< Jeremia 42 >
1 Ipapo vakuru vose vehondo, pamwe chete naJohanani mwanakomana waKarea naJezania mwanakomana waHoshaya, navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru vakasvika
Alors tous les chefs des troupes, Jochanan, fils de Karéach, Jézania, fils d'Hoshaïa, et tout le peuple, depuis le plus petit jusqu'au plus grand, s'approchèrent,
2 kuna Jeremia muprofita vakati kwaari, “Tapota inzwai chikumbiro chedu mutinyengeterere kuna Jehovha Mwari wenyu nokuda kwavose ava vakasara. Nokuti sezvamunoona zvino, kuti kunyange taiva vazhinji, iye zvino kwangosara vashoma chete.
et dirent à Jérémie, le prophète: « Laisse, je te prie, notre supplication être présentée devant toi, et prie pour nous Yahvé ton Dieu, même pour tout ce reste, car nous ne sommes plus qu'un petit nombre parmi beaucoup, comme tes yeux le voient,
3 Nyengeterai kuti Jehovha Mwari wenyu atiudze kwatinofanira kuenda uye zvatinofanira kuita.”
afin que Yahvé ton Dieu nous montre le chemin que nous devons suivre et les choses que nous devons faire. »
4 Jeremia muprofita akapindura achiti, “Ndakunzwai. Zvirokwazvo ndichakunyengetererai kuna Jehovha Mwari wenyu sezvamakumbira, ndichakuzivisai zvinhu zvose zvicharehwa naJehovha uye handingambokuvanzirai chinhu.”
Alors Jérémie, le prophète, leur dit: « Je vous ai entendus. Voici, je vais prier Yahvé votre Dieu selon vos paroles, et il arrivera que tout ce que Yahvé vous répondra, je vous l'annoncerai. Je ne vous cacherai rien. »
5 Ipapo vakati kuna Jeremia, “Jehovha ngaave chapupu chezvokwadi uye chakatendeka pamusoro pedu kana tisingaiti zvose zvamunenge matumwa naJehovha kuzotiudza.
Et ils dirent à Jérémie: « Que Yahvé soit au milieu de nous un témoin vrai et fidèle, si nous n'agissons pas selon toute la parole que Yahvé, ton Dieu, t'envoie nous dire.
6 Kana zvakanaka, kana zvisina kunaka tichateerera Jehovha Mwari wedu, watinokutumai kwaari kuti zvigotiitira zvakanaka, nokuti tichateerera Jehovha Mwari wedu.”
Qu'elle soit bonne ou qu'elle soit mauvaise, nous obéirons à la voix de l'Éternel, notre Dieu, vers qui nous t'envoyons, afin que tout aille bien pour nous, quand nous obéissons à la voix de l'Éternel, notre Dieu. »
7 Mazuva gumi akati apera, shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia.
Dix jours après, la parole de Yahvé fut adressée à Jérémie.
8 Naizvozvo akaunganidza Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaaiva navo navanhu vose kubva kuvaduku kusvikira kuvakuru.
Il appela Johanan, fils de Karéa, tous les chefs de troupes qui étaient avec lui, et tout le peuple, depuis le plus petit jusqu'au plus grand,
9 Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, iye wamakanditumira kwaari kuti ndisvitse chikumbiro chenyu:
et leur dit: « Yahvé, le Dieu d'Israël, à qui tu m'as envoyé présenter tes supplications devant lui, dit:
10 ‘Kana mukagara munyika ino, ndichakuvakai handizokukoromorei; ndichakusimai uye handingakudzurei, nokuti ndinorwadziwa nokuda kwenjodzi yandakaisa pamusoro penyu.
Si vous vivez encore dans ce pays, je vous bâtirai et ne vous abattrai pas, je vous planterai et ne vous arracherai pas, car je m'afflige de la détresse que je vous ai causée.
11 Musatya mambo weBhabhironi, iye wamunotya zvino. Musamutya, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinemi uye ndichakuponesai nokukuponesai kubva mumaoko ake.
Ne craignez pas le roi de Babylone, dont vous avez peur. N'aie pas peur de lui, dit Yahvé, car je suis avec toi pour te sauver et te délivrer de sa main.
12 Ndichakunzwirai tsitsi kuitira kuti agokunzwirai tsitsi, agokudzoserai kunyika yenyu.’
Je te ferai grâce, afin qu'il ait pitié de toi et que tu retournes dans ton pays.
