< Jeremia 48 >
1 Pamusoro peMoabhu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa. Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa; nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa.
Game da Mowab. Ga abin da Ubangiji Maɗaukaki, Allah na Isra’ila, yana cewa, “Kaito ga Nebo, gama za tă lalace. Kiriyatayim za su kunyata a kuma kame ta; katagar za tă sha kunya ta kuma wargaje.
2 Moabhu haichazorumbidzwizve; muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti: ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’ Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro; munondo uchakutevera.
Ba za a ƙara yabi Mowab ba; a Heshbon mutane za su shirya mata maƙarƙashiya. ‘Zo, mu tafi mu kawo ƙarshe ga wannan al’umma.’ Ke kuma, ya Madmen za ki yi shiru; takobi zai fafare ki.
3 Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi, kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru.
Saurari kuka daga Horonayim, kukan risɓewa mai girma da hallaka.
4 Moabhu ichaputswa; vana vadiki varo vacharidza mhere.
Za a karye Mowab; ƙanananta za su yi kuka.
5 Vachakwira nomukwidza weRuhiti, vachichema zvikuru pakuenda kwavo; pamateru enzira yokuHoronaimi kuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika.
Sun haura hanyar zuwa Luhit, suna kuka mai zafi yayinda suke tafiya; a hanyar da ta gangara zuwa Horonayim suna kuka a kan hallakar da aka ji.
6 Tizai! Mhanyai muponese upenyu hwenyu; mufanane negwenzi riri mugwenga.
Ku gudu! Ku gudu don tserar da ranku; ku zama kamar kurmi a hamada.
7 Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu, nemiwo muchatapwa, uye Kemoshi ichaenda kuutapwa, pamwe chete navaprista namachinda ayo.
Da yake kun dogara ga ayyukanku da arzikinku, ku ma za a kwashe ku bayi, Kemosh zai tafi bauta, tare da firistocinsa da fadawansa.
8 Muparadzi acharwa namaguta ose ose, uye hapana guta richapunyuka. Mupata uchaparadzwa, uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwa nokuti Jehovha azvitaura.
Mai hallakarwa zai aukar wa kowane gari, kuma ba wani garin da zai kuɓuta. Kwari zai lalace tudu kuma ya hallaka, domin Ubangiji ya faɗa.
9 Isai munyu pamusoro peMoabhu, nokuti ichaparadzwa; maguta ayo achava matongo, asina achazogaramo.
Ku sa gishiri a kan Mowab, gama za tă zama kango; garuruwanta za su zama kufai, ba mazauna a cikinsu.
10 “Ngaatukwe uyo anobata basa raJehovha asina hanya! Ngaatukwe uyo anodzora munondo wake pakuteura ropa!
“La’ananne ne shi wanda yake sake a yin aikin Ubangiji! La’ananne ne wanda ya janye takobinsa daga zub da jini!
11 “Moabhu anga ane zororo kubvira pauduku hwake, sewaini yasarira mumasese, isina kudirwa kubva muno mumwe mudziyo ichiiswa muno mumwe, haana kuenda kuutapwa. Saka anongotapira sezvaakanga ari, uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka.
“Mowab ta kasance cikin kwanciyar rai tun ƙuruciyarta, kamar ruwan inabin da aka bari lis, ba a juya daga tulu zuwa wani tulu ba ba tă tafi bauta ba. Saboda haka tana da ɗanɗanonta, kuma ƙanshinta bai canja ba.
12 Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatuma varume vanodurura zvinobva mumudziyo, uye vachadururira pasi; vachasiya midziyo isina chinhu uye vagoputsa midziyo yake.
Kwanaki suna zuwa,” in ji Ubangiji, “sa’ad da zan aika da mutanen da za su tuntsurar da tuluna, su kuma zubar da ita waje. Za su bar tulunan ba kome a ciki su kuma farfashe tulunanta.
13 Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi, sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeri pavakavimba neBheteri.
Sa’an nan Mowab za tă ji kunyar Kemosh, yadda gidan Isra’ila ya ji kunya sa’ad da suka dogara ga Betel.
14 “Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare, varume vakatsunga muhondo’?
“Yaya za ku ce, ‘Mu jarumawa ne, mutane masu ƙarfi a yaƙi?’
15 Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo acharwiswa; majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.
Mowab za tă hallaka a kuma kai wa garuruwanta hari; samarinta kyawawa za su gangara cikin mayanka,” in ji Sarki, wanda sunansa Ubangiji Maɗaukaki ne.
