< Jeremia 46 >
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Jeremia muprofita pamusoro pendudzi:
Kino kye kigambo kya Mukama Katonda ekyajjira nnabbi Yeremiya ekikwata ku mawanga:
2 Pamusoro peIjipiti: Iri ndiro shoko pamusoro pehondo yaFaro Neko mambo weIjipiti, yakakundwa paKarikemishi, paRwizi Yufuratesi naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi mugore rechina raJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha:
Ebikwata ku Misiri: Buno bwe bubaka obukwata ku ggye lya Falaawo Neko kabaka w’e Misiri, eryawangulwa e Kalukemisi, Nebukadduneeza kabaka w’e Babulooni lye yakuba mu mwaka ogwokuna ogw’obufuzi bwa Yekoyakimu mutabani wa Yosiya kabaka wa Yuda ku Mugga Fulaati.
3 “Gadzirai nhoo dzenyu, dzose huru neduku, mubude kundorwa!
“Mutegeke engabo zammwe, ennene n’entono mukumbe okugenda mu lutalo!
4 Sungai mabhiza, sungirirai zvigaro! Mirai panzvimbo yenyu makapfeka nguwani! Rodzai mapfumo enyu, pfekai nguo dzenyu dzokurwa!
Mutegeke embalaasi muzeebagale! Muyimirire mu bifo byammwe n’esseppeewo zammwe! Muzigule amafumu, mwambale ebizibaawo eby’ebyuma!
5 Ndinooneiko? Vavhundutswa, vari kudzokera shure, mhare dzavo dzakundwa. Vari kutiza nokukurumidza vasingacheuki, uye pano kutya kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Kiki kye ndaba? Batidde, badda ennyuma, abalwanyi baabwe bawanguddwa. Badduka mu bwangu awatali kutunula mabega, era waliwo okufa ku buli luuyi,” bw’ayogera Mukama Katonda.
6 Vanogona kumhanya havangatizi, uye vakasimba havangapunyuki. Nechokumusoro paRwizi Yufuratesi vanogumburwa vagowa.
“Abawenyusi b’embiro tebasobola kuwona n’ab’amaanyi tebasobola kwewonya. Beesittala ne bagwa mu bukiikakkono obw’Omugga Fulaati.
7 Ndianiko uyu anozara serwizi Nairi, senzizi dzamapopopo emvura?
“Ani oyo ayimuka ng’omugga Kiyira, ng’emigga egy’amazzi agabimba?
8 Ijipiti yazara seNairi, senzizi dzamapopopo. Inoti, “Ndichazara ndigofukidza nyika; ndichaparadza maguta navanhu vawo.”
Misiri eyimuka nga Kiyira, ng’emigga egy’amazzi agabimba. Agamba nti, ‘Ndisituka ne mbuutikira ensi yonna. Ndizikiriza ebibuga n’abantu baabyo.’
9 Virimai, imi mabhiza! Chairai nehasha, imi vatasvi vengoro! Fambirai mberi, imi mhare, varume veEtiopia nePuti vanoitakura nhoo, varume veRidhia vanowembura uta.
Mulumbe, mmwe embalaasi! Muzidduse n’amaanyi, mmwe abalwanyi b’oku mbalaasi! Mukumbe mmwe abalwanyi, abasajja b’e Kuusi ne Puuti abeettika engabo, abasajja b’e Luudi abakozesa obusaale.
10 Asi zuva iro nderaShe, iye Jehovha Wamasimba Ose, iro zuva rokutsiva, rokutsiva vavengi vake. Munondo uchadya kusvikira waguta, kusvikira wapodza nyota yawo neropa. Nokuti Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, achabayira chibayiro kunyika yokumusoro paRwizi Yufuratesi.
Naye olunaku olwo lwa Mukama, Mukama Katonda ow’Eggye, olunaku olw’okuwalanirako eggwanga, olw’okusalira abalabe omusango. Ekitala kijja kulya nga kimaliddwa, okutuusa nga kyemazeeko ennyonta y’omusaayi. Kubanga Mukama, Mukama Katonda ow’Eggye, alibawaayo babeere ng’ekiweebwayo mu nsi ey’obukiikakkono ku Mugga Fulaati.
11 “Kwidza kuGireadhi undotora bharimu, iwe Mwanasikana Mhandara yeIjipiti. Asi unongowanza mishonga pasina; kuporeswa kwako hapana.
“Genda e Gireyaadi ofune eddagala ery’okusaaba, ggwe Omuwala Embeerera owa Misiri. Naye mwongerera bwereere obujjanjabi; temujja kuwonyezebwa.
12 Ndudzi dzichanzwa nezvokunyadziswa kwako; kuchema kwako kuchazadza nyika. Mhare ichabondera pane imwe mhare; vachawira pasi pamwe chete.”
Amawanga gajja kuwulira obuswavu bwammwe; emiranga gyammwe gijja kujjuza ensi. Omulwanyi omu alitomera omulala bombi ne bagwa.”
13 Iri ndiro shoko rakataurwa naJehovha kuna Jeremia muprofita, pamusoro pokuuya kwaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi kuzorwa neIjipiti achiti:
Buno bwe bubaka Mukama Katonda bwe yayogera eri nnabbi Yeremiya ku bikwata ku kujja kwa Nebukadduneeza kabaka w’e Babulooni okulumba Misiri:
14 “Zivisai izvi muIjipiti, mugozviparidza paMigidhori; zviparidzeiwo paNofi neTapanesi muchiti: ‘Torai nzvimbo yenyu uye muzvigadzirire, nokuti munondo unodya vakakupoteredzai.’
