< Jeremia 39 >

1 Uku ndiko kutorwa kwakaitwa Jerusarema: Mugore repfumbamwe ramambo Zedhekia mambo weJudha, mumwedzi wegumi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akauya kuzorwisa Jerusarema nehondo yake yose uye akarikomba.
And it came to pass when Jerusalem was taken, in the ninth year of Zedekiah king of Judah, in the tenth month, came Nebuchadrezzar king of Babylon and all his army against Jerusalem, and they besieged it.
2 Zvino mugore regumi nerimwe raZedhekia, pazuva repfumbamwe romwedzi wechina, masvingo eguta akakoromorwa.
In the eleventh year of Zedekiah, in the fourth month, on the ninth of the month, the city was broken into;
3 Ipapo machinda ose amambo weBhabhironi akauya ndokugara paSuo Rapakati, vaiti: Nerigari-Sharezeri weSamugari naNebho-Saresekimi mukuru wavaranda vamambo weBhabhironi, naNerigari-Sharezeri mukuru aiva nechinzvimbo chapamusoro, namamwe machinda ose amambo weBhabhironi.
and all the princes of the king of Babylon came in, and sat in the middle gate: Nergal-sharezer, Samgar-nebu, Sarsechim, chief chamberlain, Nergal-sharezer, chief magian, and all the rest of the princes of the king of Babylon.
4 Zedhekia mambo weJudha navarwi vose vakati vavaona, vakatiza; vakabuda muguta usiku vakaenda nenzira yokubindu ramambo, napasuo raiva pakati pamasvingo maviri, ndokunanga kuArabha.
And it came to pass when Zedekiah the king of Judah and all the men of war saw them, that they fled, and went forth out of the city by night, by the way of the king's garden, by the gate between the two walls; and he went out the way of the plain.
5 Asi hondo yavaBhabhironi yakavadzinganisa ndokubatira Zedhekia mumapani eJeriko. Vakamubata ndokumuendesa kuna Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi paRibhira munyika yeHamati kwaakamupa mutongo wake.
And the army of the Chaldeans pursued after them, and overtook Zedekiah in the plains of Jericho; and they took him, and brought him up to Nebuchadnezzar king of Babylon, unto Riblah in the land of Hamath; and he pronounced judgment upon him.
6 Ipapo paRibhira Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pake uye akaurayawo makurukota ose eJudha.
And the king of Babylon slaughtered the sons of Zedekiah in Riblah before his eyes, and the king of Babylon slaughtered all the nobles of Judah;
7 Ipapo akatumbura meso aZedhekia ndokumusunga nengetani kuti aende naye kuBhabhironi.
and he put out the eyes of Zedekiah, and bound him with chains of brass, to carry him to Babylon.
8 VaBhabhironi vakapisa muzinda wamambo nedzimba dzavanhu vakakoromora masvingo eJerusarema.
And the Chaldeans burned the king's house and the houses of the people with fire, and broke down the walls of Jerusalem.
9 Nebhuzaradhani mukuru wehondo yavarindi akaendesa kuBhabhironi vanhu vakanga vasara muguta pamwe chete navaya vakanga vazvipira kwaari uye noruzhinji rwavanhu.
And Nebuzar-adan the captain of the body-guard carried away captive into Babylon the rest of the people that were left in the city, and the deserters that had deserted to him, with the rest of the people that were left.
10 Asi Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akasiya munyika yeJudha vamwe varombo vakanga vasina chinhu; uye panguva iyoyo akavapa minda yemizambiringa nemimwe minda.
But Nebuzar-adan the captain of the body-guard left [certain] of the people, the poor who had nothing, in the land of Judah, and gave them vineyards and fields at the same time.
11 Zvino Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akanga arayira izvi pamusoro paJeremia kubudikidza naNebhuzaradhani mukuru wavarindi, achiti,
And Nebuchadrezzar king of Babylon had given charge concerning Jeremiah by Nebuzar-adan the captain of the body-guard, saying,
12 “Mutorei mumuchengete; musamuitira zvakaipa asi mumuitire zvose zvaanokumbira.”
Take him, and keep an eye upon him, and do him no harm; but do unto him even as he shall say unto thee.
13 Saka Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, naNebhushazibhani mukuru wavaranda, naNerigari-Sharezeri aiva mukuru wenʼanga namamwe machinda ose amambo weBhabhironi
So Nebuzar-adan the captain of the body-guard sent, and Nebushazban, chief chamberlain, and Nergal-sharezer, chief magian, and all the king of Babylon's princes,
14 vakatumira nhume kuti Jeremia abviswe paruvazhe rwavarindi. Vakamuendesa kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, kuti vamudzosere kumusha kwake. Saka akaramba agere pakati pavanhu vokwake.
even they sent, and took Jeremiah out of the court of the guard and committed him to Gedaliah the son of Ahikam the son of Shaphan, that he should conduct him away home. And he dwelt among the people.
15 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia achakapfigirwa muruvazhe rwavarindi, richiti,
And the word of Jehovah came unto Jeremiah, while he was shut up in the court of the guard, saying,
16 “Enda undoudza Ebhedhi-Mereki muEtiopia kuti, ‘Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Ndava pedyo kuzadzisa mashoko angu pamusoro peguta rino nenjodzi, kwete kubudirira. Panguva iyoyo zvichazadzisika pamberi pako.
Go and speak to Ebed-melech the Ethiopian, saying, Thus saith Jehovah of hosts, the God of Israel: Behold, I will bring my words upon this city for evil, and not for good, and they shall come to pass before thy face in that day.
17 Asi iwe ndichakurwira pazuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, haungaiswi mumaoko evaunotya.
And I will deliver thee in that day, saith Jehovah; and thou shalt not be given into the hand of the men of whom thou art afraid;
18 Ndichakuponesa; haungaurayiwi nomunondo asi uchatiza noupenyu hwako, nokuti unovimba neni, ndizvo zvinotaura Jehovha.’”
for I will certainly save thee, and thou shalt not fall by the sword, but thou shalt have thy life for a prey; for thou hast put thy confidence in me, saith Jehovah.

< Jeremia 39 >