< Jeremia 48 >

1 Pamusoro peMoabhu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: “Ine nhamo Nebho, nokuti ichaparadzwa. Kiriataimi ichanyadziswa uye ichakundwa; nhare dzichanyadziswa uye dzichaparadzwa.
καὶ ἐγένετο τῷ μηνὶ τῷ ἑβδόμῳ ἦλθεν Ισμαηλ υἱὸς Ναθανιου υἱοῦ Ελασα ἀπὸ γένους τοῦ βασιλέως καὶ δέκα ἄνδρες μετ’ αὐτοῦ πρὸς Γοδολιαν εἰς Μασσηφα καὶ ἔφαγον ἐκεῖ ἄρτον ἅμα
2 Moabhu haichazorumbidzwizve; muHeshibhoni varume vacharangana nezvokuwa kwaro, vachiti: ‘Uyai, tiparadze rudzi urwo.’ Newewo, iwe Madhimeni uchati mwiro; munondo uchakutevera.
καὶ ἀνέστη Ισμαηλ καὶ οἱ δέκα ἄνδρες οἳ ἦσαν μετ’ αὐτοῦ καὶ ἐπάταξαν τὸν Γοδολιαν ὃν κατέστησεν βασιλεὺς Βαβυλῶνος ἐπὶ τῆς γῆς
3 Inzwai kuchema kunobva kuHoronaimi, kuchema kwokukoromorwa nokuparadzwa kukuru.
καὶ πάντας τοὺς Ιουδαίους τοὺς ὄντας μετ’ αὐτοῦ ἐν Μασσηφα καὶ πάντας τοὺς Χαλδαίους τοὺς εὑρεθέντας ἐκεῖ
4 Moabhu ichaputswa; vana vadiki varo vacharidza mhere.
καὶ ἐγένετο τῇ ἡμέρᾳ τῇ δευτέρᾳ πατάξαντος αὐτοῦ τὸν Γοδολιαν καὶ ἄνθρωπος οὐκ ἔγνω
5 Vachakwira nomukwidza weRuhiti, vachichema zvikuru pakuenda kwavo; pamateru enzira yokuHoronaimi kuchema kwokurwadziwa pamusoro pokuparadza kunonzwika.
καὶ ἤλθοσαν ἄνδρες ἀπὸ Συχεμ καὶ ἀπὸ Σαλημ καὶ ἀπὸ Σαμαρείας ὀγδοήκοντα ἄνδρες ἐξυρημένοι πώγωνας καὶ διερρηγμένοι τὰ ἱμάτια καὶ κοπτόμενοι καὶ μαναα καὶ λίβανος ἐν χερσὶν αὐτῶν τοῦ εἰσενεγκεῖν εἰς οἶκον κυρίου
6 Tizai! Mhanyai muponese upenyu hwenyu; mufanane negwenzi riri mugwenga.
καὶ ἐξῆλθεν εἰς ἀπάντησιν αὐτοῖς Ισμαηλ αὐτοὶ ἐπορεύοντο καὶ ἔκλαιον καὶ εἶπεν αὐτοῖς εἰσέλθετε πρὸς Γοδολιαν
7 Sezvo muchivimba namabasa uye nepfuma yenyu, nemiwo muchatapwa, uye Kemoshi ichaenda kuutapwa, pamwe chete navaprista namachinda ayo.
καὶ ἐγένετο εἰσελθόντων αὐτῶν εἰς τὸ μέσον τῆς πόλεως ἔσφαξεν αὐτοὺς εἰς τὸ φρέαρ
8 Muparadzi acharwa namaguta ose ose, uye hapana guta richapunyuka. Mupata uchaparadzwa, uye mutunhu wakakwirira uchaparadzwa nokuti Jehovha azvitaura.
καὶ δέκα ἄνδρες εὑρέθησαν ἐκεῖ καὶ εἶπαν τῷ Ισμαηλ μὴ ἀνέλῃς ἡμᾶς ὅτι εἰσὶν ἡμῖν θησαυροὶ ἐν ἀγρῷ πυροὶ καὶ κριθαί μέλι καὶ ἔλαιον καὶ παρῆλθεν καὶ οὐκ ἀνεῖλεν αὐτοὺς ἐν μέσῳ τῶν ἀδελφῶν αὐτῶν
9 Isai munyu pamusoro peMoabhu, nokuti ichaparadzwa; maguta ayo achava matongo, asina achazogaramo.
καὶ τὸ φρέαρ εἰς ὃ ἔρριψεν ἐκεῖ Ισμαηλ πάντας οὓς ἐπάταξεν φρέαρ μέγα τοῦτό ἐστιν ὃ ἐποίησεν ὁ βασιλεὺς Ασα ἀπὸ προσώπου Βαασα βασιλέως Ισραηλ τοῦτο ἐνέπλησεν Ισμαηλ τραυματιῶν
10 “Ngaatukwe uyo anobata basa raJehovha asina hanya! Ngaatukwe uyo anodzora munondo wake pakuteura ropa!
