvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?
Akumelanga ngibajezisele lokhu na?” kutsho uThixo. “Akumelanga ngiphindisele esizweni esinjengalesi na?
30 “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika.
Into eyesabekayo leyethusayo isiyenzakele kulelilizwe:
31 Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?
Abaphrofethi baphrofitha amanga, abaphristi babusa ngamandla abo, labantu bami bakuthanda kunjalo. Kodwa lizakwenzani ekucineni?”

< Jeremia 5 >