13 “Kunyange zvakadaro, kana mukati, ‘Hatidi kugara munyika ino,’ nokudaro musingateerere Jehovha Mwari wenyu,
« Mais si vous dites: Nous n'habiterons pas dans ce pays, et que vous n'obéissez pas à la voix de Yahvé votre Dieu,
14 uye kana mukati, ‘Kwete tichaenda kundogara kuIjipiti, kwatisingazooni hondo kana kunzwa hwamanda kana kunzwa nzara yechingwa,’
en disant: Non, mais nous irons au pays d'Égypte, où nous ne verrons pas la guerre, où nous n'entendrons pas le son de la trompette, où nous n'aurons pas faim de pain, et c'est là que nous habiterons »
15 zvino chinzwai shoko raJehovha imi vakasara vaJudha. Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Kana mashinga kuenda kuIjipiti kana mukaenda kundogarako,
écoutez donc la parole de Yahvé, reste de Juda! Yahvé des armées, le Dieu d'Israël, dit: « Si vous vous décidez à entrer en Égypte et à y vivre,
16 ipapo munondo wamunotya uchakukundai ikoko uye nenzara yamunotya ichakuteverai kuIjipiti, uye muchafira ikoko.
l'épée que vous craignez vous atteindra dans le pays d'Égypte, et la famine que vous redoutez vous suivra de près dans ce pays, et vous y mourrez.
17 Zvirokwazvo, vose vashinga kuenda kuIjipiti kundogarako vachafa nomunondo, nenzara uye nedenda; hakuna achasara pakati pavo kana kupukunyuka njodzi yandichauyisa pamusoro pavo.’
Il en sera de même pour tous les hommes qui auront pris le parti d'entrer en Égypte pour y vivre. Ils mourront par l'épée, par la famine et par la peste. Aucun d'eux ne restera ou n'échappera au malheur que je ferai venir sur eux'.
18 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, ‘Sokudururwa kwakaitwa hasha dzangu nokutsamwa kwangu pamusoro peavo vaigara muJerusarema, saizvozvo kutsamwa kwangu kuchadururirwa pamusoro penyu kana maenda kuIjipiti. Muchava chinhu chinotukwa nechinosemwa, nechinomhurwa, nokuzvidzwa; hamuchazombooni nzvimbo ino zvakare.’
Car Yahvé des armées, le Dieu d'Israël, dit: « De même que ma colère et ma fureur se sont déversées sur les habitants de Jérusalem, de même ma fureur se déversera sur vous, quand vous entrerez en Égypte; vous serez un objet d'horreur, d'étonnement, de malédiction et d'opprobre, et vous ne verrez plus ce lieu.
19 “Haiwa imi vakasara veJudha, Jehovha akuudzai kuti, ‘Musaenda kuIjipiti.’ Ivai nechokwadi: ndinokuyambirai nhasi
« Yahvé a parlé à votre sujet, reste de Juda: « N'allez pas en Égypte! ». Sachez bien que je vous ai rendu aujourd'hui ce témoignage.
20 kuti makakanganisa kwazvo pamakandituma kuna Jehovha Mwari wenyu muchiti, ‘Tinyengeterere kuna Jehovha Mwari wedu, utiudze zvose zvaanoreva uye isu tichazviita.’
Car vous avez agi de façon trompeuse contre vos propres âmes; vous m'avez envoyé vers l'Éternel, votre Dieu, en disant: Priez pour nous l'Éternel, notre Dieu; et, selon tout ce que dit l'Éternel, notre Dieu, déclarez-le-nous, et nous le ferons.
21 Ndakuudzai nhasi, asi kunyange zvakadaro hamuna kuteerera Jehovha Mwari wenyu pane zvose zvaakandituma kuzokuzivisai imi.
Je vous l'ai annoncé aujourd'hui, mais vous n'avez pas écouté la voix de l'Éternel, votre Dieu, dans tout ce pour quoi il m'a envoyé vers vous.
22 Saka zvino, ivai nechokwadi nezvizvi: Muchafa nomunondo, nenzara, uye nedenda kunzvimbo yamunoda kuenda kundogara.”
Maintenant, sachez donc avec certitude que vous mourrez par l'épée, par la famine et par la peste dans le lieu où vous voulez aller vivre. »