καὶ ἀπέστρεψεν Ισμαηλ πάντα τὸν λαὸν τὸν καταλειφθέντα εἰς Μασσηφα καὶ τὰς θυγατέρας τοῦ βασιλέως ἃς παρεκατέθετο ὁ ἀρχιμάγειρος τῷ Γοδολια υἱῷ Αχικαμ καὶ ᾤχετο εἰς τὸ πέραν υἱῶν Αμμων
11 “Moabhu anga ane zororo kubvira pauduku hwake, sewaini yasarira mumasese, isina kudirwa kubva muno mumwe mudziyo ichiiswa muno mumwe, haana kuenda kuutapwa. Saka anongotapira sezvaakanga ari, uye kunhuhwira kwake hakuna kushanduka.
καὶ ἤκουσεν Ιωαναν υἱὸς Καρηε καὶ πάντες οἱ ἡγεμόνες τῆς δυνάμεως οἱ μετ’ αὐτοῦ πάντα τὰ κακά ἃ ἐποίησεν Ισμαηλ
12 Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andichatuma varume vanodurura zvinobva mumudziyo, uye vachadururira pasi; vachasiya midziyo isina chinhu uye vagoputsa midziyo yake.
καὶ ἤγαγον ἅπαν τὸ στρατόπεδον αὐτῶν καὶ ᾤχοντο πολεμεῖν αὐτὸν καὶ εὗρον αὐτὸν ἐπὶ ὕδατος πολλοῦ ἐν Γαβαων
13 Ipapo Moabhu achanyadziswa neKemoshi, sokunyadziswa kwakaitwa imba yaIsraeri pavakavimba neBheteri.
καὶ ἐγένετο ὅτε εἶδον πᾶς ὁ λαὸς ὁ μετὰ Ισμαηλ τὸν Ιωαναν καὶ τοὺς ἡγεμόνας τῆς δυνάμεως τῆς μετ’ αὐτοῦ
14 “Ungataura sei, uchiti, ‘Tiri mhare, varume vakatsunga muhondo’?
καὶ ἀνέστρεψαν πρὸς Ιωαναν
15 Moabhu ichaparadzwa, uye maguta ayo acharwiswa; majaya ake akaisvonaka achaburukira kundourayiwa,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.
καὶ Ισμαηλ ἐσώθη σὺν ὀκτὼ ἀνθρώποις καὶ ᾤχετο πρὸς τοὺς υἱοὺς Αμμων
16 “Kuwa kweMoabhu kwava pedyo; njodzi yayo ichasvika nokukurumidza.
καὶ ἔλαβεν Ιωαναν καὶ πάντες οἱ ἡγεμόνες τῆς δυνάμεως οἱ μετ’ αὐτοῦ πάντας τοὺς καταλοίπους τοῦ λαοῦ οὕς ἀπέστρεψεν ἀπὸ Ισμαηλ δυνατοὺς ἄνδρας ἐν πολέμῳ καὶ τὰς γυναῖκας καὶ τὰ λοιπὰ καὶ τοὺς εὐνούχους οὓς ἀπέστρεψεν ἀπὸ Γαβαων
17 Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza, vose vanoziva mukurumbira wayo; muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba, wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’
καὶ ᾤχοντο καὶ ἐκάθισαν ἐν Γαβηρωθ‐χαμααμ τὴν πρὸς Βηθλεεμ τοῦ πορευθῆναι εἰσελθεῖν εἰς Αἴγυπτον
18 “Burukai pakukudzwa kwenyu mugare pavhu rakaoma, imi vagari voMwanasikana weDhibhoni, nokuti iye anoparadza Moabhu achauya kuzokurwisai, uye agoparadza maguta enyu akakomberedzwa.
ἀπὸ προσώπου τῶν Χαλδαίων ὅτι ἐφοβήθησαν ἀπὸ προσώπου αὐτῶν ὅτι ἐπάταξεν Ισμαηλ τὸν Γοδολιαν ὃν κατέστησεν βασιλεὺς Βαβυλῶνος ἐν τῇ γῇ
19 Mirai panzira mutarire, imi vagari vemuAroeri. Bvunzai murume ari kutiza nomukadzi apunyuka, muvabvunze kuti, ‘Chii chaitika?’
