< Jeremia 5 >

1 “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.
שוטטו בחוצות ירושלם וראו נא ודעו ובקשו ברחובותיה אם תמצאו איש אם יש עשה משפט מבקש אמונה--ואסלח לה
2 Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.”
ואם חי יהוה יאמרו לכן לשקר ישבעו
3 Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. Vakaomesa zviso zvavo kupfuura dombo uye vakaramba kutendeuka.
יהוה עיניך הלוא לאמונה--הכיתה אתם ולא חלו כליתם מאנו קחת מוסר חזקו פניהם מסלע מאנו לשוב
4 Ndakafunga ndikati, “Ava varombo bedzi; mapenzi, nokuti havazivi nzira yaJehovha, nezvinodikanwa naMwari wavo.
ואני אמרתי אך דלים הם נואלו--כי לא ידעו דרך יהוה משפט אלהיהם
5 Naizvozvo ndichaenda kuvatungamiri ndigotaura navo; zvirokwazvo vanoziva nzira yaJehovha, zvinodiwa naMwari wavo.” Asi nomwoyo mumwe, naivowo vakanga vavhuna joko, vakadambura makashu.
אלכה לי אל הגדלים ואדברה אותם--כי המה ידעו דרך יהוה משפט אלהיהם אך המה יחדו שברו על נתקו מוסרות
6 Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda.
על כן הכם אריה מיער זאב ערבות ישדדם--נמר שקד על עריהם כל היוצא מהנה יטרף כי רבו פשעיהם עצמו משבותיהם
7 “Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.
אי לזאת אסלוח (אסלח) לך--בניך עזבוני וישבעו בלא אלהים ואשבע אותם וינאפו ובית זונה יתגודדו
8 Ivo mabhiza anodya achiguta azere ruchiva, mumwe nomumwe achidokwairira mukadzi womumwe.
סוסים מיזנים משכים היו איש אל אשת רעהו יצהלו
9 Ko, handingavarangi nokuda kwaizvozvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?
העל אלה לוא אפקד נאם יהוה ואם בגוי אשר כזה לא תתנקם נפשי
10 “Endai nomuminda yavo yamazambiringa muiparadze, asi musaiparadza zvachose. Bvisai matavi awo, nokuti vanhu ava havasi vaJehovha.
עלו בשרותיה ושחתו וכלה אל תעשו הסירו נטישותיה כי לוא ליהוה המה
11 Imba yaIsraeri neimba yaJudha vanga vasina kutendeka kwandiri zvachose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
כי בגוד בגדו בי בית ישראל ובית יהודה--נאם יהוה
12 Vakarevera Jehovha nhema, vachiti, “Haana chaachaita! Hakuna chakaipa chichaitika kwatiri; hatichazombooni hondo kana nzara.
כחשו ביהוה ויאמרו לוא הוא ולא תבוא עלינו רעה וחרב ורעב לוא נראה
13 Vaprofita vangova mhepo, uye shoko harimo mavari. Saka zvavanotaura ngazviitwe kwavari.”
והנביאים יהיו לרוח והדבר אין בהם כה יעשה להם
14 Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari Wamasimba Ose: “Nokuti vanhu vakataura mashoko aya, ndichaita kuti mashoko angu ave moto mumuromo mako, uye vanhu ava kuti vave huni dzinopiswa nawo.
לכן כה אמר יהוה אלהי צבאות יען דברכם את הדבר הזה הנני נתן דברי בפיך לאש והעם הזה עצים--ואכלתם
15 Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi.
הנני מביא עליכם גוי ממרחק בית ישראל נאם יהוה גוי איתן הוא גוי מעולם הוא--גוי לא תדע לשנו ולא תשמע מה ידבר
16 Magoba avo akafanana neguva rakashama; vose zvavo varwi vane simba.
אשפתו כקבר פתוח כלם גבורים
17 Vachadya zvamakakohwa nezvokudya zvenyu, vachauraya vanakomana navanasikana venyu; vachadya makwai enyu nemombe dzenyu, vachadya mazambiringa namaonde enyu. Vachaparadza nomunondo, maguta enyu akakomberedzwa iwo amunovimba nawo.
ואכל קצירך ולחמך יאכלו בניך ובנותיך--יאכל צאנך ובקרך יאכל גפנך ותאנתך ירשש ערי מבצריך אשר אתה בטח בהנה--בחרב
18 “Kunyange mumazuva iwayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “handingakuparadzei zvachose.
וגם בימים ההמה נאם יהוה לא אעשה אתכם כלה
19 Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’
והיה כי תאמרו תחת מה עשה יהוה אלהינו לנו את כל אלה ואמרת אליהם כאשר עזבתם אותי ותעבדו אלהי נכר בארצכם--כן תעבדו זרים בארץ לא לכם
20 “Zivisai izvi kuimba yaJakobho mugozviparidza maJudha muchiti:
הגידו זאת בבית יעקב והשמיעוה ביהודה לאמר
21 Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vane meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi:
שמעו נא זאת עם סכל ואין לב עינים להם ולא יראו אזנים להם ולא ישמעו
22 Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.
האותי לא תיראו נאם יהוה אם מפני לא תחילו אשר שמתי חול גבול לים חק עולם ולא יעברנהו ויתגעשו ולא יוכלו והמו גליו ולא יעברנהו
23 Asi vanhu ava vane mwoyo yakasindimara uye inondimukira; vakatsauka vakaenda kure.
ולעם הזה היה לב סורר ומורה סרו וילכו
24 Havati mumwoyo yavo, ‘Ngatityei Jehovha Mwari wedu, anotipa mvura yaMatsutso neyoMunakamwe nenguva yayo, anotitsidzira mavhiki akatarwa okukohwa.’
ולוא אמרו בלבבם נירא נא את יהוה אלהינו הנתן גשם וירה (יורה) ומלקוש בעתו שבעת חקות קציר ישמר לנו
25 Zvakaipa zvenyu zvakadzingira izvi kure; zvivi zvenyu zvakadzivisa kuti zvinhu zvakanaka zviuye kwamuri.
עונותיכם הטו אלה וחטאותיכם מנעו הטוב מכם
26 “Pakati pavanhu vangu pane vanhu vakaipa vanovandira kufanana savanhu vanoteya shiri nougombe uye savaya vanoisa misungo yokubata vanhu.
כי נמצאו בעמי רשעים ישור כשך יקושים הציבו משחית אנשים ילכדו
27 Sedendere rizere neshiri, dzimba dzavo dzizere nokunyengera; vapfuma uye vava nesimba,
ככלוב מלא עוף כן בתיהם מלאים מרמה על כן גדלו ויעשירו
28 uye vafuta uye vobwinya. Zvakaipa zvavo hazvina magumo, havatambi mhaka dzenherera kuti vakunde, havadziviriri kodzero dzavarombo.
שמנו עשתו גם עברו דברי רע--דין לא דנו דין יתום ויצליחו ומשפט אביונים לא שפטו
29 Ko, handifaniri kuvaranga pane izvi here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, handingazvitsiviri here parudzi rwakadai?
העל אלה לא אפקד נאם יהוה אם בגוי אשר כזה לא תתנקם נפשי
30 “Chinhu chinosemesa uye chinovhundutsa chaitika panyika.
שמה ושערורה נהיתה בארץ
31 Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?
הנבאים נבאו בשקר והכהנים ירדו על ידיהם ועמי אהבו כן ומה תעשו לאחריתה

< Jeremia 5 >