< Jeremia 49 >

1 Pamusoro paAmoni: Zvanzi naJehovha: “Ko, Israeri haana mwanakomana here? Haana vadyi venhaka here? Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi? Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo?
アンモンびとについて、主はこう言われる、「イスラエルには子がないのか、世継ぎがないのか。どうしてミルコムがガドを追い出して、その民がその町々に住んでいるのか。
2 Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharidza mhere yehondo pamusoro peRabha ravaAmoni; richaitwa murwi wamatongo, uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto. Ipapo Israeri achadzinga vaya vakanga vamudzinga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
主は言われる、それゆえ、見よ、アンモンびとのラバを攻める戦いの叫びを、わたしが聞えさせる日が来る。ラバは荒塚となり、その村々は火で焼かれる。そのときイスラエルは自分を追い出した者どもを追い出すと主は言われる。
3 “Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa! Ridzai mhere, imi vanogara muRabha! Pfekai masaga mucheme, mhanyai pano nekoko pakati porusvingo, nokuti Moreki achaenda kuutapwa, pamwe chete navaprista vake namachinda ake.
ヘシボンよ嘆け、アイは滅ぼされた。ラバの娘たちよ呼ばわれ。荒布を身にまとい、悲しんで、まがきのうちを走りまわれ。ミルコムとその祭司およびつかさが共に捕え移されるからだ。
4 Unozvikudzireiko nemipata yako, kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo? Haiwa mwanasikana wokusatendeka, unovimba nepfuma yako uchiti, ‘Ndiani acharwa neni?’
不信の娘よ、あなたはなぜ自分の谷の事を誇るのか。あなたは自分の富に寄り頼んで、『だれがわたしに攻めてくるものか』と言う。
5 Ndichauyisa kutya pamusoro pako kunobva kuna avo vakakupoteredza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure, uye hakuna achaunganidza vatizi.
主なる万軍の神は言われる、見よ、わたしはあなたの上に恐れを臨ませる、それはあなたの周囲の者から来る。あなたは追われて、おのおの直ちに他人に続き、逃げる者を集める人もない。
6 “Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
しかし、のちになって、わたしはアンモンびとを再び栄えさせると、主は言われる」。
7 Pamusoro peEdhomu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here? Mano atsakatika here kuna vakangwara? Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?
エドムの事について、万軍の主はこう言われる、「テマンには、もはや知恵がないのか。さとい者には計りごとがなくなったのか。その知恵は消えうせたのか。
8 Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika, imi munogara muDhedhani, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau, panguva yandinomuranga.
デダンに住む者よ、逃げよ、のがれよ、深い所に隠れよ。わたしがエサウの災難を彼の上に臨ませ、彼を罰する時をこさせるからだ。
9 Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mazambiringa mashoma here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangabi zvavanoda chete here?
ぶどうを集める者があなたの所に来たならば、すこしの実をも残さないであろうか。夜、盗びとが来たならば、自分たちの満足するだけ滅ぼさないであろうか。
10 Asi ndichafukura Esau; ndichazarura nzvimbo dzake dzokuvanda, kuitira kuti akundikane kuzvivanza. Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa, uye iye haachazovapozve.
しかしわたしはエサウを裸にし、その隠れる所を現したので、彼はその身を隠すことができない。その子どもたちも、兄弟も、隣り人も滅ぼされる。そして彼は、いなくなる。
11 Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”
あなたのみなしごを残せ、わたしがそれを生きながらえさせる。あなたのやもめには、わたしに寄り頼ませよ」。
12 Zvanzi naJehovha: “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho.
主はこう言われる、「もし、杯を飲むべきでない者もそれを飲まなければならなかったとすれば、あなたは罰を免れることができようか。あなたは罰を免れない。それを飲まなければならない。
13 Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”
主は言われる、わたしは自分をさして誓った、ボズラは驚きとなり、ののしりとなり、荒れ地となり、のろいとなる。その町々は長く荒れ地となる」。
14 Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kunoti, “Unganai kuti murwe naro! Simukai murwe!”
わたしは主からのおとずれを聞いた。ひとりの使者がつかわされて万国に行き、そして言った、「あなたがたは集まり、行って彼を攻め、立って戦え。
15 “Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi, anozvidzwa pakati pavanhu.
見よ、わたしはあなたを万国のうちに小さい者とし、人々のうちに卑しめられる者とする。
16 Kutyisa kwaunoita, nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera, iwe unogara mumikaha yematombo, ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo. Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakukoromora kubva ipapo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
岩の割れ目に住み、山の高みを占める者よ、あなたの恐ろしい事と、あなたの心の高ぶりが、あなたを欺いた。あなたは、わたしのように巣を高い所に作っているが、わたしはその所からあなたを取りおろすと主は言われる。
17 “Edhomu richava chinhu chinotyisa, vose vachapfuura napo vachashamiswa, uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose.
エドムは恐れとなる。そのかたわらを通り過ぎる者はみな恐れ、その災のために、舌打ちする。
18 Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora, pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saka hakuna munhu achazogarako; hakuna munhu achagara mariri.