“Langirira kino mu Misiri, era okyogere e Migudooli; kirangirire e Tapaneese ne Noofu nti, ‘Muyimirire mu bifo byammwe mwetegeke kubanga ekitala kirya abo ababeetoolodde.’
15 Ko, mhare dzenyu dzingadzikisirwei? Havangagoni kumira, nokuti Jehovha achavadzikisa pasi.
Lwaki abalwanyi bo bagudde wansi? Tebasobola kuyimirira, kubanga Mukama Katonda ajja kubasindika wansi.
16 Vacharamba vachingogumburwa; vachawa mumwe nomumwe pamusoro pomumwe. Vachati, ‘Simukai, ngatidzokerei kuvanhu vokwedu nokunyika yedu, kure nomunondo womumanikidzi wedu.’
Balyesittala emirundi egiwera; baligwiragana. Bagambe nti, ‘Yimuka, tuddeyo eri abantu baffe era n’ensi zaffe, tuve awali ekitala ky’oyo atunyigiriza.’
17 Ikoko vachadanidzira vachiti, ‘Faro mambo weIjipiti anongova ruzha chete; akatadza kushandisa mukana wake.’
Eyo gye baliwowogganira nti, ‘Falaawo kabaka w’e Misiri mulekaanyi bulekaanyi afiiriddwa omukisa gwe.’
18 “Zvirokwazvo noupenyu hwangu,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose, “pano mumwe achauya akaita seTabhori pakati pamakomo, seKarimeri pagungwa.
“Nga bwe ndi omulamu,” bw’ayogera oyo Kabaka ayitibwa Mukama Katonda ow’Eggye, “Waliwo alijja ali nga Taboli wakati mu nsozi, nga Kulumeeri ku nnyanja.
19 Rongedzai zvinhu zvenyu, nokuti muchaenda kuutapwa, imi munogara muIjipiti, nokuti Nofi richaitwa dongo, uye richava dongo risina anogaramo.
Musibe engugu zammwe muwaŋŋanguke, mmwe abali mu Misiri kubanga Noofu kirifuuka matongo, ekiryaawo omutali bantu.
20 “Ijipiti itsiru rakaisvonaka, asi vuvo riri kuuya kuzorwisa richibva kumusoro.
“Misiri nte nduusi nnungi nnyo, naye kawawa avudde mu bukiikakkono azze okumulumba.
21 Varwi vanorwa kuti varipirwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachatendeuka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri panzvimbo yavo, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, nguva yokurangwa kwavo.
N’abajaasi be abapangise bagezze ng’ennyana. Nabo bajja kukyuka badduke, tebaasobole kuyimirirawo, kubanga olunaku olw’ekikangabwa lubajjira, ekiseera kyabwe eky’okubonerezebwa kisembedde.
22 Ijipiti ichashinyira senyoka inotiza pakuuya nechisimba kwomuvengi; vachauya kuzorwa nayo namatemo, savarume vanotema miti.
Misiri alikaaba ng’omusota ogudduka, omulabe alimulumba mu maanyi, amujjire n’embazzi, ng’abatemi b’emiti.
23 Vachatemera sango raro pasi,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kunyange risingapindiki zvaro. Vakawanda kupfuura mhashu, havaverengeki.
Balitema ekibira kye,” bw’ayogera Mukama Katonda, “newaakubadde nga kikutte nnyo. Bangi n’okusinga enzige, tebasobola kubalika.
24 Mwanasikana weIjipiti achanyadziswa, achaiswa mumaoko avanhu vokumusoro.”
Muwala wa Misiri aliswazibwa, aweebweyo mu mukono gw’abo abava mu bukiikakkono.”
25 Jehovha Wamasimba Ose, Mwari weIsraeri, anoti, “Ndava pedyo nokuuyisa shamhu pamusoro paAmoni mwari weTebhesi, napamusoro paFaro, neIjipiti navamwari vayo namadzimambo ayo, napamusoro peavo vanovimba naFaro.
Mukama ow’Eggye, Katonda wa Isirayiri, agamba nti, “Nnaatera okuleeta ekibonerezo ku Amoni katonda w’e Tebeesi, ne ku Falaawo, ne ku Misiri, ne ku bakatonda be, ne ku bakabaka be, ne ku abo abeesiga Falaawo.
26 Ndichavaisa mumaoko eavo vanotsvaka kuvauraya, nokuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi namachinda ake. Shure kwaizvozvo, Ijipiti ichagarwa sepamazuva akare,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ndibawaayo eri abo abaagala okubatta, eri Nebukadduneeza kabaka w’e Babulooni n’abakungu be. Wabula oluvannyuma, Misiri eribeeramu abantu nga bwe yali edda,” bw’ayogera Mukama Katonda.
27 “Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka, iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, nezvizvarwa zvako kubva kunyika youtapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa.
“Totya, ggwe Yakobo omuweereza wange; toggwaamu maanyi, ggwe Isirayiri. Ddala ddala ndikununula okuva mu kifo eky’ewala, n’ezzadde lyo ndinunule okuva mu nsi ey’obuwaŋŋanguse bwalyo. Yakobo aliddamu okufuna emirembe n’atebenkera, era tewali alimutiisa.
28 Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.”
Totya, ggwe Yakobo omuddu wange, kubanga ndi naawe,” bw’ayogera Mukama. “Wadde nga nazikiririza ddala amawanga gonna gye nabasaasaanyiza, naye mmwe siribazikiririza ddala. Ndibabonereza naye mu bwenkanya; siribaleka nga temubonerezebbwa.”