< Jeremia 41 >

1 Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari worudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wamachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo,
O yılın yedinci ayında kral soyundan ve kralın baş görevlilerinden Elişama oğlu Netanya oğlu İsmail, on adamıyla birlikte Mispa'ya, Ahikam oğlu Gedalya'nın yanına gitti. Orada, Mispa'da birlikte yemek yerlerken,
2 Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo.
Netanya oğlu İsmail'le yanındaki on adam ayağa kalkıp Babil Kralı'nın ülkeye vali atadığı Şafan oğlu Ahikam oğlu Gedalya'yı kılıçla öldürdüler.
3 Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo.
İsmail Mispa'da Gedalya'yla birlikte olan bütün Yahudiler'i ve oradaki Kildan askerlerini de öldürdü.
4 Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva,
Gedalya öldürüldükten bir gün sonra, ölüm haberi duyulmadan önce
5 varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakaveura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo uye vakazvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira kuimba yaJehovha.
Şekem'den, Şilo'dan, Samiriye'den sakallarını tıraş etmiş, giysilerini yırtmış, bedenlerinde yaralar açmış seksen adam geldi. RAB'bin Tapınağı'nda sunmak için yanlarında tahıl, günnük getirmişlerdi.
6 Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”
Netanya oğlu İsmail Mispa'dan ağlaya ağlaya onları karşılamaya çıktı. Onları görünce, “Ahikam oğlu Gedalya'ya gelin” dedi.
7 Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba.
Kente girince, Netanya oğlu İsmail ve yanındakiler onları öldürüp bir sarnıca attılar.
8 Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe.
Ancak onlardan on kişi İsmail'e, “Bizi öldürme!” dediler, “Tarlada saklı buğdayımız, arpamız, zeytinyağımız ve balımız var.” Böylece İsmail vazgeçip onları öbürleriyle birlikte öldürmedi.
9 Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kubva kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa.
İsmail'in öldürdüğü adamların bedenlerini atmış olduğu sarnıç büyüktü. Kral Asa, bu sarnıcı İsrail Kralı Baaşa'dan korunmak için kazmıştı. Netanya oğlu İsmail orayı ölülerle doldurdu.
10 Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.
İsmail, muhafız birliği komutanı Nebuzaradan'ın Ahikam oğlu Gedalya'nın sorumluluğuna bıraktığı Mispa'daki bütün halkı ve kral kızlarını tutsak aldı. Netanya oğlu İsmail tümünü tutsak alıp Ammonlular'a sığınmak üzere yola çıktı.
11 Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania,
Kareah oğlu Yohanan ve yanındaki ordu komutanları, Netanya oğlu İsmail'in işlediği cinayetleri duyunca,
12 vakatora varume vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakanomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni.
bütün adamlarını alıp Netanya oğlu İsmail'le savaşmaya gittiler. Givon'daki büyük havuzun yakınında ona yetiştiler.
13 Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara.
İsmail'in yanındaki adamlar, Kareah oğlu Yohanan ve yanındaki ordu komutanlarını görünce sevindiler.
14 Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.
İsmail'in Mispa'dan tutsak olarak götürdüğü herkes geri dönüp Kareah oğlu Yohanan'a katıldı.
15 Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni.
Netanya oğlu İsmail ve sekiz adamıysa Yohanan'dan kaçıp Ammonlular'a sığındılar.
16 Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kubva kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, vakadzi, vana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni.
Kareah oğlu Yohanan'la yanındaki ordu komutanları sağ kalanların hepsini –Ahikam oğlu Gedalya'yı öldüren Netanya oğlu İsmail'den kurtarıp Givon'dan geri getirdiği yiğit askerleri, kadınları, çocukları, saray görevlilerini– Mispa'dan alıp götürdüler.
17 Vakaenderera mberi ndokunomira vava paGeruti Kimihami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti
Kildaniler'den kaçmak için Mısır'a doğru yola çıktılar. Beytlehem yakınında, Gerut-Kimham'da durdular. Kildaniler'den korkuyorlardı. Çünkü Netanya oğlu İsmail, Babil Kralı'nın ülkeye vali atadığı Ahikam oğlu Gedalya'yı öldürmüştü.
18 kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuti ave mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.

< Jeremia 41 >