16 “Kuwa kweMoabhu kwava pedyo; njodzi yayo ichasvika nokukurumidza.
“Fāɗuwar Mowab ta yi kusa; bala’inta zai auku nan da nan.
17 Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza, vose vanoziva mukurumbira wayo; muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba, wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’
Yi kuka saboda ita, dukanku mazaunan kewayenta, duk waɗanda suka san shahararta; ku ce, ‘Dubi yadda sandan sarauta mai iko ya karye, dubi yadda sanda mai daraja ya karye!’
18 “Burukai pakukudzwa kwenyu mugare pavhu rakaoma, imi vagari voMwanasikana weDhibhoni, nokuti iye anoparadza Moabhu achauya kuzokurwisai, uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa.
“Sauko daga darajarku ku zauna a busasshiyar ƙasa, Ya mazaunan Diyar Dibon, gama shi mai hallaka Mowab zai haura a kanku zai kuma lalace biranenku masu kagarai.
19 Mirai panzira mutarire, imi vagari vemuAroeri. Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka, muvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’
Ku tsaya a bakin hanya ku duba, ku da kuke zama a Arower. Ku tambayi mutumin da yake gudu da macen da take tserewa, tambaye su, ‘Me ya faru?’
20 Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa. Ungudzai uye muridze mhere! Zvizivisei paArinoni kuti Moabhu yaparadzwa.
An kunyata Mowab, gama ta wargaje. Ku yi kuka ku kuma tā da murya! Ku yi shela kusa da Arnon cewa an hallaka Mowab.
21 Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira, kuHoroni, Jahaza neMefaati,
Hukunci ya zo wa tudu, zuwa Holon, Yahza da Mefa’at,
22 kuDhibhoni, Nebho neBheti Dhibhirataimu,
zuwa Dibon, Nebo da Bet-Dibilatayim,
23 kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,
zuwa Kiriyatayim, Bet-Gamul da Bet-Meyon,
24 kuKerioti neBhozira, nokumaguta ose eMoabhu ari kure neari pedyo.
zuwa Keriyot da Bozra zuwa dukan garuruwan Mowab, nesa da kusa.
25 Runyanga rweMoabhu rwagurwa; ruoko rwake rwavhunika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
An karye ƙahon Mowab; an karye hannunta,” in ji Ubangiji.
26 “Itai kuti adhakwe, nokuti iye azvidza Jehovha. Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake; ngaave chinhu chinosekwa.
“Ku bugar da ita domin ta tayar wa Ubangiji. Bari Mowab tă yi ta birgima a cikin amanta; bari tă zama abin dariya.
27 Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here? Ko, akabatwa ari pakati pembavha here, zvamunodzungudza musoro wenyu muchimushora pose pamunotaura nezvake?
Isra’ila ma bai zama abin dariya a gare ki ba? Ba a kama shi cikin ɓarayi, har kaɗa kai na ba’a kike yi a duka sa’ad da kike magana game da shi?
28 Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo, imi mugere muMoabhu. Itai senjiva inovaka dendere rayo pamuromo webako.
Ku bar garuruwanku ku zauna a cikin duwatsu, ku da kuke zama a Mowab. Ku zama kamar kurciyar da take sheƙarta a bakin kogo.
29 “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu, manyawi nokudada kwavo kukuru uye kuzvikudza kwakanyanya, kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo.
“Mun ji labarin girman kan Mowab mun ji alfarma girmankanta da kumburinta girmankanta da fariyarta da renin zuciyarta.
30 Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva.
Na san alfarmanta amma a banza ne,” in ji Ubangiji, “kuma taƙamarta ba ya cimma kome.
31 Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu, nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira, ndinochema varume veKiri Hareseti.
Saboda haka zan yi kuka a kan Mowab gama dukan Mowab zan yi kuka, Zan yi gurnani don mutanen Kir Hareset.
32 Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri, haiwa imi mazambiringa eGibhima. Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa; akandosvika kugungwa reJazeri. Muparadzi awira pamichero yako yaibva namazambiringa.
Zan yi kuka saboda kai, yadda Yazer ya yi kuka Ya kuringar Sibma. Rassanki sun kai har teku; sun kai har tekun Yazer. Mai hallakarwa ya fāɗo a kan’ya’yan itatuwanku da kuma inabinku da suka nuna.
33 Mufaro nokufarisisa zvaenda, zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu. Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro; hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro. Kunyange pano kudanidzira, hakusi kudanidzira kwomufaro.
