< Jeremia 33 >
1 Shoko raJehovha rakasvika kechipiri kuna Jeremia panguva yaakanga akapfigirwa muruvazhe rwavarindi richiti,
Kisha neno la Yahwe likaja kwa Yeremia mara ya pili, alipokuwa bado amefungwa ndani ya uwanja wa walinzi, likisema,
2 “Zvanzi naJehovha, iye akaita nyika, naiye akaiumba uye akaisimbisa, Jehovha ndiro zita rake,
Yahwe muumbaji, anasema hivi—Yahwe, aumbaye ili athibitishishe—Yahwe ndilo jina lake,
3 ‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’
'Niite, na nitakuitika, nitakuelezea mambo makuu, siri ambazo huzielewi.'
4 Nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pedzimba dziri muguta rino uye nomuzinda wamadzimambo eJudha zvakakoromorerwa pasi kuti zvishandiswe pakuputsa mirwi yakakomba guta neminondo,
Kwa maana Yahwe, Mungu wa Israel, anasema hivi kuhusu nyumba zilizo katika mji huu na nyumba za wafalme wa Yuda zilizobomolewa kwa sababu ya maboma na upanga,
5 mukurwisana navaBhabhironi, ‘Zvichazadzwa nezvitunha zvavanhu vandichauraya pakutsamwa kwangu nehasha dzangu. Ndichavanzira guta rino chiso changu nokuda kwokuipa kwaro kwose.
Wakaldayao wanakuja kupigana na kuzijaza nyumba kwa hizi kwa majeshi ya watu ambao wataua katika hasira yangu na ghadhabu yangu, nitakapouficha mji huu uso wangu kwa sababu ya uovu wao wote.
6 “‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka.
Lakini ona, niko karibu kuleta uponyaji na tiba, kwa maana nitawaponya na nitawapa wingi wa, amani na uamainifu.
7 Ndichabvisazve Judha neIsraeri norugare kubva kuutapwa ndivavakezve sepakutanga.
Kwa maana nitawarudhisha wafungwa wao wa Yuda na Israeli; nitawajenga tena kama ilivyokuw mwanzo.
8 Ndichavanatsa pachivi chose chavakanditadzira ndigovakanganwira zvivi zvavo zvose zvokundimukira.
Kisha nitawatakasa uovu wote walioufanya dhidi yangu. Nitasamehe makosa yote waliyonitenda, na na njia zote walizo asi dhidi yangu.
9 Ipapo guta rino richandivigira mukurumbira, mufaro, kurumbidzwa nokukudzwa pamberi pendudzi dzose dzepanyika dzinonzwa zvakanaka zvose zvandinoriitira; dzichatya uye dzichadedera nokuda kwokukura kwokubudirira norugare rwandinoripa.’
Kwa maana mji huu kwa ajili yangu utakuwa chombo cha furaha, nyimbo, sifa na heshima kwa mataiafa yote ya dunia ambao watasikia mambo yote mema ninayokwenda kufanya kwa ajili ya huu mji. Kisha wataogopa na kutetemeka kwa sababu ya mambo yote mema na amani nitayoupa mji huu.'
10 “Zvanzi naJehovha: ‘Munoti pamusoro penzvimbo ino, “Yaparara, haina vanhu vanogaramo kana mhuka dzinogaramo.” Asi mumaguta eJudha nomumigwagwa yeJerusarema makasiyiwa musina chinhu, musisagarwi navanhu kana nemhuka, muchanzwikwazve
Yahwe anasema hivi, 'Katika sehemu hii ambayo sasa mnaisema, “Imetengwa, sehemu isiyo na mwanadamu wala mnyama,” katika mji huu wa Yuda, na katika mitaa ya Yerusalemu ambayo imetengwa bila mwanadamu wala mnyama, zitasikika tena
11 manzwi nomufaro nokufarisisa, namanzwi emwenga nechikomba, namanzwi avaya vanouya nezvipo zvokuvonga kuimba yaJehovha, vachiti, “‘“Vongai Jehovha Wamasimba Ose, nokuti Jehovha akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Nokuti ndichadzosazve pfuma yenyika iyi sezvayaiva iri kare,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
sauti za furaha na sauti za shangwe, sauti ya bwana arusi na sauti ya bibi arusi, sauti za wale wasemao, wanapoleta shukrani katika nyumba ya Yahwe, “Mshukuruni Yahwe wa majeshi, kwa maana Yahwe ni mwema, na upendo wake usioshindwa wadumu milele!” Kwa maana nitawafanaya tena wafungwa wa nchi kuwa walivyokuwa mwanzo,' asema Yahwe.
12 “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Munzvimbo ino, yakaparara uye isina vanhu kana mhuka, mumaguta ayo ose aripo muchava namafuro avafudzi okuvatisa makwai avo.
Yahwe wa majeshi asema hivi: Katika sehemu hii ya ukiwa, ambamo sasa hakuna mwanadamu wala mnyama—katika miji yake yote kutakuwepo tena malisho ambapo wachungaji wataweza kupumzisha makundi yao.