主は言われる、ソドムとゴモラとその隣の町々がくつがえされた時のように、そこに住む人はなく、そこに宿る人もなくなる。
19 “Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo. Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi? Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni? Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”
見よ、ししがヨルダンの密林から上ってきて、じょうぶな羊のおりを襲うように、わたしは、たちまち彼らをそこから逃げ走らせ、わたしの選ぶ者をその上に立てる。だれかわたしのような者があるであろうか。だれがわたしを呼びつけることができようか。どの牧者がわたしの前に立つことができようか。
20 Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu, zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani: Achakwekweredza vaduku vemapoka; achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo.
それゆえ、エドムに対して主が立てた計りごとと、テマンに住む者に対してしようとする事を聞くがよい。彼らの群れのうちの小さいものまでも皆、引かれて行く。彼らのおりのものもその終りを見て恐れる。
21 Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo; kuchema kwavo kuchanzwikwawo kusvikira kuGungwa Dzvuku.
その倒れる音を聞いて、地は震い、彼らの叫び声は紅海にも聞える。
22 Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba, rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu ichafanana nomwoyo womukadzi orwadziwa.
見よ、敵はわしのように上り、すみやかに飛びかけり、その翼をボズラの上に張り広げる。その日エドムの勇士の心は子を産む女の心のようになる」。
23 Pamusoro peDhamasiko: “Hamati neAripadhi avhundutswa, nokuti agamuchira mashoko akaipa. Aora mwoyo, atambudzika segungwa risina zororo.
ダマスコの事について、「ハマテとアルパデは、うろたえている、彼らは悪いおとずれを聞いたからだ。彼らは勇気を失い、穏やかになることのできない海のように悩む。
24 Dhamasiko harichina simba, rakatendeuka kuti ritize, kuvhunduka kukaribata; kugomera nokurwadziwa zvakaribata, kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
ダマスコは弱り、身をめぐらして逃げた、恐怖に襲われている。子を産む女に臨むように痛みと悲しみと彼に臨む。
25 Guta remukurumbira harina kusiyiwa seiko, iro guta randinofarira?
ああ、名ある町、楽しい町は捨てられる。
26 Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa; varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
それゆえ、その日に、若い者は、広場に倒れ、兵士はことごとく滅ぼされると万軍の主は言われる。
27 “Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko; uchaparadza nhare dzose dzaBheni-Hadhadhi.”
わたしはダマスコの城壁の上に火を燃やし、ベネハダデの宮殿を焼き尽す」。
28 Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi: Zvanzi naJehovha: “Simukai, murwise Kedhari uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.
バビロンの王ネブカデレザルが攻め撃ったケダルとハゾルの諸国の事について、主はこう言われる、「立って、ケダルに向かって進み、東の人々を滅ぼせ。
29 Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa; matumba avo achatorwa achiendwa nawo, nemidziyo yavo yose nengamera. Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti, ‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’
彼らの天幕と、その羊の群れとは取られ、その垂幕とそのもろもろの器と、らくだとは彼らの所から運び去られ、人々は彼らに向かって叫ぶ、『恐ろしいことが四方にある』と。
30 “Tizirai kure nokukurumidza! Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu; aronga zano pamusoro penyu.
主は言われる、ハゾルに住む者よ、逃げよ、遠くさまよい行き、深い所に隠れよ。バビロンの王ネブカデレザルがあなたがたを攻める計りごとをめぐらし、あなたがたを攻める、てだてを設けたからだ。
31 “Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo, rugere zvarwo rusina hanya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “irwo rudzi rusina masuo kana mazariro; vanhu varwo vanogara voga zvavo.
主は言われる、立って進み、安全な所に住むきらくな民を攻めよ、彼らは門もなく、貫の木もなく、ひとり離れて住む。
32 Ngamera dzavo dzichapambwa, uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa. Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure, uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
彼らのらくだは、ぶんどり物となり、家畜の群れは奪われる。わたしは、かの髪の毛のすみずみを切る者を四方に散らし、その災難を八方からこさせると主は言われる。
33 “Hazori richava ugaro hwamakava, dongo nokusingaperi. Hapana achagarako; hakuna munhu achagara mariri.”
ハゾルは山犬のすまいとなり、いつまでも荒れ地となっている。だれもそこに住む人はなく、そこに宿る人もない」。
34 Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti:
ユダの王ゼデキヤの治世の初めのころに、エラムの事について預言者エレミヤに臨んだ主の言葉。
35 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu, iwo musimboti wesimba ravo.
万軍の主はこう言われる、「見よ、わたしはエラムが力として頼んでいる弓を折る。
36 Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina, kubva kumativi mana ematenga; ndichavaparadzira kumhepo ina uye hakungavi norudzi rumwe kusingaendwi navavakidzani veEramu.
わたしは天の四方から、四方の風をエラムにこさせ、彼らを四方の風に散らす。エラムから追い出される者の行かない国はない。
37 Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo, pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa njodzi pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kunotyisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavapedza.
主は言われる、わたしはエラムをしてその敵の前、またその命を求める者の前に恐れさせる。わたしは災をくだし、激しい怒りをその上にくだす。彼らのうしろに、つるぎを送って滅ぼし尽す。
38 Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
そしてわたしの位をエラムにすえ、王とつかさたちとを滅ぼすと主は言われる。
39 “Asi ndichadzosa nhaka yeEramu mumazuva okupedzisira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
しかし末の日に、わたしはエラムを再び栄えさせると、主は言われる」。

< Jeremia 49 >