Farin ciki da murna su ɓace daga lambunan itatuwa da kuma gonakin Mowab. Na dakatar da malalar ruwan inabi daga wurin matsi; ba wanda zai matse su da ihun farin ciki. Ko da yake akwai sowa sowar ba ta farin ciki ba ce.
34 “Inzwi rokuchema kwavo rinokwira richibva kuHeshibhoni kusvikira kuErieri neJahazi, kubva kuZoari kusvikira kuHoronaimi neEgirati Sherishiya, nokuti kunyange nemvura dzeNimirimi dzapwa.
“Muryar kukansu na tashi daga Heshbon zuwa Eleyale da Yahaz, daga Zowar har zuwa Horonayim da Eglat Shelishiya, gama har ruwan Nimrim ma sun bushe.
35 Ndichaisa magumo muMoabhu, kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira, uye vanopisira zvinonhuhwira kuna vamwari vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
A Mowab zan kawo ƙarshen waɗanda suke miƙa hadayu a masujadan kan tudu suna kuma ƙone turare ga allolinsu,” in ji Ubangiji.
36 “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu; unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti. Pfuma yavakawana yapera.
“Saboda haka zuciyata na makoki don Mowab kamar busa; tana makoki kamar busa saboda mutanen Kir Hareset. Arzikin da suka samu ta ƙare.
37 Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzakagurirwa; ruoko rumwe norumwe rwakagurwa, uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga.
An aske kowane kai aka kuma yanke kowane gemu aka kuma sa wa kowane kwankwaso rigar makoki.
38 Pamusoro pamatenga ose eMoabhu napazvivara hakuna chiriko kunze kwokuchema, nokuti ndaputsa Moabhu sedende risina anorida,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
A kan dukan rufi a Mowab da kuma a dandalin jama’a babu wani abu sai kuka gama na karye Mowab kamar tulun da babu mai so,” in ji Ubangiji.
39 “Akoromorwa sei! Vaungudza sei! Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa! Moabhu yava chinhu chinosekwa, chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.”
“Duba yadda aka ragargazar ta ita! Duba yadda suke kuka! Duba yadda Mowab ta juya bayanta da kunya! Mowab ta zama abin ba’a abin tsoro ga dukan waɗanda suke kewaye da ita.”
40 Zvanzi naJehovha: “Tarirai achabhururuka segondo, rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu.
Ga abin da Ubangiji yana cewa, “Ga shi! Gaggafa tana firiya zuwa ƙasa, tana shimfiɗa fikafikanta a kan Mowab.
41 Kerioti ichatapwa uye nhare dzichatorwa. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.
Za a ci Keriyot a kuma kame kagarai. A wannan rana zukatan jarumawan Mowab za su zama kamar zuciyar macen da take naƙuda.
42 Moabhu ichaparadzwa serudzi nokuti yakazvidza Jehovha.
Za a hallakar da Mowab a matsayin al’umma domin ta tayar wa Ubangiji.
43 Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai, imi vanhu veMoabhu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Razana da rami da tarko suna jiranku, Ya mutanen Mowab,” in ji Ubangiji.
44 “Ani naani achatiza njodzi iyi achawira mugomba, ani naani achakwira achibuda mugomba, achabatwa mumusungo; nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu gore rokurangwa kwake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Duk wanda ya gudu daga razana zai fāɗa cikin rami, duk wanda ya haura daga rami zai fāɗa cikin tarko; gama zan kawo wa Mowab shekarar hukuncinta,” in ji Ubangiji.
45 “Mumumvuri weHeshibhoni vatizi vanomirapo vasina simba, nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni, murazvo pakati peSihoni; unopisa huma dzaMoabhu, misoro yavanozvikudza vemheremhere.
“A ƙarƙashin Heshbon masu gudun hijira suna tsaye ba mai taimako, gama wuta ta mutu daga Heshbon, harshen wuta daga tsakiyar Sihon; ta ƙone goshin Mowab, ƙoƙon kai na’yan tayarwa masu surutu.
46 Une nhamo, iwe Moabhu! Vanhu veKemoshi vaparara; vanakomana vako vakaendeswa kuutapwa navanasikana vako muutapwa.
Kaitonki, ya Mowab! Mutanen Kemosh sun hallaka; an kai’ya’yanki maza daurin talala’ya’yanki mata zaman bauta.
47 “Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhu pamazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu.
“Duk da haka zan maido da wadatar Mowab a kwanaki masu zuwa,” in ji Ubangiji. A nan hukuncin Mowab ya ƙare.