13 Mumaguta enyika yezvikomo, neemujinga mezvikomo zvokumavirira neokuNegevhi, munyika yaBhenjamini, nomumisha yakapoteredza Jerusarema nomumaguta eJudha, makwai achapfuurazve napasi poruoko rwounoaverenga,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.
Katika miji hii katika nchi ya vilima, nchi tambarare, na Negevu katika nchi ya Benyamini na kuzunguka Yerusalemu yote, na katika miji ya Yuda, makundi yatapata njia chini ya mkono wa yule anayewahesabu,' asema Yahwe.
14 “‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha.
Angalia! Siku zinakuja—hili ni tangazo la Yahwe—ambapo nitafanya niliyoahidi kwa nyumba ya Israeli na nyumba ya Yuda.
15 “‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama.
Katika siku hizo na katika wakati huo nitachipua shina la haki kwa ajili ya Daudi, na litafanaya hukumu na haki katika nchi.
16 Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’
Katika siku hizo Yuda wataokolewa, na Yurusalemu utaishi katika usalama, kwa maana hivi ndivyo atakavyoitwa, “Yahwe ni haki ni haki yetu.”
17 Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri,
Kwa maana Yahwe anasema hivi: 'Mwana kutoka ukoo wa Daudi hatakosa kuketi katika kiti cha nyumba ya Israeli,
18 Kana vaprista, vorudzi rwaRevhi, havangashayiwi munhu angamira pamberi pangu nguva dzose kuti apisire zvipiriso, apisire zvipiriso zvezviyo uye ape zvibayiro.’”
wala mtu kutoka ukuhani wa Kilawi hatakosa kutoa sadaka za kuteketezwa mbele zangu, kutoa sadaka za chakula, na kutoa sadaka za nafaka wakati wote.”'
19 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti:
Neno la Yahwe likaja kwa Yeremia, likisema,
20 “Zvanzi naJehovha: ‘Kana mukagona kuputsa sungano yangu namasikati uye nesungano yangu nousiku, zvokuti masikati nousiku zvirege kuvapo nenguva yakatarwa,
“Yahwe anasema hivi: 'Kama mkiweza kulivunja agano langu la mchana na usiku ili kwamba siku isikawie wala usiku usikawie kuja kwa wakati wake,
21 ipapo sungano yangu naDhavhidhi muranda wangu, nesungano yangu navaRevhi avo vanova vaprista vanoshumira pamberi pangu, ingagona kuputsika uye Dhavhidhi haangazovizve nomwanakomana angatonga ari pachigaro chake choushe.
basi mtaweza u kulivunja agano langu na Daudi mtumishi wangu, ili kwamba aspate mwana wa kuketi juu ya kiti chake cha enzi, na gano langu na makuhuni wa Kilawi, watumishsi wangu.
22 Ndichawanza vana vomuranda wangu Dhavhidhi navaRevhi vanoshumira pamberi pangu zvokusaverengeka senyeredzi dzedenga uye zvokusagona kuyerwa sejecha regungwa.’”
Kama vile majeshsi ya mbinguni yasivyoweza kuhesabika, na kama vile mchanga wa ufukwe wa bahari usivyoweza kupimwa, ndivyo nitakavyouongeza uzao wa Daudi mtumishi wangu na Walawi watumikao mbele zangu.”
23 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia, richiti,
Neno la Mungu likaja kwa Yeremia, likisema,
24 “Hauna kucherechedza here kuti vanhu ava vanoti, ‘Jehovha akaramba umambo hwose huri huviri hwaakanga asarudza’? Saka vari kushora vanhu vangu nokusavaona sorudzi.
Hamkuzingatia walichotangaza watu hawa waliposema, 'Zile Familia mbili ambazo Yahwe alizichagua, sasa amezikataa'? Kwa jinsi hii hii waliwapuuza watu wangu, wakisema kwamba si taifa tena katika macho yao.
25 Zvanzi naJehovha: ‘Kana ndikasasimbisa sungano yangu namasikati nousiku nemitemo yakatemwa yematenga napasi,
Mimi, Yahwe, nasema hivi, 'Kama sijalithibitisha agano la mchana na usiku, na kama sijaziweka sheria za mbingu na dunia,
26 ipapo ndicharamba vana vaJakobho naDhavhidhi muranda wangu uye handingasarudzi mumwe wavanakomana vake kuti abate ushe pamusoro pavana vaAbhurahama, Isaka naJakobho. Nokuti ndichadzosa nhaka yavo uye ndichavanzwira tsitsi.’”
basi nitawakataa uzao wa Yakobo na Daudi mtumishi wangu, na nisilete mtu kutoka kati yao wa kutawala juu ya uzao wa Abrahamu, Isaka, na Yakobo. Kwa maana nitawarudisha wafubgwa wao na kuonesha huruma kwao.”'