< Jeremia 4 >

1 “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve,
“If you return, Israel—this is Yahweh's declaration—then it should be to me that you return. If you remove your detestable things from before me and do not wander from me again,
2 kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”
You must be truthful, just, and righteous when you swear, 'As Yahweh lives.' Then the nations will bless themselves in him, and in him they will glory.”
3 Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema: “Zviundirei gombo murege kudyara pakati peminzwa.
For Yahweh says this to each person in Judah and Jerusalem: 'Plow your own ground, and do not sow among thorns.
4 Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima.
Circumcise yourselves to Yahweh, and remove the foreskins of your heart, men of Judah and inhabitants of Jerusalem, or else my fury will break out like fire, and burn with no one to quench it, because of the wickedness of your deeds.
5 “Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti: ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti: ‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’
Report in Judah and let it be heard in Jerusalem. Say, “Blow the trumpet in the land.” Proclaim, “Gather together. Let us go to the fortified cities.”
6 Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.”
Lift up the signal flag and point it toward Zion, and run for safety! Do not stay, for I am bringing disaster from the north and a great collapse.
7 Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.
A lion is coming out from his thicket and someone who will destroy nations is setting out. He is leaving his place to bring horror to your land, to turn your cities into ruins, where no one will live.
8 Naizvozvo pfekai masaga, chemai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunotyisa hakuna kubva kwatiri.
Because of this, wrap yourself in sackcloth, lament and wail. For the force of Yahweh's anger has not turned away from us.
9 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mambo namachinda vachaora mwoyo, vaprista vachatyiswa, uye vaprofita vachavhundutswa.”
Then it will happen in that day—this is Yahweh's declaration—that the hearts of the king and his officials will die. The priests will be appalled, and the prophets will be horrified.'”
10 Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.”
So I said, “Ah! Lord Yahweh. Surely you have completely deceived this people and Jerusalem by saying, 'There will be peace for you.' Yet the sword is striking against their life.”
11 Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingapepeti kana kunatsa;
In that time it will be said of this people and Jerusalem, “A burning wind from the plains of the desert will make its way to the daughter of my people. It will not winnow or cleanse them.
12 mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”
A wind far stronger than that will come at my command, and I will now pass sentence against them.
13 Tarirai! Ari kuuya samakore, ngoro dzake dzinouya sechamupupuri, mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo, Tine nhamo! Taparara!
See, he is attacking like clouds, and his chariots are like a storm. His horses are faster than eagles. Woe to us, for we will be devastated!
14 Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa. Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?
Cleanse your heart from wickedness, Jerusalem, so that you might be saved. How long will your deepest thoughts be about how to sin?
15 Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani, richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.
For a voice is bringing news from Dan, and the coming disaster is heard from the mountains of Ephraim.
16 “Zivisai izvi kumarudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.
Make the nations think about this: See, announce to Jerusalem that besiegers are coming from a distant land to shout in battle against the cities of Judah.
17 Vanorikomba savanhu vakarinda munda, nokuti rakandimukira,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
They will be like the watchmen of a cultivated field against her all around, since she has been rebellious against me—this is Yahweh's declaration—
18 “Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”
and your conduct and your deeds have done these things to you. This will be your punishment. How terrible it will be! It will strike your very heart.
19 Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! Ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.
My heart! My heart! I am in anguish in my heart. My heart is turbulent within me. I cannot keep quiet for I hear the sound of the horn, an alarm for battle.
20 Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Munguva shoma shoma, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki.
Disaster follows after disaster; for all the land lies in ruins. Suddenly my tents are destroyed, my curtains in a moment.
21 Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko, uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?
How long will I see the standard? Will I hear the sound of the horn?
22 “Vanhu vangu mapenzi; havandizivi ini. Vana vasina pfungwa; havanzwisisi. Vakangwarira kuita zvakaipa; havazivi kuita zvakanaka.”
For the foolishness of my people—they do not know me. They are idiotic people and they have no understanding. They have skill at evil, but do not know to do good.
23 Ndakatarira nyika, yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; uye nokumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.
I saw the land. Behold! It was formless and empty. For there was no light for the heavens.
24 Ndakatarira pamakomo, tarirai, aidengenyeka; zvikomo zvose zvaizeya.
I looked at the mountains. Behold, they were trembling, and all the hills were shaking about.
25 Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu; shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.
I looked. Behold, there was no one, and all the birds of the heavens had fled.
26 Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga; maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha, pamberi pehasha dzake dzinotyisa.
I looked. Behold, the orchards were a wilderness and all the cities had been pulled down before Yahweh, before the fury of his wrath.”
27 Zvanzi naJehovha: “Nyika yose ichaparadzwa, kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.
This is what Yahweh says, “All the land will become a devastation, but I will not completely destroy it.
28 Naizvozvo nyika ichachema uye matenga kumusoro achava rima nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita, ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”
For this reason, the land will mourn, and the heavens above will darken. For I have declared my intentions; I will not hold back; I will not turn from carrying them out.
29 Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo.
Every city will flee from the noise of the cavalry and the archers with a bow; they will run into the forests. Every city will climb up into the rocky places. The cities will be abandoned, for there will be no one to inhabit them.
30 Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, uye unoshongereiko zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya.
Now that you have been devastated, what will you do? For though you dress in scarlet, adorn yourself with gold jewelry, and make your eyes look bigger with paint, the men who lusted for you now reject you. Instead, they are trying to take away your life.
31 Ndiri kunzwa kuchema sekwomukadzi anorwadziwa pakusununguka, kugomera sekwomukadzi opona dangwe rake, kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka, achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe! Ndoziya; upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”
So I hear the sound of anguish, distress as in the birth of a firstborn child, the sound of the daughter of Zion. She is gasping for breath. She spreads out her hands, 'Woe to me! I am fainting because of these murderers.'”

< Jeremia 4 >