< Jeremia 43 >
1 Jeremia akati apedza kuudza vanhu mashoko ose aJehovha Mwari wavo, zvose zvaakanga atumwa naJehovha kuti avaudze,
エレミヤがすべての民にむかって、彼らの神、主の言葉をことごとく語り、彼らの神、主が自分をつかわして言わせられるその言葉をみな告げ終った時、
2 Azaria mwanakomana waHoshaya naJohanani mwanakomana waKarea navarume vose vaizvikudza vakati kuna Jeremia, “Unoreva nhema iwe! Jehovha Mwari wedu haana kukutuma kuti uzoti, ‘Hamufaniri kuenda kuIjipiti kundogara ikoko.’
ホシャヤの子アザリヤと、カレヤの子ヨハナンおよび高慢な人々はみなエレミヤに言った、「あなたは偽りを言っている。われわれの神、主が、『エジプトへ行ってそこに住むな』と言わせるためにあなたをつかわされたのではない。
3 Asi Bharuki mwanakomana waNeria ndiye anokukurudzirai pamusoro pedu kuti tiendeswe kuvaBhabhironi, kuti vagotiuraya kana kutitora vachitiendesa kuBhabhironi.”
ネリヤの子バルクがあなたをそそのかして、われわれに逆らわせ、われわれをカルデヤびとの手に渡して殺すか、あるいはバビロンに捕え移させるのだ」。
4 Naizvozvo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo navanhu vose havana kuteerera murayiro waJehovha kuti vagare munyika yeJudha.
こうしてカレヤの子ヨハナンと軍勢の長たちおよび民らは皆、主の声にしたがわず、ユダの地にとどまろうとしなかった。
5 Panzvimbo paizvozvo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vakatora vakasara vose veJudha vakanga vadzoka kuzogara munyika yeJudha kubva kundudzi dzose kwavakanga vaparadzirwa.
そしてカレヤの子ヨハナンと軍勢の長たちは、ユダに残っている者すなわち追いやられた国々からユダの地に住むために帰ってきた者、
6 Vakatorawo varume vose, vakadzi navana navanasikana vamambo vakanga vasiyiwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo kuna Gedharia mwanakomana waShafani, naJeremia muprofita uye naBharuki mwanakomana waNeria.
男、女、子供、王の娘たち、およびすべて侍衛の長ネブザラダンがシャパンの子であるアヒカムの子ゲダリヤに渡しておいた者、ならびに預言者エレミヤとネリヤの子バルクをつれて、
7 Saka vakapinda muIjipiti vasingateereri Jehovha vakaenda zvokutosvika kuTapanesi.
エジプトの地へ行った。彼らは主の声にしたがわなかったのである。そして彼らはついにタパネスに行った。
8 Vari paTapanesi, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
主の言葉はタパネスでエレミヤに臨んだ、
9 “Tora mabwe makuru uavige mudhaka pakati pezvitinha panopindwa napo kumuzinda waFaro uri paTapanesi, vaJudha vakatarisa.
「大きな石を手に取り、ユダの人々の目の前で、これをタパネスにあるパロの宮殿の入口の敷石のしっくいの中に隠して、
10 Ipapo uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndichatuma shoko kumuranda wangu Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, uye ndichaisa chigaro chake choushe pamusoro pamabwe aya andaviga pano; achatambanudza denga rake roushe pamusoro pawo.
彼らに言いなさい、『万軍の主、イスラエルの神はこう言われる、見よ、わたしは使者をつかわして、わたしのしもべであるバビロンの王ネブカデレザルを招く。彼はその位をこの隠した石の上にすえ、その上に王の天蓋を張る。
11 Achauya agorwisa Ijipiti, achivigira rufu kuna avo vakatongerwa rufu, kutapwa kuna vakatongerwa utapwa, nomunondo kuna avo vakatongerwa munondo.
彼は来てエジプトの地を撃ち、疫病に定まっている者を疫病に渡し、とりこに定まっている者をとりこにし、つるぎに定まっている者をつるぎにかける。
12 Achapisa temberi dzavamwari veIjipiti; achapisa temberi dzavo agotapa vamwari vavo. Sokumonera kunoita mufudzi nguo yake, saizvozvo achamonera nyika yeIjipiti agobvako asina vanga.
彼はエジプトの神々の宮に火をつけてこれを焼き、彼らをとりこにする。そして羊を飼う者が着物の虫をはらいきよめるように、エジプトの地をきよめる。彼は安らかにそこを去る。
13 Imomo, mutemberi yezuva iri muIjipiti, achaputsa mbiru dzinoera uye achapisa temberi dzavamwari veIjipiti.’”
彼はエジプトの地にあるヘリオポリスのオベリスクをこわし、エジプトの神々の宮を火で焼く』」。