20 Moabhu yanyadziswa, nokuti yaparadzwa. Ungudzai uye muridze mhere! Zvizivisei paArinoni kuti Moabhu yaparadzwa.
21 Kutonga kwasvika kumutunhu wakakwirira, kuHoroni, Jahaza neMefaati,
22 kuDhibhoni, Nebho neBheti Dhibhirataimu,
23 kuKiriataimu, neBheti Gamuri neBheti Meoni,
24 kuKerioti neBhozira, nokumaguta ose eMoabhu ari kure neari pedyo.
25 Runyanga rweMoabhu rwagurwa; ruoko rwake rwavhunika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
26 “Itai kuti adhakwe, nokuti iye azvidza Jehovha. Regai Moabhu aumburuke mumarutsi ake; ngaave chinhu chinosekwa.
27 Ko, Israeri haana kuva chinhu chinosekwa nemi here? Ko, akabatwa ari pakati pembavha here, zvamunodzungudza musoro wenyu muchimushora pose pamunotaura nezvake?
28 Siyai maguta enyu mundogara pakati pamatombo, imi mugere muMoabhu. Itai senjiva inovaka dendere rayo pamuromo webako.
29 “Takanzwa nezvokuzvikudza kweMoabhu, manyawi nokudada kwavo kukuru uye kuzvikudza kwakanyanya, kuzvikudza kwavo nokuzvitutumadza namanyawi emwoyo wayo.
30 Ndinoziva kusindimara kwayo asi hakuna maturo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye kuzvikudza kwake kuzhinji hakuna zvakunoreva.
31 Naizvozvo ndinoungudza pamusoro peMoabhu, nokuda kweMoabhu yose ndinodanidzira, ndinochema varume veKiri Hareseti.
32 Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri, haiwa imi mazambiringa eGibhima. Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa; akandosvika kugungwa reJazeri. Muparadzi awira pamichero yako yaibva namazambiringa.
33 Mufaro nokufarisisa zvaenda, zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu. Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro; hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro. Kunyange pano kudanidzira, hakusi kudanidzira kwomufaro.
34 “Inzwi rokuchema kwavo rinokwira richibva kuHeshibhoni kusvikira kuErieri neJahazi, kubva kuZoari kusvikira kuHoronaimi neEgirati Sherishiya, nokuti kunyange nemvura dzeNimirimi dzapwa.
35 Ndichaisa magumo muMoabhu, kuna avo vanopa zvipiriso panzvimbo dzakakwirira, uye vanopisira zvinonhuhwira kuna vamwari vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
36 “Saka mwoyo wangu unorira senyere pamusoro peMoabhu; unorira senyere pamusoro pavarume veKiri Hareseti. Pfuma yavakawana yapera.
37 Musoro mumwe nomumwe wakaveurwa, uye ndebvu dzose dzakagurirwa; ruoko rumwe norumwe rwakagurwa, uye zviuno zvose zvakafukidzwa namasaga.
38 Pamusoro pamatenga ose eMoabhu napazvivara hakuna chiriko kunze kwokuchema, nokuti ndaputsa Moabhu sedende risina anorida,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
39 “Akoromorwa sei! Vaungudza sei! Hoyo Moabhu afuratira nokuda kwokunyadziswa! Moabhu yava chinhu chinosekwa, chinhu chinonyangadza kuna vose vakaipoteredza.”
40 Zvanzi naJehovha: “Tarirai achabhururuka segondo, rakatambanudzira mapapiro aro pamusoro peMoabhu.
41 Kerioti ichatapwa uye nhare dzichatorwa. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.
42 Moabhu ichaparadzwa serudzi nokuti yakazvidza Jehovha.
43 Kutya negomba nomusungo zvakakumirirai, imi vanhu veMoabhu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
44 “Ani naani achatiza njodzi iyi achawira mugomba, ani naani achakwira achibuda mugomba, achabatwa mumusungo; nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu gore rokurangwa kwake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
45 “Mumumvuri weHeshibhoni vatizi vanomirapo vasina simba, nokuti moto wabuda uchibva kuHeshibhoni, murazvo pakati peSihoni; unopisa huma dzaMoabhu, misoro yavanozvikudza vemheremhere.
46 Une nhamo, iwe Moabhu! Vanhu veKemoshi vaparara; vanakomana vako vakaendeswa kuutapwa navanasikana vako muutapwa.
47 “Kunyange zvakadaro ndichadzosazve pfuma yeMoabhu pamazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha. Pano ndipo panogumira kutongwa kweMoabhu.

< Jeremia 48 >